Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 11:29-40

Vatongi 11:29-40 SCLB

Mweya waTenzi wakauya pana Jefuta, akapfuura nomuGireadhi nomaManase, ndokusvika kuMizipa muGireadhi. Akazovinga vaAmoni achibva kuMizipa kuGireadhi. Jefuta akapika mhiko kuna Tenzi achiti, “Kana mukaisa vaAmoni mumaoko angu chinenge changotanga kubuda chete mumba mangu chichiuya kuzochingurana neni, pandinenge ndodzoka kuvaAmoni ndavakurira, chichava chaTenzi uye ndichachiita chibayiro chomupiro wokupisa.” Saka Jefuta akayambukira kundorwisa vaAmoni, Tenzi akavaisa mumaoko ake. Akavakuya kubvira kuna Aroero kusvikira kunharaunda yokuMiniti zvichienda nokuAbherokeramimu akavauraya zvokuuraya zviya, mumaguta avo makumi maviri. VaAmoni vakabva vakurirwa navaIsiraeri. Jefuta paakadzokera kumusha kwake kuMizipa mwanasikana wake akabuda kumuchingura achiridza hosho achidzana. Ndiye aingova mwana wake mumwechete, akanga asina kana mumwe mwana, mukomana kana musikana. Achingomuona akabvarura hanzu dzake achiti, “Baba-iwe kani, mwanangu! Inga wandiparadza, wandipinza nhamo chaiyo nokuti ndakasimudza muromo kuita mhiko kuna Tenzi yandisingagoni kutyora.” Musikana uyu ndokuti, “Baba, kana makasimudza muromo wokupika mhiko kuna Tenzi, itai zvenyu kwandiri zvamakapika izvozvo nokuti Tenzi akakubatsirai kutsividza vavengi venyu vaAmoni.” Akakumbira baba wake kuti, “Asi chandinongokumbira ndechichi chokuti dai mukambondirega kwemwedzi miviri, ndimbofamba-famba zvangu mumakomo neshamwari dzangu, ndichichema kuti ndichafa ndiri mhandara kudai.” Baba vakati, “Enda zvako.” Vakamubvumidza kuenda kwemwedzi miviri. Iye neshamwari dzake vakaenda kumakomo kundochema kuti achafa ari mhandara. Kuzoti mwedzi miviri iya yapera akadzokera kuna baba vake, vakabva vazadzikisa paari mhiko yavakanga vapika. Musikana uyu akanga asati aziva murume. Yakabva yava tsika yechiIsiraeri, yokuti vasikana vechiIsiraeri vaienda gore negore kundochema vachirangarira mwanasikana waJefuta wokuGireadhi, kwamazuva mana pagore.

Verenga chikamu Vatongi 11