2 Makoronike 22:10-12
2 Makoronike 22:10-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ataria mai vaAhazia pavakaona kuti mwanakomana wavo afa, vakasimuka vakandoparadza mhuri yose youmambo hweimba yaJudha. Asi Jehoshebha, mwanasikana waMambo Jehoramu akatora Joashi mwanakomana waAhazia uya akamuba kubva pakati pavanakomana vamambo avo vakanga vava kuda kuurayiwa uye akamuisa iye nomureri wake mumba mokuvata. Nokuti Jehoshebha, mwanasikana wamambo Jehoramu nomukadzi womuprista Jehoyadha, aiva hanzvadzi yaAhazia, akaviga mwana kubva kuna Ataria kuti asamuuraya. Akaramba akavanzwa navo patemberi yaMwari kwamakore matanhatu Ataria paaitonga nyika.

2 Makoronike 22:10-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Ataria mai vaAhazia, vakati vachiona kuti mwanakomana wavo afa, vakasimuka, vakaparadza vose vorudzi rwamambo veimba yaJudha. Asi Jehoshabheati mukunda wamambo wakatora Joashi mwanakomana waAhazia, akamuba pakati pavanakomana vamambo vaiurawa, akamuisa iye nomureri wake mumba mokuvata. Naizvozvo Jehoshabheati mukunda wamambo Jehoramu, mukadzi waJehoyadha mupristi, (nokuti waiva hanzvadzi yaAhazia), akamuvanza pana Ataria, naizvozvo havana kumuuraya. Akagara navo akavanzwa mumba maMwari makore matanhatu; Ataria vakabata ushe panyika.
2 Makoronike 22:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Amai vaAhaziya, Atariya pavakaona kuti mwanakomana wavo afa, vakasimuka vakauraya vose vokumba huru vedzinza rokwaJudha. Asi Jehoshebha mukunda wamambo, akatora Joashi mwanakomana waAhaziya akamusvovesera mumba mokurara, iye nomureri wake pakati pevanakomana vamambo vakanga voda kuurayiwa. Ndozvakaitwa naJehoshebha mukunda wamambo Jehoramu mudzimai womupristi Jehoyadha nokuti vaiva hanzvadzi yaAhaziya vachimuhwandisa kuna Atariya naizvozvo haana kumuuraya. Akava navo kwamakore matanhatu akahwanda mumba yaMwari, Atariya achitonga nyika iyi.
2 Makoronike 22:10-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Ataria mai ʋaAhazia, wakati aciʋona kuti mŋanakomana wake wafa, akasimuka, akaparadza ʋose ʋorudzi rwamambo ʋeimba yaJuda. Asi Jehoshabeati mukunda wamambo, wakatora Joashi mŋanakomana waAhazia, akamuɓa pakati paʋanakomana ʋamambo ʋaiʋurawa, akamuisa iye nomureri wake mumba mokuʋata. Naiɀoɀo Jehoshabeati mukunda wamambo Jehorami, mukadzi waJehoyada muprista, (nokuti waiʋa hanɀadzi yaAhazia,) akamuʋanza panaAtaria, naiɀoɀo haana‐kumuʋuraya. Akagara naʋo akaʋanzwa mumba maMŋari makore matanhatu; Ataria akaɓata ʋushe panyika.
2 Makoronike 22:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)