Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Makoronike 22

22
Ahazia mambo waJudha
1Zvino vagere Jerusaremu vakaita Ahazia, mwanakomana wake muduku, mambo panzvimbo yake, nokuti boka ravanhu, vakauya navaArabhia, vakanga vauraya vakuru vake vose. Naizvozvo Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha, akabata ushe. 2Ahazia akanga asvika makore makumi mana namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu gore rimwe; zita ramai vake rakanga riri Ataria, mukunda waOmiri.
3Naiye akafamba nenzira dzeimba yaAhabhi; nokuti mai vake vaiva murairi wake pakuita zvakaipa.
4Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakaitwa naveimba yaAhabhi; nokuti baba vake vakati vafa, ndivo vaiva varairi vake, vakamuisa pakuparadzwa.
5Akafambawo sezvavakamuraira, akaenda naJehoramu mwanakomana waAhabhi mambo waIsiraeri, kundorwa naHazaeri mambo weSiria paRamotigireadhi; vaSiria vakakuvadza Jehoramu.
6Akadzokera Jezireeri kuzorapwa mavanga aakatemwa paRama, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Azaria mwanakomana waJehoramu mambo waJudha, akaenda kundoona Jehoramu mwanakomana waAhabhi paJezireeri, nokuti akanga achirwara.
7Zvino kuparadzwa kwaAhazia kwakabva kuna Mwari, zvaakaenda kuna Joramu; nokuti akati asvikapo, akaenda naJehoramu kundorwa naJehu mwanakomana waNishi, akanga azodzwa naJehovha kuti aparadze imba yaAhabhi.
8Zvino Jehu akati achiitira imba yaAhabhi zvakanga zvatongwa naJehovha, akawana machinda aJudha navanakomana vavanun'una vaAhazia vachibatira Ahazia, ndokuvauraya. 9Akatsvaka Ahaziawo; vakamubata, (nokuti akanga avanda paSamaria), vakamuisa kuna Jehu vakamuuraya; vakamuviga vakati, “Mwanakomana waJehoshafati, akatsvaka Jehovha nomwoyo wake wose.” Asi kwakanga kusina mumwe weimba yaAhazia akanga ane simba rokubata ushe.
Ataria anoparadza imba yaAhazia, asi Joashi anopukunyuka
10Zvino Ataria mai vaAhazia, vakati vachiona kuti mwanakomana wavo afa, vakasimuka, vakaparadza vose vorudzi rwamambo veimba yaJudha. 11Asi Jehoshabheati mukunda wamambo wakatora Joashi mwanakomana waAhazia, akamuba pakati pavanakomana vamambo vaiurawa, akamuisa iye nomureri wake mumba mokuvata. Naizvozvo Jehoshabheati mukunda wamambo Jehoramu, mukadzi waJehoyadha mupristi, (nokuti waiva hanzvadzi yaAhazia), akamuvanza pana Ataria, naizvozvo havana kumuuraya. 12Akagara navo akavanzwa mumba maMwari makore matanhatu; Ataria vakabata ushe panyika.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Makoronike 22: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda