Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 9

9
Jehu mambo waIsiraeri anotanga kuparadza rudzi rwaAhabhi
1Zvino muporofita Erisha wakadana mumwe wavanakomana vavaporofita, akati kwaari, “Chizvisunga chiwuno chako, utore chinu ichi chamafuta muruoko rwako uende Ramotigireadhi. 2Zvino kana wasvikapo, utsvakepo Jehu mwanakomana waJehoshafati mwanakomana waNimishi; upinde mumba, ugomuraira asimuke pakati pehama dzake, apinde muimba yomukati. 3Ipapo utore chinu chamafuta, ugoadira pamusoro wake, uchiti, ‘Zvanzi naJehovha, ndakuzodza, kuti uve mambo weIsiraeri. Ipapo uzarure mukova, utize, usanonoka.’ ”
4Naizvozvo jaya, iro jaya romuporofita, rakaenda Ramotigireadhi. 5Wakati asvikapo, akawana vakuru vehondo vagere pasi; akati, “Ndine shoko nemi, imi mukuru.” Jehu akati, “Kunani, kwatiri tose?” Iye akati, “Kunemi, imi mukuru.” 6Ipapo akasimuka, akapinda mumba; akadira mafuta pamusoro wake, akati kwaari, “Zvanzi naJehovha Mwari weIsiraeri, ‘Ndakuzodza uve mambo wavanhu vaJehovha, ivo vaIsiraeri.’
7“Uchaparadza imba yatenzi wako Ahabhi, kuti nditsive ropa ravaranda vose vaJehovha kuna Izebheri. 8Nokuti vose veimba yaAhabhi vachaparadzwa, ndichaparadza kuna Ahabhi vana vavakomana vose, vakuru navaduku pakati peIsiraeri.
9“Ndichaita imba yaAhabhi seimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uye seimba yaBhaasha mwanakomana waAhija. 10Imbwa dzichadya Izebheri panyika yeJezereri, hakuna uchamuviga.” Ipapo akazarura mukova, ndokutiza.
11Zvino Jehu akabuda kuvaranda vashe wake, mumwe akati kwaari, “Kuno mufaro here? Benzi iri rakavingeiko kwauri?” Iye akati kwavari, “Munoziva henyu munhu uyu, nokutaura kwake.”
12Ivo vakati, “Inhema! Tiudze.” Iye akati, “Wandiudza zvokuti nezvokuti,” akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Ndakakuzodza uve mambo weIsiraeri.’ ”
13Ipapo vakakurumidza, mumwe nomumwe akatora nguo yake, akaiisa pasi pake pamusoro pezvikwiriso, vakaridza hwamanda, vakati, “Jehu ndimambo!” 14Naizvozvo Jehu mwanakomana waJehoshafati, mwanakomana waNimishi, akamukira Joramu. (Zvino Joramu wakanga achidzivirira Ramotigireadhi, iye navaIsiraeri vose, nokuda kwaHazaeri mambo weSiria.
15Asi mambo Joramu wakanga adzokera Jezereri kuzorapwa mavanga ake, aakanga atemwa navaSiria, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria). Ipapo Jehu akati, “Kana muchitenda nazvo, ngakurege kuva nomunhu unotiza muguta, kundoudza izvozvo paJezereri.”
16Naizvozvo Jehu akafamba nengoro, akaenda Jezereri, nokuti Joramu wakanga avetepo. Zvino Ahazia mambo waJudha wakanga aendako kuzoona Joramu.
17Zvino nharirire yakanga imire pamusoro peshongwe yeJezereri, ikaona boka raJehu richiuya, ikati, “Ndinoona boka ravanhu.” Joramu akati, “Danai mutasvi webhiza, mumutume andosangana navo, ati, ‘Kunorugare here?’ ”
18Naizvozvo mumwe akakwira bhiza, akandosangana naye, akati, “Zvanzi namambo, ‘Kuno rugare here?’ ” Jehu akati, “Uneiko norugare? Enda shure kwangu.” Ipapo nharirire yakataura, ikati, “Nhume yakasvika kwavari, asi haidzokizve.” 19Zvino akatuma wechipiri, wakanga akatasva bhiza, iye akasvika kwaari, akati, “Zvanzi namambo, ‘Kuno rugare here?’ ” Jehu akapindura, akati, “Uneiko norugare? Enda shure kwangu.”
20Zvino nharirire yakataura, ikati, “Wakasvika hake kwavari, asi haadzokizve; uye kufambisa kwakafanana nokufambisa kwaJehu mwanakomana waNimishi, nokuti unofambisa zvinotyisa.”
21Ipapo Joramu akati, “Sungai ngoro!” Vakasunga ngoro yake. Ipapo Joramu mambo weIsiraeri, naAhazia mambo waJudha vakabuda kundosangana naJehu, mumwe nomumwe nengoro yake, vakamuwana pabindu raNabhoti muJezereri.
22Zvino Joramu wakati achiona Jehu, akati, “Kuno rugare here, nhai Jehu?” Iye akapindura, akati, “Rugare rwei! Kana upfeve hwamai vako Izebheri nouruoyi hwavo huchiripo huzhinji hwakadai!”
23Ipapo Joramu akadzosa ngoro yake, akatiza, akati kuna Ahazia, “Tanyengerwa Ahazia!” 24Ipapo Jehu akahwembura uta hwake nesimba rose, akapfura Joramu pakati pamafudzi ake, museve ndokubuda napamwoyo wake, akawira mungoro yake. 25Zvino Jehu akati kuna Bhidhikari, mukuru wake wehondo, “Musimudze, umurashire pabindu romunda waNabhoti muJezereri; nokuti urangarire kuti Jehovha wakataura izvi pamusoro pake, musi watakatasva mabhiza isu vaviri tichitevera Ahabhi baba vake.
26“Zvanzi naJehovha, ‘Zvirokwazvo, ndakaona zuro ropa raNabhoti, neropa ravanakomana vake; ini ndichakutsiva pabindu iri romunda,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. Naizvozvo zvino, mutore umukandire pabindu romunda, sezvakataurwa naJehovha.” 27Asi Ahazia mambo waJudha, wakati achizviona, akatiza nenzira yakapfuura napaimba yomunda, Jehu akamutevera, akati, “Muuraye naiyewo mungoro.” Vakamubaya pajinga pegomo reGuri riri paIbhureami. Akatizira Megidho, akafirapo. 28Varanda vake vakamutakurira Jerusaremu nengoro, vakamuviga pahwiro hwake kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi.
29Ahazia akatanga kubata ushe hwaJudha pagore regumi nerimwe raJoramu mwanakomana waAhabhi.
30Zvino Jehu wakati achisvika paJezereri, Izebheri akazvinzwa; akazodza kumeso kwake, nokushongedza musoro wake, akatarira napawindo. 31Zvino Jehu akati achipinda napasuo, akati, “Kunorugare here, nhai iwe Zimiri, muurayi watenzi wako?” 32Iye akatarira kumusoro kuwindo, akati, “Ndianiko unonzwana neni? Ndianiko?” Ipapo varanda vaviri kana vatatu vakatarira kwaari napawindo. 33Akati, “Musundire pasi.” Naizvozvo vakamusundira pasi, rimwe ropa rake rikachambwadzira pamadziro napamabhiza, akamutsika namakumbo ake. 34Zvino wakati apinda, akadya nokunwa, akati, “Zvino chiendai mundotarira mukadzi uyo akatukwa, mumuvige, nokuti mukunda wamambo.” 35Vakaenda kundomuviga, asi havana kuwana chinhu, asi dehenya rake, netsoka, nezvanza zvamaoko ake. 36Naizvozvo vakadzoka vakamuudza. Iye akati, “Ndiro shoko raJehovha, raakataura nomuranda wake Eria muTishibhi, zvaakati, ‘Imbwa dzichadya nyama yaIzebheri panyika yeJezereri; 37uye chitunha chaIzebheri chichava somupfudze pamusoro pomunda panyika yeJezereri; naizvozvo havangati, uyu ndiye Izebheri.’ ”

Zvasarudzwa nguva ino

2 Madzimambo 9: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda