Amai vaAhaziya, Atariya pavakaona kuti mwanakomana wavo afa, vakasimuka vakauraya vose vokumba huru vedzinza rokwaJudha. Asi Jehoshebha mukunda wamambo, akatora Joashi mwanakomana waAhaziya akamusvovesera mumba mokurara, iye nomureri wake pakati pevanakomana vamambo vakanga voda kuurayiwa. Ndozvakaitwa naJehoshebha mukunda wamambo Jehoramu mudzimai womupristi Jehoyadha nokuti vaiva hanzvadzi yaAhaziya vachimuhwandisa kuna Atariya naizvozvo haana kumuuraya. Akava navo kwamakore matanhatu akahwanda mumba yaMwari, Atariya achitonga nyika iyi.
Verenga chikamu 2 Nhoroondo 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Nhoroondo 22:10-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo