Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 21:27-40

Mabasa 21:27-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mazuva manomwe akati oda kupera, vamwe vaJudha vaibva kuEzhia vakaona Pauro patemberi. Vakamutsa vanhu vazhinji uye vakamubata, vachishevedzera vachiti, “Varume veIsraeri, tibatsirei! Uyu ndiye murume anodzidzisa vanhu kwose kwose zvinopesana navanhu vokwedu, murayiro wedu uye nenzvimbo ino. Zvisati zviri izvozvo zvoga, akapinza vaGiriki muruvanze rwetemberi akasvibisa nzvimbo iyi tsvene.” (Nokuti vakanga vamboona Tirofimasi muEfeso ari muguta pamwe chete naPauro vakafunga kuti Pauro akanga apinda naye mutemberi.) Guta rose rakamutswa, uye vanhu vakauya vachimhanya vachibva kumativi ose. Vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetemberi, pakarepo masuo akazarirwa. Pavakanga vachiedza kumuuraya, shoko rakasvika kumukuru wehondo yeuto ravaRoma richiti guta rose reJerusarema rakanga raita bope. Pakarepo akatora mamwe machinda navarwi akamhanyira kuvanhu. Vaiti vebongozozo vakati vachiona mukuru wamauto ana varwi vake, vakabva varega kurova Pauro. Mukuru wamauto akauya akasunga Pauro uye akarayira kuti asungwe nengetani mbiri. Ipapo akamubvunza kuti akanga ari ani uye kuti akanga aitei. Vamwe vaiva pakati pavanhu vazhinji ava vakadanidzira, mumwe ichi, mumwe icho, uye sezvo mukuru wamauto akanga asingagoni kusvika pachokwadi chenyaya nokuda kwebope, akarayira kuti Pauro aiswe kudzimba dzavarwi. Pauro akati asvika pamatanho, bongozozo ravanhu rakanga rakurisa zvokuti akaita zvokutotakurwa navarwi. Vanhu vazhinji vaimutevera vakaramba vachidanidzira vachiti, “Ngaaurayiwe!” Varwi pavakanga vava kuda kupinza Pauro mudzimba dzavarwi, akakumbira mukuru wavarwi akati, “Ndingataurawo nemi here?” Iye akati, “Unotaura chiGiriki here? Ko, hauzi uya muIjipita akamutsa bope, akatungamirira zviuru zvina zvavapanduki mugwenga nguva dzakapfuura here?” Pauro akapindura akati, “Ini ndiri muJudha anobva kuTasasi kuSirisia, munhu weguta rakakurumbira. Ndapota regai nditaure kuvanhu.” Akati apiwa mvumo nomukuru wavarwi, Pauro akamira pamatanho akaninira vanhu noruoko rwake. Uye vakati vanyarara vose, akati kwavari nechiHebheru

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 21

Mabasa 21:27-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino mazuva manomwe akati opera, vaJudha veAsia vakamuona mutemberi, vakamutsa vanhu vazhinji, vakamubata, vakadanidzira, vachiti, “Varume vaIsiraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu anodzidzisa vanhu kwose-kwose zvinopesana navanhu, nomurayiro, nenzvimbo ino; uyezve akauya navaGiriki mutemberi, akasvibisa nzvimbo ino tsvene.” Nokuti vakanga vaona Tirofimo muEfeso, anaye muguta, vakati zvimwe Pauro apinda naye mutemberi. Ipapo guta rose rakanyonganiswa, vanhu vakamhanyira pamwechete; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetemberi, misuo ikazarirwa pakarepo. Zvino vakati vachitsvaka kumuuraya, shoko rikakwira kumukuru wechiuru chamazana, kuti Jerusaremu rose ranyonganiswa. Iye akatora pakarepo varwi vakuru vezana, akaburuka achimhanyira kwavari; ivo vakati vachiona mukuru wechiuru chamazana navarwi, vakarega kurova Pauro. “Zvino mukuru wechiuru chamazana akaswedera, akamubata, ndokurayira kuti asungwe nengetani mbiri; akabvunza kuti ndiani, uye kuti aiteiko.” Zvino vamwe pakati pavazhinji vakadanidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe chinhu; zvino iye asingagoni kuziva chokwadi nokuda kwebopoto, akarayira kuti vamuise kuimba yavarwi. Akati achisvika pazvikwiriso, akaita sokutakurwa navarwi; nokuti vanhu vazhinji vakatevera, vachidanidzira, vachiti, “Mubvise!” Zvino oda kupinzwa muimba yavarwi, Pauro akati kumukuru wechiuru chamazana, “Ndingataura chimwe nemi here?” Iye akati, “Unoziva chiGiriki here? Ko hauzi uya muIjipiti, akadeya kukanganisa vanhu panguva yapfuura, akaenda navaurayi vane zviuru zvina kurenje here?” Ipapo Pauro akati, “Ini ndiri muJudha weTaso muKirikia, munhu weguta rakakurumbira. Ndinokumbira kuti munditendere nditaure navanhu.” Zvino akati amutendera, Pauro akamira pazvikwiriso, akaninira vanhu noruoko rwake; zvino vakati vanyarara kwazvo, akataura norurimi rwechiHebheru, akati

