Zvino negore rechishanu raJoramu mwanakomana waAhabhi, mambo weIsiraeri, Jehoshafati ari mambo waJudha, Jehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo waJudha, akatanga kubata ushe. Iye akatanga kubata ushe ava namakore makumi matatu namaviri; akabata ushe paJerusaremu makore masere. Akafamba nenzira yamadzimambo aIsiraeri, sezvakaita imba yaAhabhi; nokuti mukunda waAhabhi waiva mukadzi wake; akaita zvakaipa pamberi paJehovha. Kunyange zvakadaro Jehovha wakanga asingadi kuparadza Judha, nokuda kwaDhavhidhi muranda wake, nokuti wakanga amupikira, kuti uchamupa mwenje wavana vake nguva dzose. Zvino namazuva ake vaEdhomu vakamukira vaJudha, vakazvigadzira mambo. Ipapo Joramu akaenda Zairi, ane ngoro dzake dzose; akamuka usiku, akaparadza vaEdhomu vakanga vakamukomba navakuru vengoro; vanhu vakatizira kumatende avo. Naizvozvo vaEdhomu vakamukira vaJudha, kusvikira zuva ranhasi. Ipapo Ribhina akavamukirawo nenguva iyo. Mamwe mabasa aJoramu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha? Joramu akavata namadzibaba ake, akavigwa kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi; Ahazia mwanakomana wake akamutevera paushe. Negore regumi namaviri raJoramu mwanakomana waAhabhi mambo waIsiraeri, Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha, akatanga kubata ushe. Ahazia wakanga ana makore ana makumi maviri namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu gore rimwe. Zita ramai vake rakanga riri Ataria, mukunda waOmiri mambo weIsiraeri. Iye wakafamba nenzira yeimba yaAhabhi, akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaitwa neimba yaAhabhi; nokuti wakanga ari mukuwasha weimba yaAhabhi. Akaenda naJoramu mwanakomana waAhabhi kundorwa naHazaeri mambo weSiria paRamotigireadhi; vaSiria vakakuvadza Joramu. Mambo Joramu akadzokera Jezereri kuti arapwe mavanga ake aakatemwa navaSiria paRama, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha akaenda kundoona Joramu mwanakomana waAhabhi paJezereri, nokuti wakanga achirwara.
Verenga chikamu 2 Madzimambo 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Madzimambo 8:16-29
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo