Ɀino negore recishanu raJorami mŋanakomana waAhabi, mambo waIsraeri, Jehoshafati ari mambo waJuda, Jehorami mŋanakomana waJehoshafati mambo waJuda, akataŋga kuɓata ʋushe. Iye akataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore makumi matatu namaʋiri; akaɓata ʋushe paJerusarema makore masere. Akafamba nenzira yamadzimambo aIsraeri, seɀakaita imba yaAhabi; nokuti mukunda waAhabi waiʋa mukadzi wake; akaita ɀakaipa pamberi paJehova. Kunyaŋge ɀakaɗaro Jehova wakaŋga asiŋgaɗi kuparadza Juda, nokuɗa kwaDavidi muranda wake, nokuti wakaŋga amupikira, kuti ucamupa mŋenje waʋana ʋake ŋguʋa dzose. Ɀino namazuʋa ake ʋaEdomi ʋakamukira ʋaJuda, ʋakaɀigadzira mambo. Ipapo Jorami akaenda Zairi, aneŋgoro dzake dzose; akamuka ʋusiku, akaparadza ʋaEdomi ʋakaŋga ʋakamukomba naʋakuru ʋeŋgoro; ʋanhu ʋakatizira kumatente aʋo. Naiɀoɀo ʋaEdomi ʋakamukira ʋaJuda, kuȿikira zuʋa ranhasi. Ipapo Ribna akaʋamukira ʋo neŋguʋa iyo. Mamŋe maɓasa aJorami, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda? Jorami akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa kunamadziɓaɓa ake muguta raDavidi; Ahazia mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe. Negore regumi namaʋiri raJorami mŋanakomana waAhabi mambo waIsraeri, Ahazia mŋanakomana waJehorami mambo waJuda, akataŋga kuɓata ʋushe. Ahazia wakaŋga anamakore anamakumi maʋiri namaʋiri pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema gore rimŋe. Zita ramai ʋake rakaŋga riri Ataria, mukunda waOmri mambo waIsraeri. Iye wakafamba nenzira yeimba yaAhabi, akaita ɀakaipa pamberi paJehova, seɀakaitwa neimba yaAhabi; nokuti wakaŋga ari mukuwasha weimba yaAhabi. Akaenda naJorami mŋanakomana waAhabi kundorwa naHazaeri mambo weSiria paRamoti‐gireadi; ʋaSiria ʋakakuʋadza Jorami. Mambo Jorami akadzokera Jezreeri kuti arapxe maʋaŋga ake aakatemŋa naʋaSiria paRama, ŋguʋa yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Ahazia mŋanakomana waJehorami mambo waJuda akaenda kundoʋona Jorami mŋanakomana waAhabi paJezreeri, nokuti wakaŋga acirwara.
Verenga chikamu II Madzimambo 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: II Madzimambo 8:16-29
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo