Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 21

21
Pauro anosvika Jerusaremu, kwaanobatwa mutemberi
1Zvino takati taparadzana navo, tikabva nechikepe, tikarurama, tikasvika Kose; fume mangwana tikasvika Rodhe; tikabvapo, tikasvika Patara. 2Takati tawanapo chikepe, chaiyambukira Fonikia, tikapinda mukati macho, tikaenda. 3Takati taona Saipurasi, tikaisiya kuruboshwe, tichienda Siria, tikasvika Tire; nokuti chikepe chaifanira kututunura mutoro ipapo; 4zvino takati tawanapo vadzidzi, tikagarapo mazuva manomwe; ivo vakati nomweya kuna Pauro kuti arege kukwira Jerusaremu. 5Zvino takati tapedzapo mazuva, tikabva, tikaenda; ivo vose, navakadzi navana, vakatiperekedza kusvikira tabuda paguta; ipapo tikafugama pamhenderekedzo, tikanyengetera. 6Tikaonekana, isu tikaenda kuchikepe, ivo vakadzokera kumusha kwavo.
7Isu takati tapedza rwendo tichibva Tire, tikasvika Toremai, tikakwazisa hama, ndokuswera zuva rimwe navo. 8Fume mangwana tikabvapo, tikasvika Kesaria; ipapo tikapinda mumba maFiripi, Muvhangeri, mumwe wavanomwe, tikagara naye. 9Iye akanga ana vakunda vana, mhandara, vaiporofita. 10Zvino takati tichigarapo mazuva mazhinji, mumwe muporofita, ainzi Akabho, akaburuka achibva Judhea, 11akauya kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akazvisunga makumbo namaoko ake, akati, “Mweya Mutsvene anoreva kudai, saizvozvo vaJudha paJerusaremu vachasunga murume, mwene webhanhire iri, nokumuisa pamaoko avahedheni.”
12Takati tichinzwa izvozvo, isu navamwe vaipapo tikakumbira zvikuru kwaari, kuti arege kukwira Jerusaremu. 13Ipapo Pauro akapindura, akati, “Munoiteiko, muchichema nokuputsa mwoyo wangu? Nokuti ini handina kuzvigadzirira kusungwa bedzi, asi kunyange kufira zita raIshe Jesu paJerusaremu.” 14Zvino akati achiramba kukundwa, tikanyarara, tikati, “Kuda kwaIshe ngakuitwe.”
15Mazuva iwayo akati apera, tikarongedza, tikakwira Jerusaremu. 16Navamwe vadzidzi veKesaria vakaenda nesu, vakauyawo nomumwe, ainzi Minasoni, mudzidzi wakare, weSaipurasi, wataindogara naye.
17Zvino takati tichisvika Jerusaremu, hama dzikatigamuchira nomufaro. 18Fume mangwana Pauro akapinda nesu kuna Jakobho; navakuru vakanga varipo vose. 19Akavakwazisa, ndokuvarondedzera, chimwe nechimwe, zvakaitwa naMwari pakati pavahedheni nebasa rake. 20Ivo vakati vazvinzwa, vakakudza Mwari, vakati kwaari, “Hama, unoona kuti varipo vane zviuru zvamazana zvizhinji zvavaJudha vakatenda; vose vanoshingairira murayiro; 21zvino vakaudzwa kuti iwe unodzidzisa vaJudha vose, vari pakati pavahedheni, kuti varambe Mosesi, uchiti, varege kudzingisa vana vavo, kana kufamba netsika dzomurayiro. 22Zvino todiniko? Vachanzwa havo kuti wasvika. 23Naizvozvo ita izvi zvatinotaura kwauri, tina varume vana vakazvisunga nokupika; 24uvatore, uzvinatse pamwechete navo, uvaripire, vagoveura misoro yavo; ipapo vose vachaziva, kuti haazi mashoko ezvokwadi, avakaudzwa pamusoro pako; asi kuti iwewo unofamba zvakanaka, uchichengeta murayiro umene. 25Asi kana vari vahedheni vakatenda, takavanyorera, tichiti vazvidzore pane zvakabayirwa zvifananidzo, neropa, nezvakadzipwa, noupombwe.”
26Ipapo Pauro akatora varume avo, akazvinatsa pamwechete navo nezuva rakatevera, akapinda mutemberi, kuti azivise kupera kwamazuva okunatsa, kusvikira mumwe nomumwe abayirwa chibayiro.
27Zvino mazuva manomwe akati opera, vaJudha veAsia vakamuona mutemberi, vakamutsa vanhu vazhinji, vakamubata, 28vakadanidzira, vachiti, “Varume vaIsiraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu anodzidzisa vanhu kwose-kwose zvinopesana navanhu, nomurayiro, nenzvimbo ino; uyezve akauya navaGiriki mutemberi, akasvibisa nzvimbo ino tsvene.”
29Nokuti vakanga vaona Tirofimo muEfeso, anaye muguta, vakati zvimwe Pauro apinda naye mutemberi. 30Ipapo guta rose rakanyonganiswa, vanhu vakamhanyira pamwechete; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetemberi, misuo ikazarirwa pakarepo.
31Zvino vakati vachitsvaka kumuuraya, shoko rikakwira kumukuru wechiuru chamazana, kuti Jerusaremu rose ranyonganiswa. 32Iye akatora pakarepo varwi vakuru vezana, akaburuka achimhanyira kwavari; ivo vakati vachiona mukuru wechiuru chamazana navarwi, vakarega kurova Pauro.
33“Zvino mukuru wechiuru chamazana akaswedera, akamubata, ndokurayira kuti asungwe nengetani mbiri; akabvunza kuti ndiani, uye kuti aiteiko.”
34Zvino vamwe pakati pavazhinji vakadanidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe chinhu; zvino iye asingagoni kuziva chokwadi nokuda kwebopoto, akarayira kuti vamuise kuimba yavarwi. 35Akati achisvika pazvikwiriso, akaita sokutakurwa navarwi; 36nokuti vanhu vazhinji vakatevera, vachidanidzira, vachiti, “Mubvise!”
37Zvino oda kupinzwa muimba yavarwi, Pauro akati kumukuru wechiuru chamazana, “Ndingataura chimwe nemi here?” Iye akati, “Unoziva chiGiriki here? 38Ko hauzi uya muIjipiti, akadeya kukanganisa vanhu panguva yapfuura, akaenda navaurayi vane zviuru zvina kurenje here?”
39Ipapo Pauro akati, “Ini ndiri muJudha weTaso muKirikia, munhu weguta rakakurumbira. Ndinokumbira kuti munditendere nditaure navanhu.”
Pauro anozvidavirira pamberi pavanhu
40Zvino akati amutendera, Pauro akamira pazvikwiriso, akaninira vanhu noruoko rwake; zvino vakati vanyarara kwazvo, akataura norurimi rwechiHebheru, akati,

Zvasarudzwa nguva ino

Mabasa 21: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda