Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maɓasa Aʋaapostora 21:27-40

Maɓasa Aʋaapostora 21:27-40 SUB1949

Ɀino mazuʋa manomŋe akati opera, ʋaJuda ʋeAsia ʋakamuʋona mutembere, ʋakamutsa ʋanhu ʋazhinji, ʋakamuɓata, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Ʋarume ʋaIsraeri, ɓatsirai! Uyu ndiye munhu unodzidzisa ʋanhu kwose‐kwose ɀinopesana naʋanhu, nomurairo, nenɀimbo ino; ʋuye ɀe, wakaʋuya naʋaGiriki mutembere, akaȿiɓisa nɀimbo ino tȿene. Nokuti ʋakaŋga ʋaʋona Trofimo muEfeso, anaye muguta, ʋakati ɀimŋe Pauro wapinda naye mutembere. Ipapo guta rose rakanyoŋganiswa, ʋanhu ʋakamhanyira pamŋe cete; ʋakaɓata Pauro, ʋakamukweʋera kunze kwetembere, mikoʋa ikazarirwa pakarepo. Ɀino ʋakati ʋacitȿaka kumuʋuraya, shoko rikakwira kumukuru wecuru camazana, kuti Jerusarema rose ranyoŋganiswa. Iye akatora pakarepo ʋarwi naʋakuru ʋezana, akaɓuruka acimhanyira kwaʋari; iʋo ʋakati ʋaciʋona mukuru wecuru camazana naʋarwi, ʋakarega kuroʋa Pauro. Ɀino mukuru wecuru camazana akasweɗera, akamuɓata, ndokuraira kuti asuŋgwe namaketani maʋiri; akabvunza kuti ndiani, ʋuye kuti waiteiko. Ɀino ʋamŋe pakati paʋazhinji ʋakaɗanidzira cimŋe cinhu, ʋamŋe cimŋe cinhu; ɀino iye asiŋgagoni kuziʋa ɀokwaɗi nokuɗa kweɓopoto, akaraira kuti ʋamuise kuimba yaʋarwi. Wakati aciȿika paɀikwiriso, akaita sokutakurwa naʋarwi, nokuɗa kwesimba raʋanhu ʋazhinji; nokuti ʋanhu ʋazhinji ʋakateʋera, ʋaciɗanidzira, ʋaciti: Mubvisei! Ɀino oɗa kupinzwa muimba yaʋarwi, Pauro akati kumukuru wecuru camazana: Ndiŋgataura cimŋe nemi here? Iye akati: Unoziʋa ciGiriki here? Ko hauzi uya muEgipita, wakaɗeya kukaŋganisa ʋanhu paŋguʋa yapfuʋura, akaenda naʋaʋurayi ʋaneɀuru ɀinna kurenje here? Ipapo Pauro akati: Ini ndiri muJuda weTarso muKirikia, munhu weguta rakakurumbira. Ndinokumbira kuti munditendere nditaure naʋanhu. Ɀino wakati amutendera, Pauro akamira paɀikwiriso, akaninira ʋanhu noruʋoko rwake; ɀino ʋakati ʋanyarara kwaɀo, akataura norurimi rweciHeberu, akati