2 Madzimambo 10
10
Rudzi rwaAhabhi navaporofita vaBhaari vanoparadzwa
1Zvino Ahabhi wakanga ana vanakomana vana makumi manomwe paSamaria. Jehu akanyora nwadhi, akadzitumira Samaria kuvabati veJezereri, ivo vakuru, nokuvareri vavana vaAhabhi, akati, 2“Zvino kana nwadhi iyi ichisvika kwamuri, vanakomana vatenzi wangu zvavariko kwamuri, nengoro namabhiza zviriko kwamuri, neguta rakakombwa norusvingo, nenhumbi dzokurwa nadzo; 3chizvitsaurirai mwanakomana watenzi wenyu wakaisvonaka wakakwana kukunda vamwe, mumugadze pachigaro choushe chababa vake, murwire imba yatenzi wenyu.”
4Asi ivo vakanga vachitya kwazvo, vakati, “Madzimambo maviri akanga asingagoni kumukunda, zvino isu tichamukunda seiko?” 5Zvino mutariri weimba nomutariri weguta, navakuru, navareri vavana vakatuma shoko kuna Jehu, vachiti, “Tiri varanda venyu, tichaita zvose zvamunotiraira; hatingagadzi mumwe mambo; itai henyu sezvamunoda.”
6Ipapo wakanyora nwadhi rwechipiri kwavari, akati, “Kana mukanzwana neni, kana mukaterera izwi rangu, uyai kwandiri Jezereri mangwana nenguva ino nemisoro yavarume, ivo vanakomana vatenzi wenyu.” Zvino vanakomana vamambo, ivo vanhu vana makumi manomwe, vaiva kuvakuru veguta, vaivarera.
7Zvino nwadhi iyo yakati ichisvika kwavari, vakabata vanakomana vamambo, vakavauraya, ivo vanhu vana makumi manomwe, vakaisa misoro yavo mumatengu, ndokuitumira kwaari Jezereri.
8Nhume ikasvika, ikamuudza, ikati, “Vauya nemisoro yavanakomana vamambo.” Iye akati, “Itai mirwi miviri nayo, muiise pavanopinda napo pasuo, kusvikira mangwana.” 9Fume mangwana akabuda, akandomirapo, akati kuvanhu vose, “Imi hamune mhosva henyu; tarirai, ndini ndamukira tenzi wangu, ndikamuuraya; asi ndianiko auraya ava vose? 10Zvino muzive kuti hakuna shoko rimwe raJehovha richawira pasi, rakataurwa naJehovha pamusoro peimba yaAhabhi; nokuti Jehovha wakaita zvaakataura nomuranda wake Eria.” 11Naizvozvo Jehu akauraya vose vakanga vasara veimba yaAhabhi paJezereri, navanhu vake vakuru vose, neshamwari dzake, navapristi vake, kusvikira asina kumusiyira nomumwe.
12Zvino akasimuka, akabva, akaenda Samaria. Wakati asvika paimba yavafudzi panzira, pavaiveura makwai, 13Jehu akasangana navanun'una vaAhazi mambo waJudha, akati, “Ndimi aniko?” Ivo vakapindura, vakati, “Tiri vanun'una vaAhazia, toburuka kundokwazisa vana vamambo navana vavahosi.” 14Iye akati, “Vabatei vari vapenyu.” Vakavabata vari vapenyu, vakavauraya padziva reimba pavaiveura makwai, varume vaiva vana makumi mana navaviri; haana kusiya mumwe wavo.
15Zvino wakati abvapo, akasangana naJehonadhabhi mwanakomana waRekabhu, wanga achiuya kuzosangana naye; akamukwazisa, akati kwaari, “Mwoyo wako wakarurama here, sokururama kwomwoyo wangu kwauri?” Jehonadhabhi akapindura, akati, “Wakarurama hawo. Kana zvakadaro, ndibate ruoko rwangu.” Iye akabata ruoko rwake, ndokumukwidza mungoro maakanga ari. 16Akati, “Hendei, undoona kushingaira kwandinoshingairira Jehovha nako.” Naizvozvo vakamufambisa mungoro yake. 17Wakati asvika Samaria, akauraya vose vakanga vasara vaAhabhi muSamaria, kusvikira amuparadza, neshoko raJehovha rakanga rarehwa naEria.
