Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 21:27-40

Mabasa 21:27-40 SCLB

Mazuva manomwe paakanga ava kuda kundopera, vaJudha vanobva kuAsia vakanga vamuona muTemberi vakanyandutsa mhomho yavanhu vakamubata vachidaidzira vachiti, “Varume, vaIsiraeri, uyai tibatsirane uyu ndiye murume ari kudzidzisa vanhu kose kose zvinorwisana navanhu vedu uye zvinorwisana nomutemo wedu nezvinorwisana nenzvimbo ino. Chimwezve ndechokuti akaunza vaGiriki muTemberi uye akan'oresa nzvimbo ino tsvene.” Vakanga vamboona Tirofimusi muEfeso ainaye muguta, nezvo vakangofunga kuti Pauro akanga amuunza muTemberi. Guta rose rakanyanduka vanhu ndokubva vati unga unga kuungana. Vakabata Pauro vakamukwekwereretsera kunze kweTemberi. Pakarepo misuo mikuru yakabva yazarirwa. Pavakanga vachiedza kumuuraya shoko rakasvika kumukuru mukuru webato ramasoja rokuti Jerusaremu yose yangova nyonganyonga. Pakarepo akabva atora masoja navatungamiri vezana akamhanya kwavari. Pavakaona mukuru mukuru namasoja vakaregedza kurova Pauro. Mukuru mukuru wamasoja uya paakasvika pedyo akamusunga akati anofanira kusungwa necheni mbiri. Akabvunza kuti ndiani uye kuti aiitei. Vamwe mumhomho iyoyo, vaidaidzira vachiti, ava vanotaura izvi avawo vachitaurawo zvimwe. Zvaasina kukwanisa kuziva mamiriro ezvinhu pamusana pemhirizhonga iyi akati ngaaendeswe munzvimbo inogara masoja. Paakasvika pamadanho okupinda mumba akatoita zvokutotakurwa kwazvo namasoja nokuda kwechisimba chakanga choitwa nebvakapfaka riya nokuti mhomho yakanga yotevera ichiti, “Pasi naye.” Pauro paakanga ava kuda kupinzwa munogara masoja akati kuna mukuru wamasoja, “Ndingataurewo here zvangu nemi.” Mukuru wamasoja akati, “Unoziva chiGiriki here? Hausiwe here muIjipiti uya akamutsa chimurenga mazuva ano achangopfuura aya akatungamirira varume zviuru zvina zvemhondi kurenje?” Pauro akapindura achiti, “Ini ndiri muJudha anobva kuTasusi kuSirisia, mugari weguta rinozivikanwa. Ndinokutetererai kuti mundibvumirewo kuti nditaure kuvanhu.” Paakamubvumira, Pauro akaninira ruoko kuvanhu amire pamasitepisi enzvimbo iyoyo. Pakwakanyararwa kuti mwi–i akataura nomutauro wechiHebheru achiti

Verenga chikamu Mabasa 21