Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kushandisa nguva yako munaMwariChikamu

Using Your Time for God

ZUVA 4 REMAZUVA 4

Kugadzira Urongwa Hwako
Shandisa nguva yako yekutandara kutandanisana nezvinhu zvinobatsira muhupenyu.Kuverenga kushandisa nguva yako zvakanaka.Augustine akakurudzira vatendi kuti vadzidze zvinhu zvakawanda zvavanokwanisa,sezvo chokwadi chese chiri chaMwari.Zvimwewo zvinobatsira zvinogona kuitwa ndezve unyanzvi wekuumba kana kugadzira mifananidzo.Ini ndaifarira zvekugadzirisa mazwi akatarangana kuti ndikwanisewo kunzwisisa mazwi akasiyana-siyana.
Tsvagawo mimwe mitambo yaungatambe.Ndine katsika kekuti ndirare nguva dzesere manheru ndichizomuka nenguva dzeina kuseni-seni.Izvi zvabatsira kuti nditange urongwa hwakasimba.Nguva dekuseni hadzina zvinokanganisa,inguva dzakanakisa chaizvo kuti uverenge,unyore kana kunamata.
Shandisa nguva dzekutyaira motokari kuti udzidze.Kutyaira motokari kunoda zvemeso kunoita kuti pfungwa dzinge dzakavhurika kukunda zviri kuitika pamugwagwa.Zvinobatsirawo kushandisa nguva iyi kuteerera zvirongwa zvefundo yakasiyana-siyana.
Chekupedzisira kakawanda kacho,chirongwa chinokusunungura kunze kwokunge chichikukanganisa.Kushanda une chirongwa kunobatsira zvakanyanya kuti tigadzirise mashandisiro atinoita nguva yedu.Chirongwa chinofanira kuve shamwari kwete muvengi.Zvinotibatsira kuti tiwane mafambisiro ehupenyu hunobudirira hunopa mbiri kuna Mwari.

Uchigara pamberi pemeso aMwari.
Kana usina chirongwa,gadzira uchishandise kwevhiki rese,wozotarisisa kuti chakubatsira here kuti udzikinure nguva.Kana unechirongwa chako nechekare,chimbotora nguva yekutarisazve chirongwa chacho wonamata nezvezvinhu zvaunokoshesa.

Copyright; Ligonier Ministries.Piwa bhuku remahara kubva kuna R.C Sproul pa www.ligonier.org/freeresource

Zuva 3

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Using Your Time for God

Shoko dzvene rekuverenga mazuva mana rakanyorwa naR.C Sproul rokuti unoshandisa sei nguva yako uchiipawo kunaMwari.Chikamu chega-chega chinokudaidza kuti ugare uri muna Mwari,uri muhukuru hwake,kune kubwinya kwaMwari.

More

Tinoda kutenda Ligonier Ministries iyo yakatipa chirongwa chino.Kana muchida kuziva zvizere,tapota endai pa Ligonier.org/youversion