Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kushandisa nguva yako munaMwariChikamu

Using Your Time for God

ZUVA 1 REMAZUVA 4

Shandisa nguva yako zvinobudirira.
Pandaive ndichiri mwana mudiki ndichienda kuchikoro chevana vadiki,vanhu vaigara vachindibvunza;'Chidzidzo chaunonyanya kufarira ndechei?'Nguva dzose ndaipindura chimwe chete chezvinhu zviviri.Ndaigona kupindura ndichiti,'nguva yekuzorora' kana kuti 'nguva yekurovedza muviri'.Mhinduro yangu yaigaroratidza chandainyanyodisisa zvakadzika.Ndaifarira zvekutamba kunze kwebasa.Zvechokwadi,maonero andaiita mafirosofi pamusoro pezvinhu zvose'Sei?' Mibvunzo yaitanga kuuya pandaifamba zvangu ndichienda kuchikoro ndichiita zvekunge kunyangira neminwe pakamukoto kakange kakareba,ndichitamba kunge munhu anofamba pawaya musekasi.
Ndakazvibvunza zvinoreva hupenyu,apo ndaishandisa mazuva mashanu emuvhiki ndichiita zvandaisada kuita kuti ndigozotamba chete kupera kwevhiki.Ndaigara ndasvika pachikoro pachine awa rese rekuti chikoro chitange;kwete kubva pakufarira zvekuti nditange kuita zvechikoro,asi kuti ndigodzikinura kushanda nesimbe kunodiiwa pachikoro neawa yese yekumbotamba zvangu ndichinakidzwa ndiri munhandare yekutambira bhero rekutanga chikoro risati rarira.Kwandiri,kudzikinura nguva kwaireva kutora nguva yakakosha yekutamba kubva pane iyo yaishandiswa kuita basa.
Ndakazosvika pakuona kuti mupositori Pauro akarayira vaverengi vake kuti 'dzikinurai nguva,nekuti mazuva ayipa'(VaEfeso.5:16),zvandinoita hazvina kunyatsofanana nezvaakange ainazvo mupfungwa dzake.Zvake zvaive zvekudaidza vanhu zvinyoro kuti vashandise nguva yavo zvinobudirira mukushandira umambo hwaKristu.
Pakugara pamberi pemeso aMwari.Unoshandisa here nguva yako zvinobudirira kuitira umambo hwaMwari?

Copyright Ligonier Ministries.Piwa bhuku remaharakubva kuna R.C Sproul pa www.ligonier.org/freeresource
Zuva 2

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Using Your Time for God

Shoko dzvene rekuverenga mazuva mana rakanyorwa naR.C Sproul rokuti unoshandisa sei nguva yako uchiipawo kunaMwari.Chikamu chega-chega chinokudaidza kuti ugare uri muna Mwari,uri muhukuru hwake,kune kubwinya kwaMwari.

More

Tinoda kutenda Ligonier Ministries iyo yakatipa chirongwa chino.Kana muchida kuziva zvizere,tapota endai pa Ligonier.org/youversion