Vatongi 11:29-40
Vatongi 11:29-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mweya waJehovha wakauya pamusoro paJefuta, akapfuura kunyika yaGireadhi neyaManase, akapfuurawo napaMizipa paGireadhi, akabva paMizipa paGireadhi, akapfuura kuvana vaAmoni. Jefuta akapikira Jehovha mhiko, akati, “Kana mukaisa vana vaAmoni mumaoko angu, ipapo ani naani unobuda pamikova yeimba yangu kuzosongana neni, musi wandinodzoka norugare ndichibva kuvana vaAmoni, uchava waJehovha; ndichauya naye, chive chipiriso chinopiswa.” Ipapo Jefuta akapfuurira kuvana vaAmoni, akandorwa navo; Jehovha akavaisa mumaoko ake. Akavaparadza nokuparadza kukuru kwazvo, kubva paAroeri kusvikira paMiniti, maguta ana makumi maviri, nokusvikira paAbherikeramimi. Vana vaAmoni vakakundwa saizvozvo pamberi pavana vaIsiraeri. Jefuta akasvika paMizipa paimba yake, zvino tarira, mukunda wake akabuda kuzosangana naye namakandira, nokupembera. Iye wakanga ari mwana wake mumwe chete, wakanga asina mumwe mwana kunze kwake, kana mwanakomana, kana mwanasikana. Zvino wakati achimuona, akabvarura nguo dzake, akati, “Haiwa! Mukunda wangu! Iwe wandionesa nhamo kwazvo, iwe uri pakati pavanondiisa panjodzi; nokuti ndakashamisa muromo wangu kuna Jehovha, handingagoni kudzoka.” Iye akati, “Baba vangu, makashamisa muromo wenyu kuna Jehovha; ndiitirei henyu sezvamakataura, nokuti Jehovha wakakutsivirai kwazvo vavengi venyu, ivo vana vaAmoni.” Akati kuna baba vake, “Nditenderei henyu chinhu ichi: Nditenderei mwedzi miviri, ndiende, ndiburukire kumakomo, ndicheme umhandara hwangu, ini neshamwari dzangu.” Ivo vakati, “Chienda hako.” Akamutendera mwedzi miviri; akaenda, iye neshamwari dzake, akandochema umhandara hwake kumakomo. Zvino mwedzi miviri yakati yapera, akadzokera kuna baba vake, ivo vakamuitira sezvavakanga vapika; wakanga asina kuziva murume. Ikazova tsika pakati pavaIsiraeri, kuti vakunda vaIsiraeri vaende makore ose mazuva mana pagore kundochema mukunda waJefuta muGireadhi.
Vatongi 11:29-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mweya waTenzi wakauya pana Jefuta, akapfuura nomuGireadhi nomaManase, ndokusvika kuMizipa muGireadhi. Akazovinga vaAmoni achibva kuMizipa kuGireadhi. Jefuta akapika mhiko kuna Tenzi achiti, “Kana mukaisa vaAmoni mumaoko angu chinenge changotanga kubuda chete mumba mangu chichiuya kuzochingurana neni, pandinenge ndodzoka kuvaAmoni ndavakurira, chichava chaTenzi uye ndichachiita chibayiro chomupiro wokupisa.” Saka Jefuta akayambukira kundorwisa vaAmoni, Tenzi akavaisa mumaoko ake. Akavakuya kubvira kuna Aroero kusvikira kunharaunda yokuMiniti zvichienda nokuAbherokeramimu akavauraya zvokuuraya zviya, mumaguta avo makumi maviri. VaAmoni vakabva vakurirwa navaIsiraeri. Jefuta paakadzokera kumusha kwake kuMizipa mwanasikana wake akabuda kumuchingura achiridza hosho achidzana. Ndiye aingova mwana wake mumwechete, akanga asina kana mumwe mwana, mukomana kana musikana. Achingomuona akabvarura hanzu dzake achiti, “Baba-iwe kani, mwanangu! Inga wandiparadza, wandipinza nhamo chaiyo nokuti ndakasimudza muromo kuita mhiko kuna Tenzi yandisingagoni kutyora.” Musikana uyu ndokuti, “Baba, kana makasimudza muromo wokupika mhiko kuna Tenzi, itai zvenyu kwandiri zvamakapika izvozvo nokuti Tenzi akakubatsirai kutsividza vavengi venyu vaAmoni.” Akakumbira baba wake kuti, “Asi chandinongokumbira ndechichi chokuti dai mukambondirega kwemwedzi miviri, ndimbofamba-famba zvangu mumakomo neshamwari dzangu, ndichichema kuti ndichafa ndiri mhandara kudai.” Baba vakati, “Enda zvako.” Vakamubvumidza kuenda kwemwedzi miviri. Iye neshamwari dzake vakaenda kumakomo kundochema kuti achafa ari mhandara. Kuzoti mwedzi miviri iya yapera akadzokera kuna baba vake, vakabva vazadzikisa paari mhiko yavakanga vapika. Musikana uyu akanga asati aziva murume. Yakabva yava tsika yechiIsiraeri, yokuti vasikana vechiIsiraeri vaienda gore negore kundochema vachirangarira mwanasikana waJefuta wokuGireadhi, kwamazuva mana pagore.
Vatongi 11:29-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro paJefuta. Akayambuka Gireadhi neManase, akapfuura napaMizipa yeGireadhi, uye kubva ipapo akafamba akandorwa navaAmoni. Uye Jefuta akaita mhiko kuna Jehovha akati, “Kana mukaisa vaAmoni mumaoko angu, chose chichabuda napamukova weimba yangu kuzosangana neni pakudzoka kwangu ndakunda vaAmoni, chichava chaJehovha, uye ndichachibayira sechipiriso chinopiswa.” Ipapo Jefuta akabuda kundorwa navaAmoni, uye Jehovha akavapa mumaoko ake. Akaparadza maguta makumi maviri kubva kuAroeri kusvikira pedyo neMiniti, akandoguma kuAbheri Keramimi. Nokudaro Israeri yakakunda Amoni. Jefuta akati odzokera kumusha kwake kuMizipa, ndiani akazouya kuzomuchingamidza kunze kwomwanasikana wake, achitamba, matambureni achiridzwa! Ndiye akanga achingova mwana wake oga. Akanga asina mwanakomana kana mwanasikana kunze kwake iye oga. Akati achimuona akabvarura nguo dzake uye akachema achiti, “Haiwa mwanasikana wangu! Wandishungurudza nokuti ndaita mhiko kuna Jehovha yandisingagoni kuputsa.” Akapindura akati, “Baba vangu, mapa shoko renyu kuna Jehovha. Ndiitirei henyu sezvamakavimbisa, sezvo zvino Jehovha akatsivira vavengi venyu, ivo vaAmoni. Asi nditenderei henyu chikumbiro chimwe chete ichi. Ndipei henyu mwedzi miviri kuti ndiende kuzvikomo ndinochema pamwe chete neshamwari dzangu, nokuti handichazowanikwi.” Iye akati, “Ungaenda hako.” Uye akamutendera kuti aende kwemwedzi miviri. Iye navamwe vasikana vakaenda kuzvikomo vakandochema nokuti akanga asingazombowanikwi. Shure kwemwedzi miviri akadzoka kuna baba vake uye vakaita kwaari sezvavakanga vapika. Uye akanga ari mhandara. Ndipo pakabva tsika yavaIsraeri yokuti gore rimwe nerimwe, vanasikana veIsraeri vanobuda kwamazuva mana kundoita chirangaridzo chomwanasikana waJefuta muGireadhi.
