Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 11

11
9. Mutongi Jefuta
1Zvino kwaiva naJefuta wokuGireadhi murume aiva mvumba chaiyo yokurwa, asi akanga ari mwana wepfambi, baba vake ari Gireadhi. 2Gireadhi akabereka vamwe vana vakomana nomudzimai wake. Vana ivavo pavakanga vakura vakadzinga Jefuta vachimuti, “Panhaka yababa vedu, iwe hapana chako nokuti uri mwana womumwewo mukadzi.” 3Jefuta akatiza vakoma navanun'una vake akandogara kunyika yeTobhu. Akabatana namamwe madzenga akati unga unga kwaari kufamba naye vachipamba vanhu.
4Kwati perei chinguva, Amoni akandorwisa vaIsiraeri. 5Amoni paakarwisa vaIsiraeri kudaro vatungamiriri vokuGireadhi vakandotora Jefuta kunyika yeTobhu. 6Vakati kuna Jefuta, “Uya uite mutungamiriri wedu tirwise vaAmoni.”
7Asi Jefuta akapindura vatungamiriri vokuGireadhi ava achiti, “Handiti imi makandivenga here, mukandidzinga mumusha mababa vangu? Nhasi mava mumatambudziko, mavakuuya kwandiri pamusana pei?”
8Vakuru vakuru veGireadhi vakamupindura vachiti, “He-ekaka ndokusaka tauya kwauri. Tati uende nesu kundorwisa vaAmoni somutungamiriri wavanhu vose vokuGireadhi.”
9Jefuta akapindurawo vakuru vakuru ava achiti, “Mukandidzorerazve kumusha kundorwisa vaAmoni, Tenzi akavaisa mumaoko angu ndichava mutongi wenyu.”
10Vakuru vakuru vokuGireadhi vakati kuna Jefuta, “Tenzi ngaave chapupu pakati pedu, tichaita zvawataura.” 11Jefuta akaenda navakuru vakuru vokuGireadhi ava. Vanhu vakamuita mutongi nomutungamiriri wavo Jefuta akadzokerera kutaura mashoko ake aya pana Tenzi kuMizipa.
Musangano waJufeta navaAmoni
12Jefuta akatumira nhume kuna mambo wavaAmoni, achiti, “Chandakakutadzira chaicho chii kundivinga kudai kuzorwisa nyika yangu?”
13Mambo wevaAmoni akapindura nhume dzaJefuta dziya achiti, “Chikonzero ndechokuti vaIsiraeri pavaibva kuIjipiti, vakatora nyika yangu kubvira kuna Arinoni kusvikira kuna Jabhoku nokuna Jorodhani. Zvino idzore zvichakanaka.”
14Jefuta akatumira zvakare nhume kuna mambo wevaAmoni, akati kwaari, 15“Zvanzi naJefuta, vaIsiraeri havana kutora nyika yavaMoabhu kana yavaAmoni. Kwete. 16Asi vaIsiraeri pavakabva kuIjipiti, vakapfuura nokugungwa Dzvuku vakasvika kuKadheshi. 17Ipapo vaIsiraeri vakatumira nhume kuna mambo weEdhomu vachiti, ‘Tapota, tibvumireiwo kupfuura nomunyika yenyu.’ Asi mambo weEdhomu haana kana kuda kumbozvinzwa. Vakaitawo saizvozvo kuna mambo weMoabhu asi akaramba. Naizvozvo vaIsiraeri vakaita zvokutombogara zvavo kuKadheshi. 18Vakabva ipapo vakapfuura nomurenje vachiita zvokutopoterera nyika yeEdhomu neyeMoabhu vari nechokumabvazuva kweMoabhu, vakazodzika matendhe avo kumhiri kwaArinoni. Asi havana kupinda munyika yeMoabhu nokuti Arinoni ndorwaiva muganhu weMoabhu.
19“VaIsiraeri vakazotuma nhume kuna Sihoni mambo wevaAmori, mambo weHeshibhoni. VaIsiraeri vakati kwaari, ‘Tibvumureiwo kupfuura nomunyika yenyu tichienda zvedu kunyika yedu.’ 20Asi Sihoni haana kugutsikana nezvokuti vaIsiraeri vapfuure nomunyika yake. Naizvozvo Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, vakandodzika matendhe avo kuJahazi, vakarwisa vaIsiraeri. 21Tenzi, Mwari wavaIsiraeri akaisa Sihoni navanhu vake vose mumaoko avaIsiraeri vakabva vavakurira. Nokudaro vaIsiraeri vakatorera vaAmori vaigaramo nyika yavo yose. 22Vakatorera vaAmori nyika yavo yose kubvira muna Arinoni kusvikira muna Jabhoku, uye kubvira kugwenga kusvikira muna Jorodhani.
23“Naizvozvo Tenzi, Mwari wavaIsiraeri ndiye akatorera vaAmori nyika, achiipa vaIsiraeri. Zvino mavawo kuda kuvatorera here? 24Ko imimi, zvamunenge mapiwa namwari wenyu Kemoshi, hamutore here? Zvino nesuwo zvose zvatinenge tapiwa naTenzi, Mwari wedu, tinozvitora. 25Munokunda Bharaki mwanakomana waZipori mambo weMoabhu here? Ko iye akambokakavadzana navaIsiraeri here, kana kurwisana navo muhondo? 26VaIsiraeri vakagara muHeshibhoni nemisha yaro, nomuAroero nemisha yaro, nomumaguta ose ari munyasi merwizi rwaArinoni, kwamazana matatu amakore. Nguva yose iyoyi makaregereiko kuatorazve? 27Naizvozvo hapana chandakakutadzirai. Ndimi mava kutonditadzira nokuita hondo neni. Tenzi ndiye Mutongi, ndiye achaenzanisa nhasi uno mhosva iri pakati pavaIsiraeri navaAmoni.” 28Asi mambo wavaAmoni haana kuita hanya neshoko raakanga atumirwa naJefuta.
Mhiko yaJefuta kunaMwari
29Mweya waTenzi wakauya pana Jefuta, akapfuura nomuGireadhi nomaManase, ndokusvika kuMizipa muGireadhi. Akazovinga vaAmoni achibva kuMizipa kuGireadhi. 30Jefuta akapika mhiko kuna Tenzi achiti, “Kana mukaisa vaAmoni mumaoko angu 31chinenge changotanga kubuda chete mumba mangu chichiuya kuzochingurana neni, pandinenge ndodzoka kuvaAmoni ndavakurira, chichava chaTenzi uye ndichachiita chibayiro chomupiro wokupisa.” 32Saka Jefuta akayambukira kundorwisa vaAmoni, Tenzi akavaisa mumaoko ake. 33Akavakuya kubvira kuna Aroero kusvikira kunharaunda yokuMiniti zvichienda nokuAbherokeramimu akavauraya zvokuuraya zviya, mumaguta avo makumi maviri. VaAmoni vakabva vakurirwa navaIsiraeri.
Mwanasikana waJefuta anofa ari mhandara
34Jefuta paakadzokera kumusha kwake kuMizipa mwanasikana wake akabuda kumuchingura achiridza hosho achidzana. Ndiye aingova mwana wake mumwechete, akanga asina kana mumwe mwana, mukomana kana musikana. 35Achingomuona akabvarura hanzu dzake achiti, “Baba-iwe kani, mwanangu! Inga wandiparadza, wandipinza nhamo chaiyo nokuti ndakasimudza muromo kuita mhiko kuna Tenzi yandisingagoni kutyora.”
36Musikana uyu ndokuti, “Baba, kana makasimudza muromo wokupika mhiko kuna Tenzi, itai zvenyu kwandiri zvamakapika izvozvo nokuti Tenzi akakubatsirai kutsividza vavengi venyu vaAmoni.” 37Akakumbira baba wake kuti, “Asi chandinongokumbira ndechichi chokuti dai mukambondirega kwemwedzi miviri, ndimbofamba-famba zvangu mumakomo neshamwari dzangu, ndichichema kuti ndichafa ndiri mhandara kudai.” 38Baba vakati, “Enda zvako.” Vakamubvumidza kuenda kwemwedzi miviri. Iye neshamwari dzake vakaenda kumakomo kundochema kuti achafa ari mhandara. 39Kuzoti mwedzi miviri iya yapera akadzokera kuna baba vake, vakabva vazadzikisa paari mhiko yavakanga vapika. Musikana uyu akanga asati aziva murume. Yakabva yava tsika yechiIsiraeri, 40yokuti vasikana vechiIsiraeri vaienda gore negore kundochema vachirangarira mwanasikana waJefuta wokuGireadhi, kwamazuva mana pagore.

Zvasarudzwa nguva ino

Vatongi 11: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda