Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kushandisa nguva yako munaMwariChikamu

Using Your Time for God

ZUVA 2 REMAZUVA 4

Kudzikinura nguva yako.
Nguva ndiyo hurukuro yakakura.Ndiyo yega muupfumi yakapangurwa zvakaenzana pamunhu wega-wega.Munhu wese mupenyu ane maawa akfanana ekushandisa pamusi wega-wega.Vanhu vanogara vakabatikana havana yavo nguva yakakosha yavakawedzerwa pamaawa epa zuva rega-rega.Chiringazuva hachisarudze wacho wachinodisisa.
Tose tine nguva yakaenzana mazuva ese.Patinosiyana chete ndepekuti tirikuishandisa sei nguva iyi yatakagoverwa.Kana chinhu chadzikinurwa,chinenge chaponeswa kana kutengwa kubva mune zvinhu zvakaipa.Chinhu chakaipa ndechekuti tine hanya nekunyanya kuda kurasikirwa.Kurasikirwa nenguva kuisa nguva yako pazvinhu zvakakosha zvishoma kana zvisina kukosha zvachose.
Mushakabvu Vince Lombardi akaburitsa chirevo chokuti 'Handina kumbokundwa pamutambo;Ndangopererwa nenguva'.Tsananguro iyi ino ndiendesa kune chimwe chiitiko chezvinoshamisa mumitambo;makwikwi nechiringazuva.Chikwata chinenge chichigona chaizvo panguva iyoyo yapiwa ndicho chikwata chinohwina mutambo wacho.Chaizvowo mumitambo,kusiyana nemuhupenyu panogona kudeedzerwa kuti nguva yapera.Chiringazuva mumitambo chinogona kumiswa chiri panzvimbo imwe.Asi muhupenyu hamuna kuti regai ndimbomisa nguva iri pano.
Kugara uri pamberi pechiso chaMwari.Kumbira Mwari vakuratidze kuti ungadzikinure sei nguva yawakapiwa iri kuperera muzvinhu zvisina kukosha.

Copyright LigonierMinistries.Wana bhuku remahara kubva kuna R.C Sproul pa www.Ligonier.org/freeresource
Zuva 1Zuva 3

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Using Your Time for God

Shoko dzvene rekuverenga mazuva mana rakanyorwa naR.C Sproul rokuti unoshandisa sei nguva yako uchiipawo kunaMwari.Chikamu chega-chega chinokudaidza kuti ugare uri muna Mwari,uri muhukuru hwake,kune kubwinya kwaMwari.

More

Tinoda kutenda Ligonier Ministries iyo yakatipa chirongwa chino.Kana muchida kuziva zvizere,tapota endai pa Ligonier.org/youversion