Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Makoronike 22:10-12

II Makoronike 22:10-12 SUB1949

Ɀino Ataria mai ʋaAhazia, wakati aciʋona kuti mŋanakomana wake wafa, akasimuka, akaparadza ʋose ʋorudzi rwamambo ʋeimba yaJuda. Asi Jehoshabeati mukunda wamambo, wakatora Joashi mŋanakomana waAhazia, akamuɓa pakati paʋanakomana ʋamambo ʋaiʋurawa, akamuisa iye nomureri wake mumba mokuʋata. Naiɀoɀo Jehoshabeati mukunda wamambo Jehorami, mukadzi waJehoyada muprista, (nokuti waiʋa hanɀadzi yaAhazia,) akamuʋanza panaAtaria, naiɀoɀo haana‐kumuʋuraya. Akagara naʋo akaʋanzwa mumba maMŋari makore matanhatu; Ataria akaɓata ʋushe panyika.