Zvino kana kusina kumuka, ko, vakabhabhatidzirwa vakafa vachazoiteiko? Kana vakafa vasingamutswi, seiko vanhu vachivabhabhatidzirwa? Uye kana tiri isu, tinozviisireiko panjodzi nguva dzose? Ndinofa zuva nezuva, ndinorevesa hama dzangu, zvirokwazvo sezvandinozvirumbidza pamusoro penyu muna Kristu Jesu Ishe wedu. Kana ndakarwa nezvikara paEfeso nokuda kwezvikonzero zvapanyama, zvakandibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi, “Ngatidyei uye tinwe, nokuti mangwana tichafa.” Musanyengerwa: “Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.” Dzokai pandangariro dzenyu sezvamakafanira, uye murege kutadza; nokuti kuna vamwe vasingazivi Mwari. Ndinotaura izvi kuti munyadziswe.
Verenga chikamu 1 VaKorinde 15
Terera ku 1 VaKorinde 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaKorinde 15:29-34
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo