Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Madzimambo 9

9
Jehu mambo waIsraeri unotaŋga kuparadza rudzi rwaAhabi.
1Ɀino muprofita Erisha wakaɗana mumŋe waʋanakomana ʋaʋaprofita, akati kwaari: Ciɀisuŋga ciʋuno cako, utore cinu ici camafuta muruʋoko rwako, uende Ramoti‐gireadi. 2Ɀino kana waȿika’po, utȿake’po Jehu mŋanakomana waJehoshafati mŋanakomana waNimshi; upinde mumba, ugomuraira asimuke pakati pehama dzake, apinde muimba yomukati. 3Ipapo utore cinu camafuta, ugoaɗira pamusoro wake, uciti: Ɀanzi naJehova: Ndakuzodza, kuti uʋe mambo waIsraeri. Ipapo uzarure mukoʋa, utize, usanonoka. 4Naiɀoɀo jaya, iro jaya romuprofita, rakaenda Ramoti‐gireadi. 5Wakati aȿika’po, akawana ʋakuru ʋehondo ʋagere pasi; akati: Ndineshoko nemi, imi mukuru. Jehu akati: Kunani, kwatiri tose? Iye akati: Kunemi, imi mukuru. 6Ipapo akasimuka, akapinda mumba; akaɗira mafuta pamusoro wake, akati kwaari: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ndakuzodza uʋe mambo waʋanhu ʋaJehova, iʋo ʋaIsraeri. 7Ucaparadza imba yatenzi wako Ahabi, kuti nditsiʋe ropa raʋaranda ʋaŋgu ʋaprofita, neropa raʋaranda ʋose ʋaJehova kunaIzeberi. 8Nokuti ʋose ʋeimba yaAhabi ʋacaparadzwa: ndicaparadza kunaAhabi ʋana ʋaʋakomana ʋose, ʋakuru naʋaɗuku pakati paIsraeri. 9Ndicaita imba yaAhabi seimba yaJeroboami mŋanakomana waNebati, ʋuye seimba yaBaasha mŋanakomana waAhija. 10Imbga dzicadya Izeberi panyika yeJezreeri, hakuna‐ucamuʋiga. Ipapo akazarura mukoʋa, ndokutiza. 11Ɀino Jehu akaɓuɗa kuʋaranda ʋashe wake, mumŋe akati kwaari: Kunomufaro here? Ƃenzi iri rakaʋiŋgeiko kwauri? Iye akati kwaʋari: Munoziʋa henyu munhu uyu, nokutaura kwake. 12Iʋo ʋakati: Inhema! Tiʋudze. Iye akati: Wandiʋudza ɀokuti neɀokuti, akati: Ɀanzi naJehova: Ndakakuzodza uʋe mambo waIsraeri. 13Ipapo ʋakakurumidza, mumŋe nomumŋe akatora ŋguʋo yake, akaiisa pasi pake pamsoro peɀikwiriso, ʋakaridza hwamanda, ʋakati: Jehu ndimambo! 14Naiɀoɀo Jehu mŋanakomana waJehoshafati, mŋanakomana waNimshi, akamukira Jorami. (Ɀino Jorami wakaŋga acidziʋirira Ramoti‐gireadi, iye naʋaIsraeri ʋose, nokuɗa kwaHazaeri mambo weSiria. 15Asi mambo Jorami wakaŋga adzokera Jezreeri kuzorapxa maʋaŋga ake, aakaŋga atemŋa naʋaSiria, ŋguʋa yaakarwa naHazaeri mambo weSiria). Ipapo Jehu akati: Kana mucitenda naɀo, ŋgakurege kuʋa nomunhu unotiza muguta, kundoʋudza iɀoɀo paJezreeri. 16Naiɀoɀo Jehu akafamba neŋgoro, akaenda Jezreeri, nokuti Jorami wakaŋga aʋete’po. Ɀino Ahazia mambo waJuda wakaŋga aenda’ko kuzoʋona Jorami. 17Ɀino nharirire yakaŋga imire pamsoro peshoŋgwe yeJezreeri, ikaʋona ɓoka raJehu riciʋuya, ikati: Ndinoʋona ɓoka raʋanhu. Jorami akati: Ƌanai mutaȿi webiza, mumutume andosoŋgana naʋo, ati: Kunorugare here? 18Naiɀoɀo mumŋe akakwira biza, akandosoŋgana naye, akati: Ɀanzi namambo: Kunorugare here? Jehu akati: Uneiko norugare? Enda shure kwaŋgu. Ipapo nharirire yakataura, ikati: Nhume yakaȿika kwaʋari, asi haidzoki ɀe. 19Ɀino akatuma wecipiri, wakaŋga akataȿa biza, iye akaȿika kwaari, akati: Ɀanzi namambo: Kunorugare here? Jehu akapindura, akati: Uneiko norugare? Enda shure kwaŋgu. 20Ɀino nharirire yakataura, ikati: Wakaȿika hake kwaʋari, asi haadzoki ɀe; ʋuye kufambisa kwakafanana nokufambisa kwaJehu mŋanakomana waNimshi, nokuti unofambisa ɀinotyisa. 21Ipapo Jorami akati: Suŋgai ŋgoro! Ʋakasuŋga ŋgoro yake. Ipapo Jorami mambo waIsraeri, naAhazia mambo waJuda ʋakaɓuɗa kundosoŋgana naJehu, mumŋe nomumŋe neŋgoro yake, ʋakamuwana paɓindu raNaboti muJezreeri. 22Ɀino Jorami wakati aciʋona Jehu, akati: Kunorugare here, nhai Jehu? Iye akapindura, akati: Rugare rwei! kana ʋufeʋe bgamai ʋako Izeberi noʋuroyi bgaʋo ʋuciri’po ʋuzhinji bgakaɗai! 23Ipapo Jorami akadzosa ŋgoro yake, akatiza, akati kunaAhazia: Tanyeŋgerwa Ahazia! 24Ipapo Jehu akahwembura ʋuta bgake nesimba rose, akafura Jorami pakati pamafudzi ake, museʋe ndokuɓuɗa napamŋoyo wake, akawira muŋgoro yake. 25Ɀino Jehu akati kunaBidikari, mukuru wake wehondo: Musimudze, umurashire paɓindu romunda waNaboti muJezreeri; nokuti uraŋgarire kuti Jehova wakataura iɀi pamsoro pake, musi watakataȿa mabiza isu ʋaʋiri ticiteʋera Ahabi ɓaɓa ʋake. 26Ɀanzi naJehova: Ɀirokwaɀo, ndakaʋona zuro ropa raNaboti, neropa raʋanakomana ʋake; ini ndicakutsiʋa paɓindu iri romunda, ndiɀo ɀinotaura Jehova. Naiɀoɀo ɀino, mutore umukandire paɓindu romunda, seɀakataurwa naJehova. 27Asi Ahazia mambo waJuda, wakati aciɀiʋona, akatiza nenzira yakapfuʋura napaimba yomunda, Jehu akamuteʋera, akati: Muʋuraye naiye ʋo muŋgoro. Ʋakamuɓaya pajiŋga pegomo reGuri riri paIbreami. Akatizira Megido, akafira’po. 28Ʋaranda ʋake ʋakamutakurira Jerusarema neŋgoro, ʋakamuʋiga pabgiro bgake kunamadziɓaɓa ake muguta raDavidi.
29Ahazia akataŋga kuɓata ʋushe bgaJuda pagore regumi nerimŋe raJorami mŋanakomana waAhabi.
30Ɀino Jehu wakati aciȿika paJezreeri, Izeberi akaɀinzwa; akazodza kumeso kwake, nokushoŋgedza musoro wake, akatarira napawindi. 31Ɀino Jehu wakati acipinda napasuʋo, akati: Kunorugare here, nhai iwe Zimri, muʋurayi watenzi wako? 32Iye akatarira kumsoro kuwindi, akati: Ndianiko unonzwana neni? Ndianiko? Ipapo ʋaranda ʋaʋiri kana ʋatatu ʋakatarira kwaari napawindi. 33Akati: Musundire pasi. Naiɀoɀo ʋakamusundira pasi, rimŋe ropa rake rikacambgadzira pamadziro napamabiza, akamutsika namakumbo ake. 34Ɀino wakati apinda, akadya nokunwa, akati: Ɀino ciendai mundotarira mukadzi uyo wakatukwa, mumuʋige, nokuti mukunda wamambo. 35Ʋakaenda kundomuʋiga, asi haʋana‐kuwana cinhu, asi ɗehenya rake, netsoka, neɀanza ɀamaʋoko ake. 36Naiɀoɀo ʋakadzoka ʋakamuʋudza. Iye akati: Ndiro shoko raJehova, raakataura nomuranda wake Eria muTishbi, ɀaakati: Imbga dzicadya nyama yaIzeberi panyika yeJezreeri; 37ʋuye citunha caIzeberi cicaʋa somupfudze pamsoro pomunda panyika yeJezreeri; naiɀoɀo haʋangati: Uyu ndiye Izeberi.

Zvasarudzwa nguva ino

II Madzimambo 9: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda