1 VaKorinde 15:29-34
1 VaKorinde 15:29-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ko kana zvisiri izvo vanoombekerwa vakafa vanenge vachifungei kana vakafa vasingambomutswi? Vanoombekerwei panzvimbo pavo? Ko chatinogarira munhamo nguva dzose chiiko? Hama dzangu ndinopika nemi vandinodada navo muna Kristu Jesu Tenzi wedu kuti kufa ndokwangu zuva nezuva. Kana vakafa vasingamutswi muvafi, ini somunhu ndinowanei nokurwisana kwandakaita nezvikara kuEfesusi. Zviri nani kuti titi, “Ngatidyei tinwe zvedu nokuti mangwana tichafa.” Musanyengedzwe zvenyu, shamwari dzakaipa dzinoparadza hunhu. Nyatsofungai, musiyane nezvitadzo nokuti vamwe havazivi Mwari. Ndinotaura izvi kuti munyare.
1 VaKorinde 15:29-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino kana kusina kumuka, ko, vakabhabhatidzirwa vakafa vachazoiteiko? Kana vakafa vasingamutswi, seiko vanhu vachivabhabhatidzirwa? Uye kana tiri isu, tinozviisireiko panjodzi nguva dzose? Ndinofa zuva nezuva, ndinorevesa hama dzangu, zvirokwazvo sezvandinozvirumbidza pamusoro penyu muna Kristu Jesu Ishe wedu. Kana ndakarwa nezvikara paEfeso nokuda kwezvikonzero zvapanyama, zvakandibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi, “Ngatidyei uye tinwe, nokuti mangwana tichafa.” Musanyengerwa: “Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.” Dzokai pandangariro dzenyu sezvamakafanira, uye murege kutadza; nokuti kuna vamwe vasingazivi Mwari. Ndinotaura izvi kuti munyadziswe.

1 VaKorinde 15:29-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana zvisina kudaro, ko avo vanobhabhatidzirwa vakafa, vachagoita seiko? Kana vakafa vasingatongomutswi, vakagobhabhatidzirweiko ivo vakafa? Nesu tiri panjodzi nguva dzose neiko? Ndinopika, hama dzangu, nokuzvirumbidza kwandinako pamusoro penyu muna Kristu Jesu, Ishe wedu, kuti ndinofa zuva rimwe nerimwe. Kana ndakarwa nezvikara paEfeso somunhu zvaindibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi, ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa. Musanyengerwa; ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka. Pengenukai zvakarurama, “Murege kutadza, nokuti vamwe havazivi Mwari; ndinotaura izvi kuti munyadziswe.”
1 VaKorinde 15:29-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko kana zvisiri izvo vanoombekerwa vakafa vanenge vachifungei kana vakafa vasingambomutswi? Vanoombekerwei panzvimbo pavo? Ko chatinogarira munhamo nguva dzose chiiko? Hama dzangu ndinopika nemi vandinodada navo muna Kristu Jesu Tenzi wedu kuti kufa ndokwangu zuva nezuva. Kana vakafa vasingamutswi muvafi, ini somunhu ndinowanei nokurwisana kwandakaita nezvikara kuEfesusi. Zviri nani kuti titi, “Ngatidyei tinwe zvedu nokuti mangwana tichafa.” Musanyengedzwe zvenyu, shamwari dzakaipa dzinoparadza hunhu. Nyatsofungai, musiyane nezvitadzo nokuti vamwe havazivi Mwari. Ndinotaura izvi kuti munyare.
1 VaKorinde 15:29-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana ɀisina‐kuɗaro, ko aʋo ʋanobapatidzirwa ʋakafa, ʋacagoita seiko? Kana ʋakafa ʋasiŋgatoŋgomutswi, ʋakagobapatidzirweiko iʋo ʋakafa? Nesu tiri panjodzi ŋguʋa dzose neiko? Ndinopika, hama dzaŋgu, nokuɀirumbidza kwandinako pamsoro penyu munaKristu Jesu, Ishe weɗu, kuti ndinofa zuʋa rimŋe nerimŋe. Kana ndakarwa neɀikara paEfeso somunhu ɀaindiɓatsireiko? Kana ʋakafa ʋasiŋgamutswi, ŋgatidye, ŋgatinwe, nokuti maŋgwana tinofa. Musanyeŋgerwa; ʋushamŋari bgakaipa bgunoʋodza tsika dzakanaka. Peŋgenukai ɀakarurama, murege kutadza, nokuti ʋamŋe haʋaziʋi Mŋari; ndinotaura iɀi kuti munyadziswe.