Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ʋatoŋgi 11

11
Jefta.
1Ɀino Jefta muGireadi, wakaŋga ari munhu unesimba noʋumhare, asi wakaŋga ari mŋanakomana wecifeʋe; Gireadi ndiye wakaɓereka Jefta. 2Mukadzi waGireadi akamuɓerekera ʋanakomana; ɀino ʋanakomana ʋomukadzi wake ʋakati ʋakura, ʋakadziŋga Jefta, ʋakati kwaari: Hauŋgadyi nhaka mumba maɓaɓa ʋeɗu, nokuti uri mŋanakomana womumŋe mukadzi. 3Ipapo Jefta akatiza ʋanuŋuna ʋake, akandogara panyika yeTobi; ʋarume ʋakaipa ʋakaʋuŋganira kunaJefta, ʋakasiɓuɗa naye kundorwa.
4Ɀino ŋguʋa yakati yapfuʋura, ʋana ʋaAmoni ʋakandorwa naʋaIsraeri. 5Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakati ʋorwa naʋaIsraeri, ʋakuru ʋeGireadi ʋakandotora Jefta panyika yeTobi. 6Ʋakati kunaJefta: Ʋuya, uʋe ishe weɗu, kuti tindorwa naʋana ʋaAmoni. 7Jefta akati kuʋakuru ʋeGireadi: Hamunakundiʋeŋga, mukandidziŋga mumba maɓaɓa ʋaŋgu here? Ɀino maʋuyireiko kwandiri, ɀamaʋa munjodzi? 8Ʋakuru ʋeGireadi ʋakati kunaJefta: Naiɀoɀo tadzokera kwauri, kuti uende nesu kundorwa naʋana ʋaAmoni, iwe ugoʋa mukuru weɗu nowaʋose ʋagere Gireadi. 9Jefta akati kuʋakuru ʋeGireadi: Kana mucindidzosa kuti ndirwe naʋana ʋaAmoni, kana Jehova akaʋaisa mumaʋoko aŋgu, ndicaʋa mukuru wenyu here? 10Ʋakuru ʋeGireadi ʋakati kuna Jefta: Jehova ŋgaaʋe capupu pakati peɗu; ɀirokwaɀo ticaita seɀawataura iwe. 11Ɀino Jefta akaenda naʋakuru ʋeGireadi, ʋanhu ʋakamuita mukuru nashe waʋo; Jefta akataura mashoko ake ose pamberi paJehova paMizpa.
12Ɀino Jefta akatuma nhume kunamambo waʋana ʋaAmoni, akati: Mhoȿa yako ndeyeiko, ɀawaʋuya kuzorwa neni nenyika yaŋgu? 13Mambo waʋana ʋaAmoni akapindura nhume dzaJefta, akati: Nokuti ʋaIsraeri ʋakatora nyika yaŋgu, ŋguʋa yaʋakabva Egipita, kubva paArnoni kusikira paJaboki neJoridani; saka ɀino cidzosai nyika idzo norugare. 14Ipapo Jefta akatuma ɀe nhume kunamambo waʋana ʋaAmoni, 15akati kwaari: Ɀanzi naJefta: ƲaIsraeri haʋana‐kutora nyika yaMoabi, kana nyika yaʋana ʋaAmoni; 16asi paŋguʋa yakakwira ʋaIsraeri ʋacibva Egipita, ʋakafamba murenje kuȿikira paGuŋgwa Dɀuku, ʋakaȿika paKadeshi, 17ʋaIsraeri ʋakatuma nhume kunamambo waEdomi, ʋaciti: Nditenderei henyu kupfuʋura napanyika yenyu; asi mambo waEdomi wakaramba kunzwa. Saiɀoɀo akatuma ʋo nhume kunamambo waMoabi; asi iye wakaramba; ɀino ʋaIsraeri ʋakagara paKadeshi. 18Ipapo ʋakafamba nomurenje, ʋakapota nyika yaEdomi, nenyika yaMoabi, ʋakaenda nokumabvazuʋa enyika yaMoabi, ʋakadzika matente aʋo necemhiri kwaArnoni; asi haʋana‐kuɗarika muganho waMoabi, nokuti Arnoni waiʋa muganho waMoabi. 19Ipapo ʋaIsraeri ʋakatuma nhume kunaSihoni, mambo waʋaAmori, mambo weHeshboni; ʋaIsraeri ʋakati kwaari: Titenderei henyu kupfuʋura napanyika yenyu, kuȿikira panɀimbo yeɗu. 20Asi Sihoni haana‐kutenda ʋaIsraeri kuti ʋaɗarike muganho wake; Sihoni akaʋuŋganidza ʋanhu ʋake ʋose, akandodzika matente ake paJahazi, akarwa naʋaIsraeri. 21Ɀino Jehova Mŋari waʋaIsraeri akaisa Sihoni naʋanhu ʋake ʋose mumaʋoko aʋaIsraeri ʋakaʋaʋuraya; naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakatora nyika yose yaʋaAmori, ʋakaŋga ʋagere munyika iyo, ikaʋa yaʋo. 22Nyika yose yaʋaAmori ikaʋa yaʋo, kubva paArnoni kuȿikira paJaboki, kubva kurenje, kuȿikira paJoridani. 23Saka ɀino Jehova Mŋari waʋaIsraeri ndiye wakatorera ʋaAmori nyika yaʋo pamberi paʋanhu ʋake ʋaIsraeri, ɀino imi moɗa kuʋatorera ɀe here? 24Ko imi hamuŋgatori iɀo ɀamunopiwa namŋari wenyu Kemoshi here, nesu ʋo titore nyika yaʋose ʋanodziŋgwa pamberi peɗu naJehova Mŋari weɗu? 25Ko ɀino imi makanaka kupfuʋura Baraki mŋanakomana waZipori, mambo waMoabi here? Iye wakatoŋgopopotera ʋaIsraeri, kana kurwa naʋo here? 26Ŋguʋa yakagara ʋaIsraeri paHeshboni nemisha yaro, napaAroeri nemisha yaro, napamaguta ose ari parutiʋi rwaArnoni, makore anamazana matatu, makaregereiko kuʋatorera nyika iyo neŋguʋa iyo? 27Naiɀoɀo ini handinakukutadzira, asi ndiwe unondiitira ɀakaipa, uciɗa kurwa neni; Jehova, iye Mutoŋgi, ŋgaatoŋge nhasi pakati paʋana ʋaIsraeri naʋana ʋaAmoni. 28Asi mambo waʋana ʋaAmoni haana‐kuterera mashoko aJefta, aakatuma kwaari.
29Ɀino Mŋeya waJehova wakaʋuya pamsoro paJefta, akapfuʋura kunyika yaGireadi neyaManase, akapfuʋura ʋo napaMizpe paGireadi, akabva paMizpe paGireadi, akapfuʋura kuʋana ʋaAmoni. 30Jefta akapikira Jehova mhiko, akati: Kana mukaisa ʋana ʋaAmoni mumaʋoko aŋgu, 31ipapo aninani unoɓuɗa pamikoʋa yeimba yaŋgu kuzosoŋgana neni, musi wandinodzoka norugare ndicibva kuʋana ʋaAmoni, ucaʋa waJehova; ndicaʋuya naye, ciʋe cipiriso cinopiswa. 32Ipapo Jefta akapfuʋurira kuʋana ʋaAmoni, akandorwa naʋo; Jehova akaʋaisa mumaʋoko ake. 33Akaʋaparadza nokuparadza kukuru kwaɀo, kubva paAroeri kuȿikira paMiniti, maguta anamakumi maʋiri, nokuȿikira paAberi‐keramimi. Ʋana ʋaAmoni ʋakakundwa saiɀoɀo pamberi paʋana ʋaIsraeri.
34Jefta akaȿika paMizpa paimba yake, ɀino tarira, mukunda wake akaɓuɗa kuzosoŋgana naye namakandira, nokupembera. Iye wakaŋga ari mŋana wake mumŋe cete, wakaŋga asinomumŋe mŋana kunze kwake, kana mŋanakomana, kana mŋanasikana. 35Ɀino wakati acimuʋona, akabvarura ŋguʋo dzake, akati: Haiwa! mukunda waŋgu! iwe wandiʋonesa nhamo kwaɀo, iwe uri pakati paʋanondiisa panjodzi; nokuti ndakashamisa muromo waŋgu kunaJehova, handiŋgagoni kudzoka. 36Iye akati: Ƃaɓa ʋaŋgu, makashamisa muromo wenyu kunaJehova; ndiitirei henyu seɀamakataura, nokuti Jehova wakakutsiʋirai kwaɀo ʋaʋeŋgi ʋenyu, iʋo ʋana ʋaAmoni. 37Akati kunaɓaɓa ʋake: Nditenderei henyu cinhu ici: Nditenderei mŋedzi miʋiri, ndiende, ndiɓurukire kumakomo, ndiceme ʋumhandara bgaŋgu, ini neshamŋari dzaŋgu. 38Iʋo ʋakati: Cienda hako. Akamutendera mŋedzi miʋiri; akaenda, iye neshamŋari dzake, akandocema ʋumhandara bgake kumakomo. 39Ɀino mŋedzi miʋiri yakati yapera, akadzokera kunaɓaɓa ʋake, iʋo ʋakamuitira seɀaʋakaŋga ʋapika; wakaŋga asina‐kuziʋa murume. Ikazoʋa tsika pakati paʋaIsraeri, 40kuti ʋakunda ʋaIsraeri ʋaende makore ose mazuʋa manna pagore kundocema mukunda waJefta muGireadi.

Zvasarudzwa nguva ino

Ʋatoŋgi 11: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda