Mabasa 21
21
Pauro anoenda kuJerusaremu
1Patakanga taparadzana navo tava kuenda nechikepe takangoti tasa kuenda kuKosi. Zuva rakatevera takaenda kuRodzi. Patakabvako takaenda kuPatara. 2Patakawana chikepe chaiyambukira kuFonisia takachikwira tikaenda. 3Patakasvika pokunge tava kuona Saipurasi takaisiya kuruboshwe toenda kuSiria tikamira paTire nokuti ipapo chikepe chaifanira kututunura zvachainge chakatakura. 4Patakatsvaka tikawana vadzidzi, takagarapo mazuva manomwe. Vaina Mweya Mutsvene, vakataurira Pauro kuti arege kunge achaenda kuJerusaremu. 5Pakapera mazuva edu ikoko, takasimuka tikaenda murwendo rwedu. Vakatiperekedza vose namadzimai avo navana kusvikira kunze kweguta. Takapfugama pamahombekombe egungwa tikanamata ndokuonekana. 6Takazokwira muchikepe, ivo ndokubva vadzokera kumba.
7Rwendo rwedu rwokubva kuTire rwakapera nokusvika kwatakaita kuToremaisi. Takakwazisa vehama tikagara navo zuva rimwechete. 8Ramangwana takasimuka tikasvika kuSezaria tikanopinda mumba maFiripi, muparidzi aiva mumwe wavanomwe vaya, tikagara naye. 9Akanga ane vanasikana vana vasina kuroorwa vaiporofita. 10Patakamboti garei kwamazuva akati kuti, mumwe muporofita anonzi Agabhusi akadzika achibva kuJudhea. 11Paakauya kwatiri akatora bhande raPauro akazvisunga makumbo namaoko akati zvanzi naMweya Mutsvene, “Ndiko kusungwa kuchaitwa, navaJudha vokuJerusaremu, muridzi webhande iri vachizomuturira mumaoko evechirudzi.”
12Patakanzwa izvi, isu pamwechete navanhu vaivapo takamukumbira kuti arege kukwira kuJerusaremu 13Pauro akapindura achiti, “Ko muri kuiteiko, kuchema muchindibaya mwoyo kudai. Inga wani ndakatogadzirira, kwete chete kusungwa, asi kana kutofira zita raTenzi Jesu kuJerusaremu.” 14Paakaramba kudzoreka, takarega kutaura tikati, “Kuda kwaTenzi ngakuitwe.”
15Mushure memazuva iwaya takagadzirira tikakwira kuJerusaremu. 16Vamwe vadzidzi vokuSezaria vakaenda nesu. Vakatisvitsa kumba kwaMunasoni wekuSaipurasi mudzidzi wapakutanga chaipo ane kumba kwataifanira kundogara.
Kusvika kwaPauro muJerusaremu
17Patakasvika kuJerusaremu vehama vakatigamuchira nomufaro. 18Pazuva rakatevera Pauro akaenda nesu kuna Jemusi uye vakuru vakuru vose vakanga varipo. 19Pashure pokuvakwazisa akavarondedzera chimwe nechimwe chezvinhu zvakaitwa naMwari pakati pevechirudzi nomubasa rake iye Pauro. 20Pavakazvinzwa vakarumbidza Mwari. Vakamuti, “Unoona here nhai hama, kuti zviuru zvingani pakati pavaJudha vakatenda, vane shungu noMutemo. 21Vakataurirwa nezvako zvokuti uri kudzidzisa vaJudha vose vari pakati pevechirudzi kuti vafuratire Mosesi, uchivaudza kuti vasadzingise vana vavo kana kuchengeta tsika dzedu. 22Zvino zvoitwa sei? Vachazvinzwa kuti wakauya. 23Iwe chiita zvatinokuudza. Tine varume vana vakaita mhiko! 24Tora varume ivavo uzvichenure pamwechete navo uvabhadharire kuti vaveure musoro vose. Vanobva vaziva kuti zvavanga vachitaurirwa nezvako hapana zviripo asi kuti iwe pachako muupenyu hwako unochengeta mutemo. 25Asi kune vechirudzi, vakadavira, takavatumira tsamba ine zvatakatema zvokuti vasiyane nezvinhu zvakabairwa zvifananidzo zvokunamata, varege musiya nenyama isina kusinzwa noupombwe.”
26Pauro akatora varume vaya. Zuva rakatevera akazvichenura pamwechete navarume vaya akapinda muTemberi kundotaura kuti mazuva okuzvichenura kwavo anopera rini nechibayiro chinopirirwa mumwe nomumwe wavo.
Nyonganyonga muJerusaremu
27Mazuva manomwe paakanga ava kuda kundopera, vaJudha vanobva kuAsia vakanga vamuona muTemberi vakanyandutsa mhomho yavanhu vakamubata vachidaidzira vachiti, 28“Varume, vaIsiraeri, uyai tibatsirane uyu ndiye murume ari kudzidzisa vanhu kose kose zvinorwisana navanhu vedu uye zvinorwisana nomutemo wedu nezvinorwisana nenzvimbo ino. Chimwezve ndechokuti akaunza vaGiriki muTemberi uye akan'oresa nzvimbo ino tsvene.” 29Vakanga vamboona Tirofimusi muEfeso ainaye muguta, nezvo vakangofunga kuti Pauro akanga amuunza muTemberi.
30Guta rose rakanyanduka vanhu ndokubva vati unga unga kuungana. Vakabata Pauro vakamukwekwereretsera kunze kweTemberi. Pakarepo misuo mikuru yakabva yazarirwa. 31Pavakanga vachiedza kumuuraya shoko rakasvika kumukuru mukuru webato ramasoja rokuti Jerusaremu yose yangova nyonganyonga. 32Pakarepo akabva atora masoja navatungamiri vezana akamhanya kwavari. Pavakaona mukuru mukuru namasoja vakaregedza kurova Pauro. 33Mukuru mukuru wamasoja uya paakasvika pedyo akamusunga akati anofanira kusungwa necheni mbiri. Akabvunza kuti ndiani uye kuti aiitei. Vamwe mumhomho iyoyo, vaidaidzira vachiti, ava vanotaura izvi avawo vachitaurawo zvimwe. 34Zvaasina kukwanisa kuziva mamiriro ezvinhu pamusana pemhirizhonga iyi akati ngaaendeswe munzvimbo inogara masoja. 35Paakasvika pamadanho okupinda mumba akatoita zvokutotakurwa kwazvo namasoja nokuda kwechisimba chakanga choitwa nebvakapfaka riya 36nokuti mhomho yakanga yotevera ichiti, “Pasi naye.”
Pauro anotaura kumhomho yamaJudha muJerusaremu
37Pauro paakanga ava kuda kupinzwa munogara masoja akati kuna mukuru wamasoja, “Ndingataurewo here zvangu nemi.” Mukuru wamasoja akati, “Unoziva chiGiriki here? 38Hausiwe here muIjipiti uya akamutsa chimurenga mazuva ano achangopfuura aya akatungamirira varume zviuru zvina zvemhondi kurenje?” 39Pauro akapindura achiti, “Ini ndiri muJudha anobva kuTasusi kuSirisia, mugari weguta rinozivikanwa. Ndinokutetererai kuti mundibvumirewo kuti nditaure kuvanhu.” 40Paakamubvumira, Pauro akaninira ruoko kuvanhu amire pamasitepisi enzvimbo iyoyo. Pakwakanyararwa kuti mwi–i akataura nomutauro wechiHebheru achiti:
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 21: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.