Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 8

8
Mukadzi weShunemi anodzoserwa pfuma yake yose namambo
1Zvino Erisha wakataura nomukadzi uya waakanga amutsira mwanakomana wake, akati, “Simuka uende, iwe neimba yako, undogara kwaunogona kugara hako; nokuti Jehovha wakaraira nzara; ichava panyika makore manomwe.” 2Zvino mukadzi akasimuka, akaita sezvaakaudzwa nomunhu waMwari, akaenda neveimba yake, akandogara panyika yavaFirisitia makore manomwe.
3Zvino makore iwayo akati apera, mukadzi ndokudzoka kunyika yavaFirisitia; akaenda kuna mambo kundochema pamusoro peimba yake nomunda wake. 4Zvino mambo wakanga achitaurirana naGehazi muranda womunhu waMwari, mambo akati, “Dondirondedzerawo zvinhu zvose zvikuru, zvakaitwa naErisha.” 5Zvino wakati achaudza mambo kuti wakamutsa wakafa, iye mukadzi wakanga amutsirwa mwanakomana wake, akachema kuna mambo pamusoro peimba yake nomunda wake. Ipapo Gehazi akati, “Ishe wangu mambo, ndiyeyu mukadzi, noyuyu ndiye mwanakomana wake, wakamutswa naErisha.” 6Mambo wakati abvunza mukadzi, iye akamuudza. Naizvozvo mambo wakaraira mumwe mukuru pamusoro pake, akati, “Mudzosere zvose zvaiva zvake, nemichero yomunda, kubva pazuva raakabva naro panyika kusvikira zvino.”
Hazaeri anotevera Bhenihadhadhi paushe hweSiria
7Zvino Erisha wakasvika Dhamasiko; Bhenihadhadhi mambo weSiria wakanga achirwara, akaudzwa, zvichinzi, “Munhu waMwari wasvika pano.” 8Ipapo mambo akati kuna Hazaeri, “Tora chipo muruoko rwako, undosangana nomunhu waMwari, ubvunze Jehovha naye, uti, ‘Ndichapora pakurwara uku here?’ ” 9Naizvozvo Hazaeri akandosangana naye, akaenda nechipo chezvose zvakanga zvakanaka paDhamasiko, mutoro wakaringana makamera ana makumi mana, akasvika akamira pamberi pake, akati, “Mwanakomana wenyu Bhenihadhadhi mambo weSiria, wakandituma kwamuri, achiti, ‘Ndichapora here pakurwara uku?’ ”
10Erisha akati kwaari, “Enda, undoti kwaari, ‘Zvirokwazvo haangapori; asi Jehovha wakandiratidza kuti zvirokwazvo iye uchafa.’ ” 11Akaramba akamunanganidza kusvikira anyara; munhu waMwari akachema. 12Ipapo Hazaeri akati, “Munochemeiko, ishe wangu?” Akapindura, akati, “Nokuti ndinoziva zvakaipa zvauchaitira vana veIsiraeri; uchapisa nhare dzavo, uchauraya majaya avo nomunondo, uchapwanya pwere dzavo, uchatumbura vakadzi vavo vane mimba.”
13Hazaeri akati, “Ko muranda wenyu chinyiko, iyo imbwa hayo, kuti ndiite chinhu ichi chikuru chakadai?” Erisha akapindura, akati, “Jehovha wakandizivisa, kuti iwe uchava mambo weSiria.”
14Ipapo akabva kuna Erisha, akaenda kuna tenzi wake; iye akati kwaari, “Erisha wati kudiniko kwauri?” Akapindura, akati, “Wakandiudza kuti zvirokwazvo muchapora henyu.” 15Zvino fume mangwana akatora jira, akarinyika mumvura, ndokumufumbira chiso, naizvozvo akafa; Hazaeri akamutevera paushe.
Jehoramu naAhazia madzimambo aJudha
16Zvino negore rechishanu raJoramu mwanakomana waAhabhi, mambo weIsiraeri, Jehoshafati ari mambo waJudha, Jehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo waJudha, akatanga kubata ushe.
17Iye akatanga kubata ushe ava namakore makumi matatu namaviri; akabata ushe paJerusaremu makore masere. 18Akafamba nenzira yamadzimambo aIsiraeri, sezvakaita imba yaAhabhi; nokuti mukunda waAhabhi waiva mukadzi wake; akaita zvakaipa pamberi paJehovha. 19Kunyange zvakadaro Jehovha wakanga asingadi kuparadza Judha, nokuda kwaDhavhidhi muranda wake, nokuti wakanga amupikira, kuti uchamupa mwenje wavana vake nguva dzose.
20Zvino namazuva ake vaEdhomu vakamukira vaJudha, vakazvigadzira mambo. 21Ipapo Joramu akaenda Zairi, ane ngoro dzake dzose; akamuka usiku, akaparadza vaEdhomu vakanga vakamukomba navakuru vengoro; vanhu vakatizira kumatende avo. 22Naizvozvo vaEdhomu vakamukira vaJudha, kusvikira zuva ranhasi. Ipapo Ribhina akavamukirawo nenguva iyo.
23Mamwe mabasa aJoramu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha? 24Joramu akavata namadzibaba ake, akavigwa kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi; Ahazia mwanakomana wake akamutevera paushe.
25Negore regumi namaviri raJoramu mwanakomana waAhabhi mambo waIsiraeri, Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha, akatanga kubata ushe. 26Ahazia wakanga ana makore ana makumi maviri namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu gore rimwe. Zita ramai vake rakanga riri Ataria, mukunda waOmiri mambo weIsiraeri. 27Iye wakafamba nenzira yeimba yaAhabhi, akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaitwa neimba yaAhabhi; nokuti wakanga ari mukuwasha weimba yaAhabhi.
28Akaenda naJoramu mwanakomana waAhabhi kundorwa naHazaeri mambo weSiria paRamotigireadhi; vaSiria vakakuvadza Joramu. 29Mambo Joramu akadzokera Jezereri kuti arapwe mavanga ake aakatemwa navaSiria paRama, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha akaenda kundoona Joramu mwanakomana waAhabhi paJezereri, nokuti wakanga achirwara.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Madzimambo 8: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda