Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mazuva makumi maviri nerimwe pakutsanyaChikamu

21 Day Fast

ZUVA 8 REMAZUVA 21

Wave kupinda muvhiki rechipiri rekutsanya kwako! Pisarema iri rinotaura nezvekupinda muhuvepo hwaMwari nekutenda, mufaro, uye nerumbidzo mumoyo wako. Kana pfungwa dzako dzichinyanya kuve pakunetsekana kwauri kusangana nako kana kuremerwa kwauri kuuya nako kunaMwari mumunamato, shandisa nguva yako nekuva nemufaro munaShe. Nyora pasi zvimwe zvezvinhu zvinokupa mufaro nhasi. Imba nziyo yerumbidzo kwaari. Namata kuti Mwari aise mweya wekutsungirira ugoona Mwari zvaakakugadzirira mberi kwemasuwo ake.
Zuva 7Zuva 9

Zvinechekuita neHurongwa uhu

21 Day Fast

Tanga gore rako nekuisa meso ako pakuzviranga nekutsanya. Hurongwa hwuno hune zvitsauko zvakatiwandei zvinoita nezvekutsanya uye nemamwewo anokurudzira kuzviongorora nekuswedera pedyo naMwari. Pamazuva 21, uchange uchipihwa ndima inobva muBhaibheri, chirongwa chekunamata, mivhunzo inobetsera kuzviongorora, uye neminamato. Kuwana zvimwe zvakatiwandei, enda ku www.finds.life.church.

More

We'd like to thank Life.Church for their generosity in providing the structure for the 21 Day Fast reading plan.

Zvirongwa zvakada kufanana neichi