Kuva nechokwadi panguva dzausinganzwisisi ramangwanaChikamu
Mune moto matiri tose wakamirira kubatidzwa. Moto unokura uye unogona kupararira kune avo vakatipoteredza kana ukaranba uchikushidzira. Moto uyu wakasimba kudarika kusava nechokwadi kwauinako. Une simba rekukurira kutarisira zvakashata kungava kwakakukomberedza izvozvi.
Moto iwowo, moyo iwowo, simba riri mauri rakaiswa naMwari pachake. Moyo wekuita zvawakasikirwa, chero chipi zvacho. Simba riri mauri rekutsungirira uye ugobuda uri pamusoro chero uchikwikwidzana nani.
Pamwe handina chokwadi nezvichauya ramangwana, asi ndine chokwadi kuti ndinofanira kuti zvinhu zviitike nhasi.
Pamwe handina chokwadi kuti ndichabata zvinangwa zvangu sei, asi ndine chokwadi chekuti zvinangwa zvangu ndezvipi.
Handina chokwadi KUTI ndinokunda sei, asi ndine CHOKWADI kuti ndichakunda.
Ndine chokwadi nazvo.
Ndazvipira.
Mwari wangu akandipa zvose zvingadiwa kuti ndione zvandinorota zvose zvichizoitika. Aanondirindira kubvira pandakasikwa uye anokunda nguva dzose.
Handina chokwadi kuti ndichapabuda sei. Asi ndine chokwadi. Handizivi kuti ndichakunda riini, asi ndinoziva kuti ndichakunda zvose.
Ndine chokwadi nazvo.
Chero chii chauri kusangana nacho hachikuriri Ishe. Chero marwadzo, kutya, kushushikana, kunetseka mupfungwa, kusagadzikana, kana kusava nechokwadi neramangwana kunova CHOKWADI muna Jesu Kristu.
Panguva yekusava nechokwadi neramangwana, usatya. Iva nechokwadi.
Kuti mubatane naDavid Villa, Baya pano!
Kuti mutevere mapodhikasiti aDavid, Baya pano!
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Uri pakusanzwisisa ramangwana, Mwari havashanduki! Batana naDavid Villa muchirongwa chake chino achitarisa kusanswisisika kweramangwana uye kutarisira zvakashata kuti usvikire chimwe chinhu chikurusa.
More