Zvino Ataria mai vaAhazia, vakati vachiona kuti mwanakomana wavo afa, vakasimuka, vakaparadza vose vorudzi rwamambo veimba yaJudha. Asi Jehoshabheati mukunda wamambo wakatora Joashi mwanakomana waAhazia, akamuba pakati pavanakomana vamambo vaiurawa, akamuisa iye nomureri wake mumba mokuvata. Naizvozvo Jehoshabheati mukunda wamambo Jehoramu, mukadzi waJehoyadha mupristi, (nokuti waiva hanzvadzi yaAhazia), akamuvanza pana Ataria, naizvozvo havana kumuuraya. Akagara navo akavanzwa mumba maMwari makore matanhatu; Ataria vakabata ushe panyika.
Verenga chikamu 2 Makoronike 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Makoronike 22:10-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo