Ɀino Mŋeya waJehova wakaʋuya pamsoro paJefta, akapfuʋura kunyika yaGireadi neyaManase, akapfuʋura ʋo napaMizpe paGireadi, akabva paMizpe paGireadi, akapfuʋura kuʋana ʋaAmoni. Jefta akapikira Jehova mhiko, akati: Kana mukaisa ʋana ʋaAmoni mumaʋoko aŋgu, ipapo aninani unoɓuɗa pamikoʋa yeimba yaŋgu kuzosoŋgana neni, musi wandinodzoka norugare ndicibva kuʋana ʋaAmoni, ucaʋa waJehova; ndicaʋuya naye, ciʋe cipiriso cinopiswa. Ipapo Jefta akapfuʋurira kuʋana ʋaAmoni, akandorwa naʋo; Jehova akaʋaisa mumaʋoko ake. Akaʋaparadza nokuparadza kukuru kwaɀo, kubva paAroeri kuȿikira paMiniti, maguta anamakumi maʋiri, nokuȿikira paAberi‐keramimi. Ʋana ʋaAmoni ʋakakundwa saiɀoɀo pamberi paʋana ʋaIsraeri.
Jefta akaȿika paMizpa paimba yake, ɀino tarira, mukunda wake akaɓuɗa kuzosoŋgana naye namakandira, nokupembera. Iye wakaŋga ari mŋana wake mumŋe cete, wakaŋga asinomumŋe mŋana kunze kwake, kana mŋanakomana, kana mŋanasikana. Ɀino wakati acimuʋona, akabvarura ŋguʋo dzake, akati: Haiwa! mukunda waŋgu! iwe wandiʋonesa nhamo kwaɀo, iwe uri pakati paʋanondiisa panjodzi; nokuti ndakashamisa muromo waŋgu kunaJehova, handiŋgagoni kudzoka. Iye akati: Ƃaɓa ʋaŋgu, makashamisa muromo wenyu kunaJehova; ndiitirei henyu seɀamakataura, nokuti Jehova wakakutsiʋirai kwaɀo ʋaʋeŋgi ʋenyu, iʋo ʋana ʋaAmoni. Akati kunaɓaɓa ʋake: Nditenderei henyu cinhu ici: Nditenderei mŋedzi miʋiri, ndiende, ndiɓurukire kumakomo, ndiceme ʋumhandara bgaŋgu, ini neshamŋari dzaŋgu. Iʋo ʋakati: Cienda hako. Akamutendera mŋedzi miʋiri; akaenda, iye neshamŋari dzake, akandocema ʋumhandara bgake kumakomo. Ɀino mŋedzi miʋiri yakati yapera, akadzokera kunaɓaɓa ʋake, iʋo ʋakamuitira seɀaʋakaŋga ʋapika; wakaŋga asina‐kuziʋa murume. Ikazoʋa tsika pakati paʋaIsraeri, kuti ʋakunda ʋaIsraeri ʋaende makore ose mazuʋa manna pagore kundocema mukunda waJefta muGireadi.