Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuva nechokwadi panguva dzausinganzwisisi ramangwanaChikamu

Certainty In Times Of Uncertainty

ZUVA 4 REMAZUVA 5

Zvinhu hazvifambi sekuronga kwedu nguva dzose, asi zvinotevera hurongwa hwaIshe.

Upenyu, zvakadaro, hauraramwi pasina zvipingaidzo. Kutadza hakuwanikwi kuzvipingaidzo izvi, kunowanikwa kana tatendera zvipingaidzo izvi kuti zvititadzise. Usawodzwa mwoyo nekunonoka zvekurasa tariro pakutevera chinangwa chako. Hatigoni kutonga zvese zvinoitika kwatiri, tinogona chete kusarudza zvatinozoita kana zvaitika. Mufundisi Charles R. Swindoll vakati hupenyu zvikamu gumi kubva muzana zvinoitika kwatiri nezvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana zvationoita zvichitevera zvinenge zvaitika.

Mafungiro ako ane simba guru. Ndinotenda kuti vanhu vanobudirira havabudiriri nekuda kwezvipo zvavo kana umhizha hwavo. Vanhu vanobudirira vanobudirira nekuti vanofunga kubudirira kwavo chero pakukundikana.

Tinofanira kutenda nzira, chero rwendo ruchimborema. Mwari ari kukurera kuitira hurongwa hwaakakugadzirira kuti urarame. Mwari anotipinza nepamwe pandingati “nguva dzekupingudzwa” kutigadzirisa mifungo kuitira apo patakananga patinofanira kusvika. 

Kuva nechokwadi panguva dzekusaziva hazvirevi kufuratira zviri kuitika munharaunda mauri. Hazvirevi kuti hauchanzwi kutya, tiri vanhuwo. Zvinoreva kuti isu, sevadzidzi vaKristu, tinosarudza kuva nekutenda pakati pekutya uye kutarisira zvakashata kungava kwakatipoteredza. Zvinoreva kuti chero tiine kutya mupfungwa, tinoziva kuti Ishe anotipa zvese zvatingada kuti tiende mberi.

Panguva dzekusava nechokwadi, Bhaibheri rako ndicho chokwadi. 

Mwari ichokwadi. 

Jesu azvipira. 

Unoona, tinogona kurarama munyika ine miganhu asi Mwari watinoraramira haana miganhu.

Zuva 3Zuva 5

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Certainty In Times Of Uncertainty

Uri pakusanzwisisa ramangwana, Mwari havashanduki! Batana naDavid Villa muchirongwa chake chino achitarisa kusanswisisika kweramangwana uye kutarisira zvakashata kuti usvikire chimwe chinhu chikurusa.

More

Tinoda kutenda David Villa nekutipa chirongwa chino. Kuti munzwe zvizhinji, ndapota shanyirai: https://davidvilla.me