Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mazuva makumi maviri nerimwe pakutsanyaChikamu

21 Day Fast

ZUVA 17 REMAZUVA 21

Iyi ndeimwe yenyaya dzinoshamisa muBhaibheri. Unokwanisa kuona kufanana kwehupenyu hwako nechiitiko chakasangana nevarume vechidiki vatatu--kuwanda kwekuziva pachinzvimbo chechokwadi. Kuziva kwaiti vatyora mutemo, kurangwa kwaive kufa, Nebuchadnezzar ndiye aive nemasimba ose munyika yese, moto waipisa zvekuti waikwanisa kupisa murindi ari pedyo nawo, varindi vaizovakanda vaive vakawanda, uye vanga vachizokotama kana kutsva. Chete. Asi chokwadi chairwisa kuziva, uye varume vatatu ava vakasarudza kumira pachokwadi. Chokwadi changa chiri chekuti Mwari achavaponesa kana kuti vachazvipira kufira Mwari. Chokwadi ndechekuti Mwanakomana waMwari akafamba navo mukati memoto. Chingava chii chaurikusangana nacho chinokwikwidza nechokwadi chaMwari? Tora chokwadi uende nacho pamberi paMwari kuburikidza nemunamato uye uchitenda nesimba kuti Mwari wako achava newe kunyangwe nemumoto.

Rugwaro

Zuva 16Zuva 18

Zvinechekuita neHurongwa uhu

21 Day Fast

Tanga gore rako nekuisa meso ako pakuzviranga nekutsanya. Hurongwa hwuno hune zvitsauko zvakatiwandei zvinoita nezvekutsanya uye nemamwewo anokurudzira kuzviongorora nekuswedera pedyo naMwari. Pamazuva 21, uchange uchipihwa ndima inobva muBhaibheri, chirongwa chekunamata, mivhunzo inobetsera kuzviongorora, uye neminamato. Kuwana zvimwe zvakatiwandei, enda ku www.finds.life.church.

More

We'd like to thank Life.Church for their generosity in providing the structure for the 21 Day Fast reading plan.

Zvirongwa zvakada kufanana neichi