Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 15:29-34

1 Vakorinde 15:29-34 SCLBD

Ko kana zvisiri izvo vanoombekerwa vakafa vanenge vachifungei kana vakafa vasingambomutswi? Vanoombekerwei panzvimbo pavo? Ko chatinogarira munhamo nguva dzose chiiko? Hama dzangu ndinopika nemi vandinodada navo muna Kristu Jesu Tenzi wedu kuti kufa ndokwangu zuva nezuva. Kana vakafa vasingamutswi muvafi, ini somunhu ndinowanei nokurwisana kwandakaita nezvikara kuEfesusi. Zviri nani kuti titi, “Ngatidyei tinwe zvedu nokuti mangwana tichafa.” Musanyengedzwe zvenyu, shamwari dzakaipa dzinoparadza hunhu. Nyatsofungai, musiyane nezvitadzo nokuti vamwe havazivi Mwari. Ndinotaura izvi kuti munyare.