18Ipapo Jehu akaunganidza vanhu vose, akati kwavari, “Ahabhi wakashumira Bhaari zvishoma, asi Jehu uchamushumira kwazvo. 19Naizvozvo zvino chidanai vaporofita vose vaBhaari, navose vanonamata kwaari, navapristi vake vose, vauye kwandiri; ngakurege kushaikwa kunyange nomumwe; nokuti ndinoda kubayira Bhaari chibayiro chikuru; Ani naani unoshaikwa haangararami.” Asi Jehu wakaita izvozvo namano, achida kuuraya vanamati vaBhaari. 20Zvino Jehu akati, “Tsaurirai Bhaari zuva romutambo mukuru.” Vakaparidza izvozvo.
21Zvino Jehu akatuma nhume pakati peIsiraeri pose, vose vanamati vaBhaari vakauya; hakuna munhu wakasara, akasauya. Vakapinda mumba maBhaari, imba yaBhaari ikazara, kusvika kumadziro nokumadziro. 22Akati kumutariri wenguo, “Vigira vanamati vaBhaari vose nguo.” Iye akavavigira nguo. 23Ipapo Jehu akapinda mumba maBhaari, anaJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi, akati kuvanamati vaBhaari, “Tsvakai, mutarire kwazvo kuti pano pakati penyu parege kuva nomuranda mumwe waJehovha, asi vanamati vaBhaari bedzi.” 24Vakapinda kundobayira zvibayiro nezvipiriso zvinopiswa. Zvino Jehu wakanga araira varume vana makumi masere panze, achiti, “Kana mumwe wavarume vandinoisa pamaoko enyu akapukunyuka, munhu unomurega akapukunyuka, uchamufira.”
25Zvino wakati apedza kubayira chipiriso chinopiswa Jehu akati kuvarindi nokuvakuru, “Pindai, muvauraye; musatendera mumwe kubuda.” Ivo vakavauraya neminondo inopinza; varindi navakuru vakavarashira kunze, vakaenda kuguta reimba yaBhaari. 26Ipapo vakabudisa mbiru dzaiva mumba maBhaari, vakadzipisa. 27Vakaputsawo mbiru yaBhaari, vakaputsawo imba yaBhaari, vakaiita imba yembudzi kusvikira nhasi.
28Naizvozvo Jehu wakaparadza Bhaari pakati peIsiraeri. 29Asi Jehu haana kurega kutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, zvemhuru dzendarama dzaiva paBhetieri, nedzaiva paDhani. 30Zvino Jehovha akati kuna Jehu, “Zvawakaita zvakanaka ukaita zvakarurama pamberi pangu, ukaitira imba yaAhabhi zvose zvakanga zviri mumwoyo mangu, zvino vana vako vorudzi rwechina vachagara pachigaro choushe hwaIsiraeri.” 31Asi Jehu haana kurangarira kufamba nomwoyo wose nomurayiro waJehovha Mwari waIsiraeri; haana kurega zvivi zvaJerobhoamu zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
32Pamazuva iwayo Jehovha wakatanga kutapudza Isiraeri; Hazaeri akavakunda panyika yose yeIsiraeri; 33kubva kuna Jorodhani zvichienda mabvazuva, nenyika yose yaGireadhi, neyavaGadhi, neyavaRubheni, neyavaManase, kubva paAroeri pamupata weArinoni, ndiro Gireadhi neBhashani. 34Zvino mamwe mabasa aJehu, nezvose zvaakaita, nesimba rake rose, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri? 35Jehu akavata namadzibaba ake, vakamuviga paSamaria, Jehoahazi mwanakomana wake akamutevera paushe. 36Nguva yakabata Jehu ushe hwaIsiraeri paSamaria aiva makore ana makumi maviri namasere.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Madzimambo 10: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002