Zvino Mweya waJehovha wakauya pamusoro paJefuta, akapfuura kunyika yaGireadhi neyaManase, akapfuurawo napaMizipa paGireadhi, akabva paMizipa paGireadhi, akapfuura kuvana vaAmoni. Jefuta akapikira Jehovha mhiko, akati, “Kana mukaisa vana vaAmoni mumaoko angu, ipapo ani naani unobuda pamikova yeimba yangu kuzosongana neni, musi wandinodzoka norugare ndichibva kuvana vaAmoni, uchava waJehovha; ndichauya naye, chive chipiriso chinopiswa.”
Ipapo Jefuta akapfuurira kuvana vaAmoni, akandorwa navo; Jehovha akavaisa mumaoko ake. Akavaparadza nokuparadza kukuru kwazvo, kubva paAroeri kusvikira paMiniti, maguta ana makumi maviri, nokusvikira paAbherikeramimi. Vana vaAmoni vakakundwa saizvozvo pamberi pavana vaIsiraeri.
Jefuta akasvika paMizipa paimba yake, zvino tarira, mukunda wake akabuda kuzosangana naye namakandira, nokupembera. Iye wakanga ari mwana wake mumwe chete, wakanga asina mumwe mwana kunze kwake, kana mwanakomana, kana mwanasikana. Zvino wakati achimuona, akabvarura nguo dzake, akati, “Haiwa! Mukunda wangu! Iwe wandionesa nhamo kwazvo, iwe uri pakati pavanondiisa panjodzi; nokuti ndakashamisa muromo wangu kuna Jehovha, handingagoni kudzoka.”
Iye akati, “Baba vangu, makashamisa muromo wenyu kuna Jehovha; ndiitirei henyu sezvamakataura, nokuti Jehovha wakakutsivirai kwazvo vavengi venyu, ivo vana vaAmoni.” Akati kuna baba vake, “Nditenderei henyu chinhu ichi: Nditenderei mwedzi miviri, ndiende, ndiburukire kumakomo, ndicheme umhandara hwangu, ini neshamwari dzangu.” Ivo vakati, “Chienda hako.” Akamutendera mwedzi miviri; akaenda, iye neshamwari dzake, akandochema umhandara hwake kumakomo. Zvino mwedzi miviri yakati yapera, akadzokera kuna baba vake, ivo vakamuitira sezvavakanga vapika; wakanga asina kuziva murume. Ikazova tsika pakati pavaIsiraeri, kuti vakunda vaIsiraeri vaende makore ose mazuva mana pagore kundochema mukunda waJefuta muGireadhi.