Kuva nechokwadi panguva dzausinganzwisisi ramangwanaChikamu
Zuva nezuva, vanhu pasi rese vanobatidza matv avo vachiona nhau.
Zviitiko zvepasi rese zvinokurukurwa pamachanero angangova ese.
Kutarisira zvakashata kwakazara paindaneti.
Mapepanhau, chero zvawo asingachanyanyi kupembedzwa sezvaaimboitwa kare, achiri kuwanika chaizvo.
Uye kutya nekutarisira zvakashata zvakazarawo, zvekare.
Hazvidziviririki. Zviri mumeso edu nguva dzose. Kutarisira zvakashata idenda.
Toitasei?
Tokwidza chikero.
Totevera nzira.
Tovhura peji.
Uye tinobva tatendera kuti kutarisira zvakashata uku kutipinde mupfungwa. Tinonetseka mupfungwa nehondo dziriko, zvirwere zvakauya, zviri kuitika pamusika.
Ko tinodarirei? Tinofadzwa nei pakuziva izvi?
Tinotya.
Hazvina kuvanzika kuti pasi pano pane rima guru kwazvo, rakatogadzirira kudhonzera kwariri vose vanoriteerera.
Asiwo kune chiedza chakawanda.
Uye, pane chiedza rima hirikundi.
Chiedza chinondipenyera nguva dzose panguva dzose apo ndinenge ndapinda murima guru. Angave api zvawo mamirire akaita zvinhu zvako, Bhaibheri rinofamba newe matanho ose kuti ukunde. Nhamo yemari, nyaya dzemuwanano kana ukama, matambudziko kubasa, kuchikoro, matambudziko ari pasi rese, haana simba tichienzanisa naIshe, uye kusvika nekusingaperi. Bhaibheri rako ndiro rinokupa chiedza chisingaperi.
Chero mumakamuri ane rima rakanyanya, kana rambi rikabatidzwa, chiedza chinodzinga rima iroro. Chero pakutambudzika, mukati menhamo, uye kusava nchokwadi neramangwana, chiedza chaMwari chinopenya patiri chinokunda. Hakuna chinopfuura apa. Hapana chinopenya kudarika apa.
Mukati merima, ndinosarudza kuswedera kune chiedza. Kuti chigopenya pamweya wangu uye kunditungamirira kumazuva ari nani.
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Uri pakusanzwisisa ramangwana, Mwari havashanduki! Batana naDavid Villa muchirongwa chake chino achitarisa kusanswisisika kweramangwana uye kutarisira zvakashata kuti usvikire chimwe chinhu chikurusa.
More