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 21

Mabasa 21:27-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mazuva manomwe paakanga ava kuda kundopera, vaJudha vanobva kuAsia vakanga vamuona muTemberi vakanyandutsa mhomho yavanhu vakamubata vachidaidzira vachiti, “Varume, vaIsiraeri, uyai tibatsirane uyu ndiye murume ari kudzidzisa vanhu kose kose zvinorwisana navanhu vedu uye zvinorwisana nomutemo wedu nezvinorwisana nenzvimbo ino. Chimwezve ndechokuti akaunza vaGiriki muTemberi uye akan'oresa nzvimbo ino tsvene.” Vakanga vamboona Tirofimusi muEfeso ainaye muguta, nezvo vakangofunga kuti Pauro akanga amuunza muTemberi. Guta rose rakanyanduka vanhu ndokubva vati unga unga kuungana. Vakabata Pauro vakamukwekwereretsera kunze kweTemberi. Pakarepo misuo mikuru yakabva yazarirwa. Pavakanga vachiedza kumuuraya shoko rakasvika kumukuru mukuru webato ramasoja rokuti Jerusaremu yose yangova nyonganyonga. Pakarepo akabva atora masoja navatungamiri vezana akamhanya kwavari. Pavakaona mukuru mukuru namasoja vakaregedza kurova Pauro. Mukuru mukuru wamasoja uya paakasvika pedyo akamusunga akati anofanira kusungwa necheni mbiri. Akabvunza kuti ndiani uye kuti aiitei. Vamwe mumhomho iyoyo, vaidaidzira vachiti, ava vanotaura izvi avawo vachitaurawo zvimwe. Zvaasina kukwanisa kuziva mamiriro ezvinhu pamusana pemhirizhonga iyi akati ngaaendeswe munzvimbo inogara masoja. Paakasvika pamadanho okupinda mumba akatoita zvokutotakurwa kwazvo namasoja nokuda kwechisimba chakanga choitwa nebvakapfaka riya nokuti mhomho yakanga yotevera ichiti, “Pasi naye.” Pauro paakanga ava kuda kupinzwa munogara masoja akati kuna mukuru wamasoja, “Ndingataurewo here zvangu nemi.” Mukuru wamasoja akati, “Unoziva chiGiriki here? Hausiwe here muIjipiti uya akamutsa chimurenga mazuva ano achangopfuura aya akatungamirira varume zviuru zvina zvemhondi kurenje?” Pauro akapindura achiti, “Ini ndiri muJudha anobva kuTasusi kuSirisia, mugari weguta rinozivikanwa. Ndinokutetererai kuti mundibvumirewo kuti nditaure kuvanhu.” Paakamubvumira, Pauro akaninira ruoko kuvanhu amire pamasitepisi enzvimbo iyoyo. Pakwakanyararwa kuti mwi–i akataura nomutauro wechiHebheru achiti

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 21

Mabasa 21:27-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino mazuʋa manomŋe akati opera, ʋaJuda ʋeAsia ʋakamuʋona mutembere, ʋakamutsa ʋanhu ʋazhinji, ʋakamuɓata, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Ʋarume ʋaIsraeri, ɓatsirai! Uyu ndiye munhu unodzidzisa ʋanhu kwose‐kwose ɀinopesana naʋanhu, nomurairo, nenɀimbo ino; ʋuye ɀe, wakaʋuya naʋaGiriki mutembere, akaȿiɓisa nɀimbo ino tȿene. Nokuti ʋakaŋga ʋaʋona Trofimo muEfeso, anaye muguta, ʋakati ɀimŋe Pauro wapinda naye mutembere. Ipapo guta rose rakanyoŋganiswa, ʋanhu ʋakamhanyira pamŋe cete; ʋakaɓata Pauro, ʋakamukweʋera kunze kwetembere, mikoʋa ikazarirwa pakarepo. Ɀino ʋakati ʋacitȿaka kumuʋuraya, shoko rikakwira kumukuru wecuru camazana, kuti Jerusarema rose ranyoŋganiswa. Iye akatora pakarepo ʋarwi naʋakuru ʋezana, akaɓuruka acimhanyira kwaʋari; iʋo ʋakati ʋaciʋona mukuru wecuru camazana naʋarwi, ʋakarega kuroʋa Pauro. Ɀino mukuru wecuru camazana akasweɗera, akamuɓata, ndokuraira kuti asuŋgwe namaketani maʋiri; akabvunza kuti ndiani, ʋuye kuti waiteiko. Ɀino ʋamŋe pakati paʋazhinji ʋakaɗanidzira cimŋe cinhu, ʋamŋe cimŋe cinhu; ɀino iye asiŋgagoni kuziʋa ɀokwaɗi nokuɗa kweɓopoto, akaraira kuti ʋamuise kuimba yaʋarwi. Wakati aciȿika paɀikwiriso, akaita sokutakurwa naʋarwi, nokuɗa kwesimba raʋanhu ʋazhinji; nokuti ʋanhu ʋazhinji ʋakateʋera, ʋaciɗanidzira, ʋaciti: Mubvisei! Ɀino oɗa kupinzwa muimba yaʋarwi, Pauro akati kumukuru wecuru camazana: Ndiŋgataura cimŋe nemi here? Iye akati: Unoziʋa ciGiriki here? Ko hauzi uya muEgipita, wakaɗeya kukaŋganisa ʋanhu paŋguʋa yapfuʋura, akaenda naʋaʋurayi ʋaneɀuru ɀinna kurenje here? Ipapo Pauro akati: Ini ndiri muJuda weTarso muKirikia, munhu weguta rakakurumbira. Ndinokumbira kuti munditendere nditaure naʋanhu. Ɀino wakati amutendera, Pauro akamira paɀikwiriso, akaninira ʋanhu noruʋoko rwake; ɀino ʋakati ʋanyarara kwaɀo, akataura norurimi rweciHeberu, akati

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 21

Mabasa 21:27-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)