Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ʋatoŋgi 12

12
ƲaEfraimi ʋanopopotera Jefta.
1Ɀino ʋarume ʋaEfraimi ʋakaʋuŋgana, ʋakapfuʋurira kurutiʋi rwokumsoro, ʋakati kunaJefta: Wakapfuʋurireiko kundorwa naʋana ʋaAmoni, ukasatiɗana isu kuti tiende ʋo newe? Ticapisa imba yako pamsoro pako nomŋoto. 2Jefta akati kwaʋari: Ini naʋanhu ʋaŋgu takaŋga ticitambudzika kwaɀo naʋana ʋaAmoni; ɀino paŋguʋa yandakakuɗanai, imi hamuna‐kundiponesa pamaʋoko aʋo. 3Ɀino ndakati ndiciʋona kuti hamuna‐kundiponesa, handina‐kuraŋgarira ʋupenyu bgaŋgu, asi ndakapfuʋura ndikandorwa naʋana ʋaAmoni, Jehova akaʋaisa muruʋoko rwaŋgu; ɀino makwirireiko nhasi kwandiri kuzorwa neni? 4Ipapo Jefta akaʋuŋganidza ʋarume ʋose ʋeGireadi, akarwa naEfraimi, ʋarume ʋeGireadi ʋakakunda Efraimi, nokuti ʋakati: Muri ʋanhu ʋakatiza kunaEfraimi, imi ʋaGireadi, mucigara pakati paEfraimi, napakati paManase. 5Ipapo ʋaGireadi ʋakandogarira mazambuko aJoridani paiyambukira ʋaEfraimi. Ɀino kana mumŋe waʋakatiza kunaEfraimi akati: Nditenderei kuti ndiyambuke, ʋarume ʋeGireadi ndokuti kwaari: Uri muEfraimi here? Kana akati, kwete, 6ipapo ʋakati kwaari: Ɀino citi: Shiboreti; iye ndokuti: Siboreti, nokusagona kureʋa kwaɀo; ipapo ʋakamuɓata, ʋakamuʋuraya pamazambuko aJoridani; neŋguʋa iyo ʋaEfraimi ʋaneɀuru ɀinamakumi manna neɀiʋiri ʋakaʋurawa.
7Jefta akatoŋga Israeri makore matanhatu. Ipapo Jefta muGireadi akafa, akaʋigwa munerimŋe ramaguta aGireadi.
Ibzani, naEroni, naAbdoni.
8Shure kwake Ibzani weBeti‐rehemi wakatoŋga Israeri. 9Iye wakaŋga anaʋanakomana ʋanamakumi matatu; ʋanasikana ʋake ʋanamakumi matatu akaʋatuma ʋakandowanikwa kumŋe, akandotora ɀe kumŋe ʋamŋe ʋanasikana ʋanamakumi matatu ʋakawanikwa naʋanakomana ʋake. Iye akatoŋga Israeri makore manomŋe. 10Ibzani akafa, akaʋigwa paBeti‐rehemi.
11Shure kwake Eroni muZeburuni wakatoŋga Israeri; akatoŋga Israeri makore anegumi. 12Eroni muZeburuni akafa, akaʋigwa paAjaroni, panyika yaZeburuni.
13Shure kwake Abdoni mŋanakomana waHireri, muPiratoni, wakatoŋga Israeri. 14Iye wakaŋga anaʋanakomana ʋanamakumi manna, naʋazukuru ʋanamakumi matatu, ʋaitaȿa ʋana ʋembongoro ʋanamakumi manomŋe; iye akatoŋga Israeri makore masere. 15Abdoni mŋanakomana waHireri, muPiratoni, akafa, akaʋigwa paPiratoni, panyika yaEfraimi, panyika yamakomo yaʋaAmareki.

Zvasarudzwa nguva ino

Ʋatoŋgi 12: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda