Mazuva makumi maviri nerimwe pakutsanyaChikamu
![21 Day Fast](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2Fhttps%3A%2F%2Fs3.amazonaws.com%2Fyvplans%2F35%2F1280x720.jpg&w=3840&q=75)
Kutsanya hakufanire kunge kwakavanzika here? Unokwanisa kunge wakatanga rwendo rwuno nevamwe vauri kutsanya navo. Kutsanya kuzhinji muBhaibheri kwaitwa nevanhu vakawanda pamwe chete achidedzerwa nevaitonga. Fungisisa nezvingave zvirikutaurwa neshoko muchitsauko chino. Chinangwa chezvese zvaunotaura pamusoro pekutsanya ndechei? Kuitira kuti usimbise vamwe here kana kuti uwane rutsigiro? Pane chishuvo chakavanzika chekuda kuonekwa semunhu mutsvene kana akazara nemweya here? Vanhu vaviri chete vanoziva mhinduro yemivhunzo iyoyo--iwewe naMwari. Namata nhasi uchikumbira Mwari kuti akuratidze zvinangwa zvako pakutsanya uye uchikumbira nzira dzaungasimbiswa nadzo usangazadzi moyo wako nekuzvikudza.
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
![21 Day Fast](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2Fhttps%3A%2F%2Fs3.amazonaws.com%2Fyvplans%2F35%2F1280x720.jpg&w=3840&q=75)
Tanga gore rako nekuisa meso ako pakuzviranga nekutsanya. Hurongwa hwuno hune zvitsauko zvakatiwandei zvinoita nezvekutsanya uye nemamwewo anokurudzira kuzviongorora nekuswedera pedyo naMwari. Pamazuva 21, uchange uchipihwa ndima inobva muBhaibheri, chirongwa chekunamata, mivhunzo inobetsera kuzviongorora, uye neminamato. Kuwana zvimwe zvakatiwandei, enda ku www.finds.life.church.
More
We'd like to thank Life.Church for their generosity in providing the structure for the 21 Day Fast reading plan.