2 Nhoroondo 22
22
Ahaziya mambo wokwaJudha
(2 Madzi 8:25–29; 9:21–28)
1Vagari vomuJerusaremu vakagadza Ahaziya mwanakomana wake muduku umambo panzvimbo pake nokuti chikwata chavanhu chiya chokuuya navaArabhu kuzorwisa chakanga chauraya vana vacho vakomana vakuru. Ipapo Ahaziya mwanakomana waJehoramu mambo wokwaJudha ndiye akatonga. 2Ahaziya akanga ava namakore makumi mana namaviri paakatanga kutonga, akatonga kwegore rimwechete ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Atariya muzukuru waOmuri. 3Ahaziya akatevedzerawo makwara evemba yaAhabhu nokuti amai vake ndivo vaimurunya uipi. 4Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi sezvaiitwa nevemba yaAhabhu. Chaidariso ndechokuti ndivo vakasara vava vokumupa mazano baba wake afa, zvikamusvitsa mukuparadzwa. 5Akatevedza mazano avo kusvikira pakutozoenda zvake naJehoramu mwanakomana waAhabhu mambo wokwaIsiraeri kundorwisa Hazaeri mambo weSiria kuRamoti rokuGireadhi. VaSiria vakakuvadza Joramu, 6akabva adzokera kuJezirieri kundorapwa maronda aakanga akuvadzwa kuRama paakarwisa Hazaeri mambo weSiria. Ahaziya mwana waJehoramu mambo wokwaJudha akadzika kuJezirieri kundoona Jehoramu mwana waAhabhu sezvo ainge achirwara.
7Asi izvi zvakanga zvava chinhu chabva kuna Mwari kuti Ahaziya uyu pake pachimuperera nokushanyira Joramu kwaainge aita nokuti chakazoitika ndechokuti, paakasvikako akazobudawo pamwechete naJehoramu kundosangana naJehu mwanakomana waNimishi uya wokuzodzwa naTenzi kuti aparadze imba yaAhabhu. 8Jehu paakanga achiranga vemba yaAhabhu akasangana nemachinda okwaJudha navanakomana vevakoma navanun'una vaAhaziya, vaishandira Ahaziya, ndokubva avauraya. 9Akavhima Ahaziya, akazobatwa akahwanda kuSamaria. Akauyiwa naye kuna Jehu akaurayiwa. Vakamuviga nokuti vaiti uyu muzukuru waJehoshafati uya akatsvaka Tenzi nomwoyo wake wose. Kwakasara kusisina munhu wemba yaAhaziya aikwanisa kutonga nyika iyi.
Atariya mambo wokwaJudha
(2 Madzi 11:1–3)
10Amai vaAhaziya, Atariya pavakaona kuti mwanakomana wavo afa, vakasimuka vakauraya vose vokumba huru vedzinza rokwaJudha. 11Asi Jehoshebha mukunda wamambo, akatora Joashi mwanakomana waAhaziya akamusvovesera mumba mokurara, iye nomureri wake pakati pevanakomana vamambo vakanga voda kuurayiwa. Ndozvakaitwa naJehoshebha mukunda wamambo Jehoramu mudzimai womupristi Jehoyadha nokuti vaiva hanzvadzi yaAhaziya vachimuhwandisa kuna Atariya naizvozvo haana kumuuraya. 12Akava navo kwamakore matanhatu akahwanda mumba yaMwari, Atariya achitonga nyika iyi.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Nhoroondo 22: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.