Kuva nechokwadi panguva dzausinganzwisisi ramangwanaChikamu
Hatigoni kuva nechokwadi kuti chii chichaitika neramangwana. Hapana anoziva kuti ramangwana rinounza chii. Tinogona kuita fungidziro tichitarisa mafambiro ezvinhu. Tinogona kufembera. Tinogona kuongorora mafambiro ezvinhu kuti tione kuti zvichafamba sei, asi hapana anoziva kuti ramangwana rinounza chii. Zvatinazvo zvese ndinhasi.
Uye ranhasi rakatokwana.
Wakararama zuva nezuva kusvikira pari zvino. Ose zvawo mamiriro ezvinhu nezvimhingamupinyi. Hausati wakundwa. Wakambosangana nezvakaoma kumashure, uye wakamborwisana nezvinotyisa zvichiita sezvine simba pamusoro pako, asi wakakunda pose.
Panguva dzekusanzwisisa ramangwana, tinosarudza kuva nechokwadi.
Tine chokwadi kwete mumamiriro ezvinhu asi muna Mwari wedu, anotiwanira zvose uye anotichengetedza.
Kuva nechokwadi – Kuva nechisungo chakasimba kuti zvichamira sei. Kuva nechivimbo chekuva pachokwadi nguva dzose. Chokwadi chemazvokwadi kana chiitiko chichatoitika.
Kusava nechokwadi – Kusaziva kuti chii chichaitika. Chinhu chichaitika kana kukonzera kuti vamwe vasave nechokwadi neramangwana.
Kusava nechokwadi kunoti, “Handizivi kuti ramangwana richauya nei.”
Kuva nechokwadi kunoti, “Ndinoziva kuti ramangwana richauya nei!”
Kuva usina Kristu ndiko kuva usina rugare. Kusava nechokwadi. Munhu wese ane hana mukati make, inofanira kugutswa kuti ave nemufaro wechokwadi. Kune chinhu chimwe chinopa rugare muhana, kuva nehukama hwakanaka naMwari.
Rwira icho chakanyanya kukukoshera. Rwira kutenda kwako. Rwira mhuri yako. Rwira hupenyu hwako. Usabvumira kuti kutarisira zvakashata uye kusava nechokwadi zvikutorere nzvimbo mupfungwa mako. Mwari ACHIRIPO pabasa rekupa makomborero.
Ino ndiyo nguva yekuti tisiye kusava nechokwadi uye titambire kuva nechokwadi. Kutarisira zvakashata kwagarisa uye kutarisira zvakanaka kwadzoka!
Tinofanira kuunza nyika ino kuna Jesu.
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Uri pakusanzwisisa ramangwana, Mwari havashanduki! Batana naDavid Villa muchirongwa chake chino achitarisa kusanswisisika kweramangwana uye kutarisira zvakashata kuti usvikire chimwe chinhu chikurusa.
More