Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 8:16-29

2 Madzimambo 8:16-29 SCLBD

Mugore rechishanu rokutonga kwaJoramu mwanakomana waAhabhu mambo wokwaIsiraeri, Jehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo wokwaJudha akatangisa kutonga. Akanga ava namakumi matatu amakore namakore maviri paakava mambo, akatonga muJerusaremu kwamakore masere. Iye akatevedzera makwara amadzimambo okwaIsiraeri sezvakanga zvaitwa nevemba yaAhabhu nokuti mudzimai wake akanga ari mukunda waAhabhu. Akaitawo zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Zvakadaro zvazvo Tenzi haana kuparadza vokwaJudha achiitira muranda wake Dhavhidhi, sezvo akanga amutsidzira kumupa mwenje unogara uchipfuta nokusingapere navanakomana vake. Panguva yake Edhomu yakapanduka ikaramba zvokutongwa nevokwaJudha, ikazvigadzirawo mambo wayo. Joramu ndokuyambukira kuZairi aine ngoro dzake dzose dzehondo, akamuka nousiku iye navakuru vakuru vake vengoro dzehondo akarakatisa kuuraya vaEdhomu vakanga vamukomberana. Asi hondo yake yakatizira kumusha. Nokudaro Edhomu yakapanduka ikaramba zvokutongwa nevokwaJudha kusvikira pari nhasi, panguva yakareyo guta reRibhuna rakapandukawo. Inga dzimwe nyaya dzezvaJoramu nezvose zvaakaita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. Joramu akazovatawo oenda kwakaenda vamwe madzitateguru ake akavigwa pamwe chete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi, mwanakomana wake Ahaziya akazotonga pachinzvimbo pake. Mugore regumi nechipiri rokutonga kwaJoramu mwanakomana waAhabhu mambo wokwaIsairaeri, Ahaziya mwanakomana waJehoramu mambo wakwaJudha akatangisa kutonga. Ahaziya akanga ava namakore okuberekwa makumi maviri namaviri paakatangisa kutonga, akatonga gore rimwechete ari muJerusaremu. Amai vake vainzi Atariya vaiva muzukuru waOmuri mambo wokwaIsiraeri. Iyeyuwo akatevedzera makwara emba yaAhabhu achiita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi sezvakanga zvaitwa nemba yaAhabhu sezvo aiva mukuwasha kumba yaAhabhu. Ahaziya akaenda naJoramu mwanakomana waAhabhu kuhondo kundorwisa Hazaeri mambo weSiria kuRamoti kuGireadhi kwakakuvadzirwa Joramu navaSiria. Mambo Joramu akadzokera kuJezirieri kundorapwa maronda aakanga akuvadzwa nevaSiria kuRama paakarwisa Hazaeri mambo weSiria. Ahaziya mwana waJehoramu mambo wokwaJudha akadzikako kundotarira Joramu mwanakomana waAhabhu kuJezirieri sezvo ainge achirwara.