2 Madzimambo 8:16-29
2 Madzimambo 8:16-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mugore rechishanu raJoramu mwanakomana waAhabhu mambo weIsraeri, Jehoshafati ari mambo weJudha, Jehoramu mwanakomana waJehoshafati akatanga kutonga kwake samambo weJudha. Akanga ava namakore makumi matatu namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore masere. Akafamba munzira dzamadzimambo eIsraeri, sezvakaita imba yaAhabhu, nokuti akawana mwanasikana waAhabhu. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha. Kunyange zvakadaro, Jehovha akanga asingadi kuparadza Judha, nokuda kwomuranda wake Dhavhidhi. Akanga avimbisa kupa mwenje kwaari nokuvana vake nokusingaperi. Munguva yaJehoramu, Edhomu yakapandukira Judha ikazvigadzira mambo wayo. Naizvozvo Jehoramu akaenda kuZairi nengoro dzake dzose. VaEdhomu vakamukomba iye navakuru vake vengoro, asi akamuka usiku akavarwisa; uye hondo yake yakatizira kumusha. Naizvozvo vaEdhomu vakabva vamukira vaJudha kusvikira nhasi. Ribhina yakapandukawo panguva imwe cheteyo. Zvimwe zvakaitwa pamazuva okutonga kwaJehoramu nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo aJudha? Jehoramu akavata namadzibaba ake akavigwa pamwe chete navo muguta raDhavhidhi. Ahazia mwanakomana wake akamutevera paumambo. Mugore regumi namaviri raJoramu, mwanakomana waAhabhu, mambo weIsraeri, Ahazia, mwanakomana waJehoramu, mambo weJudha akatanga kutonga. Ahazia akanga ana makore makumi maviri namaviri paakava mambo, akatonga muJerusarema kwegore rimwe chete. Zita ramai vake rainzi Ataria, muzukuru waOmuri, mambo weIsraeri. Akafamba munzira dzeimba yaAhabhu akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaitwa neimba yaAhabhu, nokuti akanga ari mukuwasha kumhuri yaAhabhu. Ahazia akaenda naJoramu mwanakomana waAhabhu kundorwa naHazaeri, mambo weAramu, paRamoti Gireadhi. VaAramu vakakuvadza Joramu; naizvozvo mambo Joramu akadzokera kuJezireeri kuti ambondopora maronda aakanga akakuvadzwa navaAramu paRamoti mukurwa kwake naHazaeri mambo weAramu. Ipapo Ahazia mwanakomana waJehoramu, mambo weJudha, akadzika kuJezireeri kundoona Joramu, mwanakomana waAhabhu, nokuti akanga akuvadzwa.
2 Madzimambo 8:16-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino negore rechishanu raJoramu mwanakomana waAhabhi, mambo weIsiraeri, Jehoshafati ari mambo waJudha, Jehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo waJudha, akatanga kubata ushe. Iye akatanga kubata ushe ava namakore makumi matatu namaviri; akabata ushe paJerusaremu makore masere. Akafamba nenzira yamadzimambo aIsiraeri, sezvakaita imba yaAhabhi; nokuti mukunda waAhabhi waiva mukadzi wake; akaita zvakaipa pamberi paJehovha. Kunyange zvakadaro Jehovha wakanga asingadi kuparadza Judha, nokuda kwaDhavhidhi muranda wake, nokuti wakanga amupikira, kuti uchamupa mwenje wavana vake nguva dzose. Zvino namazuva ake vaEdhomu vakamukira vaJudha, vakazvigadzira mambo. Ipapo Joramu akaenda Zairi, ane ngoro dzake dzose; akamuka usiku, akaparadza vaEdhomu vakanga vakamukomba navakuru vengoro; vanhu vakatizira kumatende avo. Naizvozvo vaEdhomu vakamukira vaJudha, kusvikira zuva ranhasi. Ipapo Ribhina akavamukirawo nenguva iyo. Mamwe mabasa aJoramu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha? Joramu akavata namadzibaba ake, akavigwa kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi; Ahazia mwanakomana wake akamutevera paushe. Negore regumi namaviri raJoramu mwanakomana waAhabhi mambo waIsiraeri, Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha, akatanga kubata ushe. Ahazia wakanga ana makore ana makumi maviri namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu gore rimwe. Zita ramai vake rakanga riri Ataria, mukunda waOmiri mambo weIsiraeri. Iye wakafamba nenzira yeimba yaAhabhi, akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaitwa neimba yaAhabhi; nokuti wakanga ari mukuwasha weimba yaAhabhi. Akaenda naJoramu mwanakomana waAhabhi kundorwa naHazaeri mambo weSiria paRamotigireadhi; vaSiria vakakuvadza Joramu. Mambo Joramu akadzokera Jezereri kuti arapwe mavanga ake aakatemwa navaSiria paRama, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha akaenda kundoona Joramu mwanakomana waAhabhi paJezereri, nokuti wakanga achirwara.

