Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuva nechokwadi panguva dzausinganzwisisi ramangwanaChikamu

Certainty In Times Of Uncertainty

ZUVA 2 REMAZUVA 5

Panguva yatiri ino, ruzivo rwakuwanika nekukasira kudarika nariini.

Unogona kugugula chero chii zvacho, uye unogona kuverenga nezvenyaya iyoyo kwemasvondo. Nekubaya chinongedzo chekombiyuta yako, kana kudzvanya nechigunwe chako, unogona kudzidza zvese zvaungada kuziva. Chero zvazvo zvichifanira kunongedzera kunaka kwenguva ino yatiri kurarama, asi hazvidaro nguva dzese. Kupararira kwaita zivo kunauyawo nemanyepo. Vanhu vakaisa mwoyo yavo panhau zvekuti hatichaziva chokwadi kana manyepo.

Muganhu wechokwadi nemafungiro wakadzimwa nevanyori nevenhepfenyuro dzenhau vasingatvaki chokwadi seni newe.

Vari kutsvaga kufarirwa.

Kana vanhu vazere nekutya, vanotizira kunhau. Vanoda kunyaradzwa kana kunzwa nezvechinhu chavari kutya. Asi, nguva zhinji tinotora zvataurwa nemunhu kuva chokwadi. Tinonzwa nekuverenga totora chero zvataurwa kana kunyorwa kuva chokwadi, tisingafungiwo kuti pazviwana panogona pakanyeperwawo.

CHOKWADI choga chatinoziva ndechekuti Jesu Kristu wakafira zvivi zvedu. Chokwadi chega chatinoziva chakaongororwa, chakanongedzerwa uye chakatsvakurudzwa, ndechekuti Mwari anenge aripo kubva kumavambo kusvika kumagumo. Pakuvhura nepakuvhara. Ndiye munyori uye mupepeti, uye shoko rake ndiro rekupedza zvose. Hapana chekubatikana nacho. Hapana chokwadi chisati chaiswa pachena.

Handisikuti muregere kuverenga nhau. Kutenda avo vakakumberedzai. Zvandiri kukuudzai ndezvekuti zvisina basa nekuti kwanyorwei, zvisina basa nekuti zvii zvataurwa, Mwari anoziva. Zvawakarongerwa naMwari hazvichinji nekuda kwezvhinhu zvingaitwa nevanhu. Zvirongwa zvaMwari hazvitsukunuki, kana kuchinja zvichienderana nezvinenge zvichiitika kwatiri.

Panguva dzekusava nechokwadi neramangwana, Mwari havashanduki. Kunyangwe zvirongwa zvedu zvikaramba uye kushanduka, zvatakarongerwa naMwari zvichaitwa.

Zuva 1Zuva 3

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Certainty In Times Of Uncertainty

Uri pakusanzwisisa ramangwana, Mwari havashanduki! Batana naDavid Villa muchirongwa chake chino achitarisa kusanswisisika kweramangwana uye kutarisira zvakashata kuti usvikire chimwe chinhu chikurusa.

More

Tinoda kutenda David Villa nekutipa chirongwa chino. Kuti munzwe zvizhinji, ndapota shanyirai: https://davidvilla.me