Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Madzimambo 8

8
Mukadzi weShunemi unodzoserwa fuma yake yose namambo.
1Ɀino Erisha wakataura nomukadzi uya waakaŋga amutsira mŋanakomana wake, akati: Simuka uende, iwe neimba yako, undogara kwaunogona kugara hako; nokuti Jehova wakaraira nzara; icaʋa panyika makore manomŋe. 2Ɀino mukadzi akasimuka, akaita seɀaakaʋudzwa nomunhu waMŋari, akaenda naʋeimba yake, akandogara panyika yaʋaFiristia makore manomŋe. 3Ɀino makore iwayo akati apera, mukadzi ndokudzoka kunyika yaʋaFiristia; akaenda kunamambo kundocema pamsoro peimba yake nomunda wake. 4Ɀino mambo wakaŋga acitaurirana naGehazi muranda womunhu waMŋari, mambo akati: Ƌondirondedzera ʋo ɀinhu ɀose ɀikuru, ɀakaitwa naErisha. 5Ɀino wakati acaʋudza mambo kuti wakamutsa wakafa, iye mukadzi wakaŋga amutsirwa mŋanakomana wake, akacema kunamambo pamsoro peimba yake nomunda wake. Ipapo Gehazi akati: Ishe waŋgu mambo, ndiyeyu mukadzi, noyuyu ndiye mŋanakomana wake, wakamutswa naErisha. 6Mambo wakati abvunza mukadzi, iye akamuʋudza. Naiɀoɀo mambo wakaraira mumŋe mukuru pamsoro pake, akati: Mudzosere ɀose ɀaiʋa ɀake, nemicero yomunda, kubva pazuʋa raakabva naro panyika kuȿikira ɀino.
Hazaeri unoteʋera Beni‐hadadi paʋushe bgeSiria.
7Ɀino Erisha wakaȿika Damasko; Beni‐hadadi mambo weSiria wakaŋga acirwara, akaʋudzwa, ɀicinzi: Munhu waMŋari waȿika pano. 8Ipapo mambo akati kunaHazaeri: Tora cipo muruʋoko rwako, undosoŋgana nomunhu waMŋari, ubvunze Jehova naye, uti: Ndicapora pakurwara uku here? 9Naiɀoɀo Hazaeri akandosoŋgana naye, akaenda necipo ceɀose ɀakaŋga ɀakanaka paDamasko, mutoro wakariŋgana makamera anamakumi manna, akaȿika akamira pamberi pake, akati: Mŋanakomana wenyu Beni‐hadadi mambo weSiria, wakandituma kwamuri, aciti: Ndicapora here pakurwara uku? 10Erisha akati kwaari: Enda, undoti kwaari: Ɀirokwaɀo hauŋgapori; asi Jehova wakandiratidza kuti ɀirokwaɀo iye ucafa. 11Akaramba akamunaŋanidza kuȿikira anyara; munhu waMŋari akacema. 12Ipapo Hazaeri akati: Munocemeiko, ishe waŋgu? Akapindura, akati: Nokuti ndinoziʋa ɀakaipa ɀaucaitira ʋana ʋaIsraeri; ucapisa nhare dzaʋo, ucaʋuraya majaya aʋo nomunondo, ucapxanya pxere dzaʋo, ucatumbura ʋakadzi ʋaʋo ʋanemimba. 13Hazaeri akati: Ko muranda wenyu cinyiko, iyo imbga hayo, kuti ndiite cinhu ici cikuru cakaɗai? Erisha akapindura, akati: Jehova wakandiziʋisa, kuti iwe ucaʋa mambo weSiria. 14Ipapo akabva kunaErisha, akaenda kunatenzi wake; iye akati kwaari: Erisha wati kuɗiniko kwauri? Akapindura, akati: Wakandiʋudza kuti ɀirokwaɀo mucapora henyu. 15Ɀino fume maŋgwana akatora jira, akarinyika mumvura, ndokumufumbira ciso, naiɀoɀo akafa; Hazaeri akamuteʋera paʋushe.
Jehorami naAhazia madzimambo aJuda.
16Ɀino negore recishanu raJorami mŋanakomana waAhabi, mambo waIsraeri, Jehoshafati ari mambo waJuda, Jehorami mŋanakomana waJehoshafati mambo waJuda, akataŋga kuɓata ʋushe. 17Iye akataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore makumi matatu namaʋiri; akaɓata ʋushe paJerusarema makore masere. 18Akafamba nenzira yamadzimambo aIsraeri, seɀakaita imba yaAhabi; nokuti mukunda waAhabi waiʋa mukadzi wake; akaita ɀakaipa pamberi paJehova. 19Kunyaŋge ɀakaɗaro Jehova wakaŋga asiŋgaɗi kuparadza Juda, nokuɗa kwaDavidi muranda wake, nokuti wakaŋga amupikira, kuti ucamupa mŋenje waʋana ʋake ŋguʋa dzose. 20Ɀino namazuʋa ake ʋaEdomi ʋakamukira ʋaJuda, ʋakaɀigadzira mambo. 21Ipapo Jorami akaenda Zairi, aneŋgoro dzake dzose; akamuka ʋusiku, akaparadza ʋaEdomi ʋakaŋga ʋakamukomba naʋakuru ʋeŋgoro; ʋanhu ʋakatizira kumatente aʋo. 22Naiɀoɀo ʋaEdomi ʋakamukira ʋaJuda, kuȿikira zuʋa ranhasi. Ipapo Ribna akaʋamukira ʋo neŋguʋa iyo. 23Mamŋe maɓasa aJorami, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda? 24Jorami akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa kunamadziɓaɓa ake muguta raDavidi; Ahazia mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
25Negore regumi namaʋiri raJorami mŋanakomana waAhabi mambo waIsraeri, Ahazia mŋanakomana waJehorami mambo waJuda, akataŋga kuɓata ʋushe. 26Ahazia wakaŋga anamakore anamakumi maʋiri namaʋiri pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema gore rimŋe. Zita ramai ʋake rakaŋga riri Ataria, mukunda waOmri mambo waIsraeri. 27Iye wakafamba nenzira yeimba yaAhabi, akaita ɀakaipa pamberi paJehova, seɀakaitwa neimba yaAhabi; nokuti wakaŋga ari mukuwasha weimba yaAhabi. 28Akaenda naJorami mŋanakomana waAhabi kundorwa naHazaeri mambo weSiria paRamoti‐gireadi; ʋaSiria ʋakakuʋadza Jorami. 29Mambo Jorami akadzokera Jezreeri kuti arapxe maʋaŋga ake aakatemŋa naʋaSiria paRama, ŋguʋa yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Ahazia mŋanakomana waJehorami mambo waJuda akaenda kundoʋona Jorami mŋanakomana waAhabi paJezreeri, nokuti wakaŋga acirwara.

Zvasarudzwa nguva ino

II Madzimambo 8: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda