Kushandisa nguva yako munaMwariChikamu
Kukunda chiringazuva.
Ndadzidzira zvinhu zvakati kuti,kuti ndikwanise kukunda chirngazuva kana kuti nguva.Zinogonawo kukubatsira.
Ndazoona kuti nguva yangu yose inguva yaMwari uye nguva yangu yose ndeyangu nokuda kwekunge ndakaipiwa naMwari.Mwari ndiye muridzi wangu nenguva yangu.Asi,akandipawo imwe nguva iyo yandinova ndini muchengeti wayo.Ndinokwanisa kutoa imwe nguva kushandira vamwe,kubvakachira vamwe nezvimwewo,asi pane nguva yokuti ndipewo nhoroondo.
Nguva inokwanisa kudzikinurwa nekutarisa uye kuisa pfungwa.Chinhu chimwe chete chikuru chinotipedzera nguva chinoitika mupfungwa dzemunhu.Maoko edu anogona kunge akabatikana asi pfungwa dzedu dzakagara.Saizvozvowo,maoko edu anogona akagara asi pfungwa dzakabatikana.Kuroterera,kurota kwamasikati kana kuvarairwa mupfungwa nezviroto ndizvo zvimwe zvezvinhu zvinotiparadzira pfungwa dzedu panguva yatiri.Kuisa pfungwa dzedu pabasa ririmberi;neubindikiti hwakanyanya;zvinoita kuti tishandise nguva dzedu zvinobudirira.
Pfungwa dzinogona kudzikinura nguva yakakosha inotorwa nezvinhu zvamazuva ose kana zvemaziso.Semuenzaniso,kunge uchizvigeza hakuna kuoma.Imomo,pfungwa dzakasununguka kugadzirisa zvinonetsa,kufunga zvine basa,kana kugadzira madingindira.Mashoko angu akawanda nefundiso akagadzirwa kubva mukugeza.Pandaimbotamba mutambo wegorofu,ndakaona kuti nguva yandakange ndiinayo pakati pekugohwesa,yakange iri nguva yakanaka yekugadzira mashoko mupfungwa dzangu.
Kugara uri pamberi pechiso chaMwari.
Ngwarira kwaunoisa pfungwa dzako dzose nhasi uno.Edza kudzikinura nguva yakakosha yakadyiwa nezvinhu zvisina basa uye nezvemaziso nokufunga nezve zvinhu zvehupenyu husingapere hwakakosha.
Copyright Ligonier Ministries.Piwa bhuku remahara kubva kuna R.C Sproul pa ligonier.org/freeresource

Zvinechekuita neHurongwa uhu
Shoko dzvene rekuverenga mazuva mana rakanyorwa naR.C Sproul rokuti unoshandisa sei nguva yako uchiipawo kunaMwari.Chikamu chega-chega chinokudaidza kuti ugare uri muna Mwari,uri muhukuru hwake,kune kubwinya kwaMwari.
More
Tinoda kutenda Ligonier Ministries iyo yakatipa chirongwa chino.Kana muchida kuziva zvizere,tapota endai pa Ligonier.org/youversion