Vatongi 11:29-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mweya waTenzi wakauya pana Jefuta, akapfuura nomuGireadhi nomaManase, ndokusvika kuMizipa muGireadhi. Akazovinga vaAmoni achibva kuMizipa kuGireadhi. Jefuta akapika mhiko kuna Tenzi achiti, “Kana mukaisa vaAmoni mumaoko angu chinenge changotanga kubuda chete mumba mangu chichiuya kuzochingurana neni, pandinenge ndodzoka kuvaAmoni ndavakurira, chichava chaTenzi uye ndichachiita chibayiro chomupiro wokupisa.” Saka Jefuta akayambukira kundorwisa vaAmoni, Tenzi akavaisa mumaoko ake. Akavakuya kubvira kuna Aroero kusvikira kunharaunda yokuMiniti zvichienda nokuAbherokeramimu akavauraya zvokuuraya zviya, mumaguta avo makumi maviri. VaAmoni vakabva vakurirwa navaIsiraeri. Jefuta paakadzokera kumusha kwake kuMizipa mwanasikana wake akabuda kumuchingura achiridza hosho achidzana. Ndiye aingova mwana wake mumwechete, akanga asina kana mumwe mwana, mukomana kana musikana. Achingomuona akabvarura hanzu dzake achiti, “Baba-iwe kani, mwanangu! Inga wandiparadza, wandipinza nhamo chaiyo nokuti ndakasimudza muromo kuita mhiko kuna Tenzi yandisingagoni kutyora.” Musikana uyu ndokuti, “Baba, kana makasimudza muromo wokupika mhiko kuna Tenzi, itai zvenyu kwandiri zvamakapika izvozvo nokuti Tenzi akakubatsirai kutsividza vavengi venyu vaAmoni.” Akakumbira baba wake kuti, “Asi chandinongokumbira ndechichi chokuti dai mukambondirega kwemwedzi miviri, ndimbofamba-famba zvangu mumakomo neshamwari dzangu, ndichichema kuti ndichafa ndiri mhandara kudai.” Baba vakati, “Enda zvako.” Vakamubvumidza kuenda kwemwedzi miviri. Iye neshamwari dzake vakaenda kumakomo kundochema kuti achafa ari mhandara. Kuzoti mwedzi miviri iya yapera akadzokera kuna baba vake, vakabva vazadzikisa paari mhiko yavakanga vapika. Musikana uyu akanga asati aziva murume. Yakabva yava tsika yechiIsiraeri, yokuti vasikana vechiIsiraeri vaienda gore negore kundochema vachirangarira mwanasikana waJefuta wokuGireadhi, kwamazuva mana pagore.
Vatongi 11:29-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mŋeya waJehova wakaʋuya pamsoro paJefta, akapfuʋura kunyika yaGireadi neyaManase, akapfuʋura ʋo napaMizpe paGireadi, akabva paMizpe paGireadi, akapfuʋura kuʋana ʋaAmoni. Jefta akapikira Jehova mhiko, akati: Kana mukaisa ʋana ʋaAmoni mumaʋoko aŋgu, ipapo aninani unoɓuɗa pamikoʋa yeimba yaŋgu kuzosoŋgana neni, musi wandinodzoka norugare ndicibva kuʋana ʋaAmoni, ucaʋa waJehova; ndicaʋuya naye, ciʋe cipiriso cinopiswa. Ipapo Jefta akapfuʋurira kuʋana ʋaAmoni, akandorwa naʋo; Jehova akaʋaisa mumaʋoko ake. Akaʋaparadza nokuparadza kukuru kwaɀo, kubva paAroeri kuȿikira paMiniti, maguta anamakumi maʋiri, nokuȿikira paAberi‐keramimi. Ʋana ʋaAmoni ʋakakundwa saiɀoɀo pamberi paʋana ʋaIsraeri. Jefta akaȿika paMizpa paimba yake, ɀino tarira, mukunda wake akaɓuɗa kuzosoŋgana naye namakandira, nokupembera. Iye wakaŋga ari mŋana wake mumŋe cete, wakaŋga asinomumŋe mŋana kunze kwake, kana mŋanakomana, kana mŋanasikana. Ɀino wakati acimuʋona, akabvarura ŋguʋo dzake, akati: Haiwa! mukunda waŋgu! iwe wandiʋonesa nhamo kwaɀo, iwe uri pakati paʋanondiisa panjodzi; nokuti ndakashamisa muromo waŋgu kunaJehova, handiŋgagoni kudzoka. Iye akati: Ƃaɓa ʋaŋgu, makashamisa muromo wenyu kunaJehova; ndiitirei henyu seɀamakataura, nokuti Jehova wakakutsiʋirai kwaɀo ʋaʋeŋgi ʋenyu, iʋo ʋana ʋaAmoni. Akati kunaɓaɓa ʋake: Nditenderei henyu cinhu ici: Nditenderei mŋedzi miʋiri, ndiende, ndiɓurukire kumakomo, ndiceme ʋumhandara bgaŋgu, ini neshamŋari dzaŋgu. Iʋo ʋakati: Cienda hako. Akamutendera mŋedzi miʋiri; akaenda, iye neshamŋari dzake, akandocema ʋumhandara bgake kumakomo. Ɀino mŋedzi miʋiri yakati yapera, akadzokera kunaɓaɓa ʋake, iʋo ʋakamuitira seɀaʋakaŋga ʋapika; wakaŋga asina‐kuziʋa murume. Ikazoʋa tsika pakati paʋaIsraeri, kuti ʋakunda ʋaIsraeri ʋaende makore ose mazuʋa manna pagore kundocema mukunda waJefta muGireadi.