2 Madzimambo 8:16-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mugore rechishanu rokutonga kwaJoramu mwanakomana waAhabhu mambo wokwaIsiraeri, Jehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo wokwaJudha akatangisa kutonga. Akanga ava namakumi matatu amakore namakore maviri paakava mambo, akatonga muJerusaremu kwamakore masere. Iye akatevedzera makwara amadzimambo okwaIsiraeri sezvakanga zvaitwa nevemba yaAhabhu nokuti mudzimai wake akanga ari mukunda waAhabhu. Akaitawo zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Zvakadaro zvazvo Tenzi haana kuparadza vokwaJudha achiitira muranda wake Dhavhidhi, sezvo akanga amutsidzira kumupa mwenje unogara uchipfuta nokusingapere navanakomana vake. Panguva yake Edhomu yakapanduka ikaramba zvokutongwa nevokwaJudha, ikazvigadzirawo mambo wayo. Joramu ndokuyambukira kuZairi aine ngoro dzake dzose dzehondo, akamuka nousiku iye navakuru vakuru vake vengoro dzehondo akarakatisa kuuraya vaEdhomu vakanga vamukomberana. Asi hondo yake yakatizira kumusha. Nokudaro Edhomu yakapanduka ikaramba zvokutongwa nevokwaJudha kusvikira pari nhasi, panguva yakareyo guta reRibhuna rakapandukawo. Inga dzimwe nyaya dzezvaJoramu nezvose zvaakaita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. Joramu akazovatawo oenda kwakaenda vamwe madzitateguru ake akavigwa pamwe chete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi, mwanakomana wake Ahaziya akazotonga pachinzvimbo pake. Mugore regumi nechipiri rokutonga kwaJoramu mwanakomana waAhabhu mambo wokwaIsairaeri, Ahaziya mwanakomana waJehoramu mambo wakwaJudha akatangisa kutonga. Ahaziya akanga ava namakore okuberekwa makumi maviri namaviri paakatangisa kutonga, akatonga gore rimwechete ari muJerusaremu. Amai vake vainzi Atariya vaiva muzukuru waOmuri mambo wokwaIsiraeri. Iyeyuwo akatevedzera makwara emba yaAhabhu achiita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi sezvakanga zvaitwa nemba yaAhabhu sezvo aiva mukuwasha kumba yaAhabhu. Ahaziya akaenda naJoramu mwanakomana waAhabhu kuhondo kundorwisa Hazaeri mambo weSiria kuRamoti kuGireadhi kwakakuvadzirwa Joramu navaSiria. Mambo Joramu akadzokera kuJezirieri kundorapwa maronda aakanga akuvadzwa nevaSiria kuRama paakarwisa Hazaeri mambo weSiria. Ahaziya mwana waJehoramu mambo wokwaJudha akadzikako kundotarira Joramu mwanakomana waAhabhu kuJezirieri sezvo ainge achirwara.
2 Madzimambo 8:16-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino negore recishanu raJorami mŋanakomana waAhabi, mambo waIsraeri, Jehoshafati ari mambo waJuda, Jehorami mŋanakomana waJehoshafati mambo waJuda, akataŋga kuɓata ʋushe. Iye akataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore makumi matatu namaʋiri; akaɓata ʋushe paJerusarema makore masere. Akafamba nenzira yamadzimambo aIsraeri, seɀakaita imba yaAhabi; nokuti mukunda waAhabi waiʋa mukadzi wake; akaita ɀakaipa pamberi paJehova. Kunyaŋge ɀakaɗaro Jehova wakaŋga asiŋgaɗi kuparadza Juda, nokuɗa kwaDavidi muranda wake, nokuti wakaŋga amupikira, kuti ucamupa mŋenje waʋana ʋake ŋguʋa dzose. Ɀino namazuʋa ake ʋaEdomi ʋakamukira ʋaJuda, ʋakaɀigadzira mambo. Ipapo Jorami akaenda Zairi, aneŋgoro dzake dzose; akamuka ʋusiku, akaparadza ʋaEdomi ʋakaŋga ʋakamukomba naʋakuru ʋeŋgoro; ʋanhu ʋakatizira kumatente aʋo. Naiɀoɀo ʋaEdomi ʋakamukira ʋaJuda, kuȿikira zuʋa ranhasi. Ipapo Ribna akaʋamukira ʋo neŋguʋa iyo. Mamŋe maɓasa aJorami, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda? Jorami akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa kunamadziɓaɓa ake muguta raDavidi; Ahazia mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe. Negore regumi namaʋiri raJorami mŋanakomana waAhabi mambo waIsraeri, Ahazia mŋanakomana waJehorami mambo waJuda, akataŋga kuɓata ʋushe. Ahazia wakaŋga anamakore anamakumi maʋiri namaʋiri pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema gore rimŋe. Zita ramai ʋake rakaŋga riri Ataria, mukunda waOmri mambo waIsraeri. Iye wakafamba nenzira yeimba yaAhabi, akaita ɀakaipa pamberi paJehova, seɀakaitwa neimba yaAhabi; nokuti wakaŋga ari mukuwasha weimba yaAhabi. Akaenda naJorami mŋanakomana waAhabi kundorwa naHazaeri mambo weSiria paRamoti‐gireadi; ʋaSiria ʋakakuʋadza Jorami. Mambo Jorami akadzokera Jezreeri kuti arapxe maʋaŋga ake aakatemŋa naʋaSiria paRama, ŋguʋa yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Ahazia mŋanakomana waJehorami mambo waJuda akaenda kundoʋona Jorami mŋanakomana waAhabi paJezreeri, nokuti wakaŋga acirwara.
2 Madzimambo 8:16-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)