Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mazuva makumi maviri nerimwe pakutsanyaChikamu

21 Day Fast

ZUVA 12 REMAZUVA 21

Kudya inzira yekuwana kunyarara kune vakawanda. Fungisisa kuti kangani pfungwa dzako dzichikundirwa nekushuvira kwako kumwe kudya, kusuwa zvinhu zvauri kuzvinyima, kana kuti unokwanisa kuderedza huremu hwakawanda sei. Zvinoitika kazhinji? Kana ranga riri doro kana mushonga unokuvadza, ungazviti zviri muropa here paunokundirwa nechido chezvinhu izvi? Kune vakawanda, kutsanya uku kunokwanisa kuratidza kukokeshesa kwatinoita kudya kusina kunaka. Kunokwanisa kuratidza kusagona kwedu kugara tisina zvimwe zvinhu. Namata kuti Mwari wetsitsi nekunyaradza kwese ave iye nzvimbo yedu yekunyaradzwa yekutanga. Mukumbire kuti ashandise nguva ino nekuoma kwayo kubvisa chese chiri kutora nzvimbo yeMweya Mutsvene muhupenyu hwako seMunyaradzi wako.
Zuva 11Zuva 13

Zvinechekuita neHurongwa uhu

21 Day Fast

Tanga gore rako nekuisa meso ako pakuzviranga nekutsanya. Hurongwa hwuno hune zvitsauko zvakatiwandei zvinoita nezvekutsanya uye nemamwewo anokurudzira kuzviongorora nekuswedera pedyo naMwari. Pamazuva 21, uchange uchipihwa ndima inobva muBhaibheri, chirongwa chekunamata, mivhunzo inobetsera kuzviongorora, uye neminamato. Kuwana zvimwe zvakatiwandei, enda ku www.finds.life.church.

More

We'd like to thank Life.Church for their generosity in providing the structure for the 21 Day Fast reading plan.

Zvirongwa zvakada kufanana neichi