Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mazuva makumi maviri nerimwe pakutsanyaChikamu

21 Day Fast

ZUVA 16 REMAZUVA 21

Zita rekuverenga kwanhasi nderekuti Pisarema Rekutenda MunaMwari Kusina Kutya. Rinotaura nezvekutsvaga chinhu chimwe. Panguva ino yekutsvaga, zviri nyore kuti pfungwa dzako dzive pakutsvaga zvinhu kubva kunaMwari pane kuti utsvage Mwari chete --kutsvaga ruoko rwake pachinzvimbo pechiso chake. Funga musiyano wekuenda pamberi pamambo uchinotsvoda ruoko rwake nekuenda pamberi pababa vane rudo uchitsvoda chiso chavo. Mwari ndiMambo wedu uye ndiBaba vedu. Anokwanisa kusangana newe panezvaunoda nekupindura minamato yako. Asi achikudawo kudarika zvaungafunge kana kuziva. Paunotsvaga chiso chake, unopedzisira wave pedyo naye kudarika pekutanga. Namata nhasi kuti uchatsvaga chiso chaMwari nekuti uve pedyo naye kudarika zvawaive pakutanga.
Zuva 15Zuva 17

Zvinechekuita neHurongwa uhu

21 Day Fast

Tanga gore rako nekuisa meso ako pakuzviranga nekutsanya. Hurongwa hwuno hune zvitsauko zvakatiwandei zvinoita nezvekutsanya uye nemamwewo anokurudzira kuzviongorora nekuswedera pedyo naMwari. Pamazuva 21, uchange uchipihwa ndima inobva muBhaibheri, chirongwa chekunamata, mivhunzo inobetsera kuzviongorora, uye neminamato. Kuwana zvimwe zvakatiwandei, enda ku www.finds.life.church.

More

We'd like to thank Life.Church for their generosity in providing the structure for the 21 Day Fast reading plan.

Zvirongwa zvakada kufanana neichi