II Makoronike 22
22
Ahazia mambo waJuda.
1Ɀino ʋagere Jerusarema ʋakaita Ahazia, mŋanakomana wake muɗuku, mambo panɀimbo yake, nokuti ɓoka raʋanhu, ʋakaʋuya naʋaArabia, ʋakaŋga ʋaʋuraya ʋakuru ʋake ʋose. Naiɀoɀo Ahazia mŋanakomana waJehorami mambo waJuda, wakaɓata ʋushe. 2Ahazia wakaŋga aȿika makore makumi manna namaʋiri pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema gore rimŋe; zita ramai ʋake rakaŋga riri Ataria, mukunda waOmri. 3Naiye wakafamba nenzira dzeimba yaAhabi; nokuti mai ʋake ʋaiʋa murairi wake pakuita ɀakaipa. 4Akaita ɀakaipa pamberi paJehova seɀakaitwa naʋeimba yaAhabi; nokuti ɓaɓa ʋake ʋakati ʋafa, ndiʋo ʋaiʋa ʋarairi ʋake, ʋakamuisa pakuparadzwa. 5Akafamba ʋo seɀaʋakamuraira, akaenda naJehorami mŋanakomana waAhabi mambo waIsraeri, kundorwa naHazaeri mambo weSiria paRamoti‐gireadi; ʋaSiria ʋakakuʋadza Jehorami. 6Akadzokera Jezreeri kuzorapxa maʋaŋga aakatemŋa paRama, ŋguʋa yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Azaria mŋanakomana waJehorami mambo waJuda, akaenda kundoʋona Jehorami mŋanakomana waAhabi paJezreeri, nokuti wakaŋga acirwara. 7Ɀino kuparadzwa kwaAhazia kwakabva kunaMŋari, ɀaakaenda kunaJorami; nokuti wakati aȿika’po, akaenda naJehorami kundorwa naJehu mŋanakomana waNishi, wakaŋga azodzwa naJehova kuti aparadze imba yaAhabi. 8Ɀino Jehu wakati aciitira imba yaAhabi ɀakaŋga ɀatoŋgwa naJehova, akawana macinda aJuda naʋanakomana ʋaʋanuŋuna ʋaAhazia ʋaciɓatira Ahazia, ndokuʋaʋuraya. 9Akatȿaka Ahazia ʋo, ʋakamuɓata, (nokuti wakaŋga aʋanda paSamaria), ʋakamuisa kunaJehu, ʋakamuʋuraya; ʋakamuʋiga, nokuti ʋakati: Mŋanakomana waJehoshafati, wakatȿaka Jehova nomŋoyo wake wose. Asi kwakaŋga kusinomumŋe weimba yaAhazia wakaŋga anesimba rokuɓata ʋushe.
Ataria unoparadza imba yaAhazia, asi Joashi unopukunyuka.
10Ɀino Ataria mai ʋaAhazia, wakati aciʋona kuti mŋanakomana wake wafa, akasimuka, akaparadza ʋose ʋorudzi rwamambo ʋeimba yaJuda. 11Asi Jehoshabeati mukunda wamambo, wakatora Joashi mŋanakomana waAhazia, akamuɓa pakati paʋanakomana ʋamambo ʋaiʋurawa, akamuisa iye nomureri wake mumba mokuʋata. Naiɀoɀo Jehoshabeati mukunda wamambo Jehorami, mukadzi waJehoyada muprista, (nokuti waiʋa hanɀadzi yaAhazia,) akamuʋanza panaAtaria, naiɀoɀo haana‐kumuʋuraya. 12Akagara naʋo akaʋanzwa mumba maMŋari makore matanhatu; Ataria akaɓata ʋushe panyika.
Zvasarudzwa nguva ino
II Makoronike 22: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018