Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 21:27-40

Mabasa 21:27-40 SNA2002

Zvino mazuva manomwe akati opera, vaJudha veAsia vakamuona mutemberi, vakamutsa vanhu vazhinji, vakamubata, vakadanidzira, vachiti, “Varume vaIsiraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu anodzidzisa vanhu kwose-kwose zvinopesana navanhu, nomurayiro, nenzvimbo ino; uyezve akauya navaGiriki mutemberi, akasvibisa nzvimbo ino tsvene.” Nokuti vakanga vaona Tirofimo muEfeso, anaye muguta, vakati zvimwe Pauro apinda naye mutemberi. Ipapo guta rose rakanyonganiswa, vanhu vakamhanyira pamwechete; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetemberi, misuo ikazarirwa pakarepo. Zvino vakati vachitsvaka kumuuraya, shoko rikakwira kumukuru wechiuru chamazana, kuti Jerusaremu rose ranyonganiswa. Iye akatora pakarepo varwi vakuru vezana, akaburuka achimhanyira kwavari; ivo vakati vachiona mukuru wechiuru chamazana navarwi, vakarega kurova Pauro. “Zvino mukuru wechiuru chamazana akaswedera, akamubata, ndokurayira kuti asungwe nengetani mbiri; akabvunza kuti ndiani, uye kuti aiteiko.” Zvino vamwe pakati pavazhinji vakadanidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe chinhu; zvino iye asingagoni kuziva chokwadi nokuda kwebopoto, akarayira kuti vamuise kuimba yavarwi. Akati achisvika pazvikwiriso, akaita sokutakurwa navarwi; nokuti vanhu vazhinji vakatevera, vachidanidzira, vachiti, “Mubvise!” Zvino oda kupinzwa muimba yavarwi, Pauro akati kumukuru wechiuru chamazana, “Ndingataura chimwe nemi here?” Iye akati, “Unoziva chiGiriki here? Ko hauzi uya muIjipiti, akadeya kukanganisa vanhu panguva yapfuura, akaenda navaurayi vane zviuru zvina kurenje here?” Ipapo Pauro akati, “Ini ndiri muJudha weTaso muKirikia, munhu weguta rakakurumbira. Ndinokumbira kuti munditendere nditaure navanhu.” Zvino akati amutendera, Pauro akamira pazvikwiriso, akaninira vanhu noruoko rwake; zvino vakati vanyarara kwazvo, akataura norurimi rwechiHebheru, akati

Verenga chikamu Mabasa 21