Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 15

15
III: KUMUKA KWAVAKAFA
Vakafa vanomuka
1Hama dzangu ndingade kukuyeuchidzai Shoko Rakanaka randakakuparidzai#15:1 Randakakuparidzai: Kana kuti kukuparidzirai. ramakagamuchirawo ramumire naro 2rinokuponesai kana mukaribatisisa; kusatoti makatenda mariri pasina.
3Ndakakugamuchidzai sechinhu chikuru kwazvo chokutanga chandakanga ndakagamuchirawo chokuti Kristu akafira zvitadzo zvedu sokutaura kunoita Magwaro Matsvene, 4uye kuti akavigwa akamutswa nezuva retatu sokutaura kwamagwaro matsvene, 5uye kuti akazviratidza kuna Kefasi ndokuzozviratidzawo kuna vane gumi navairi. 6Akazozviratidza kune vehama vanopfuura mazana mashanu panguva imwecheteyo. Vazhinji vavo vachiri vapenyu kunyange zvazvo vamwe vakafa.#15:6 Vakafa: MuchiGiriki munoti vakavata. 7Akazozviratidza kuna Jemusi ndokuzotevera kuvapositori vose. 8Pokupedzisira, sokune munhu akazvarwa nguva yake isati yasvika#15:8 Nguva yake isati yasvika: Zvinorevawo gavamwedzi. akazviratidzawo kwandiri. 9Chikonzero chacho ndechokuti ini ndiri wokupedzisira kuvapositori, ndisingakodzeri kudaidzwa kunzi mupositori nokuti ndakashusha sangano raMwari. 10Asi nenyasha dzaMwari ndiri zvandiri. Nyasha dzake kwandiri hadzina kushaya basa. Zvakatoitika ndezvokuti ndakashanda zvakaomarara kupinda vose. Kunyange zvazvo ndakanga ndisirini asi nyasha dzaMwari mandiri. 11Hazvina mhosva kuti ndivo here kana kuti ini, zvatinoparidza ndizvozvo uye ndizvo zvamakatenda.
Kumuka kwedu
12Ko zvino kana Kristu achiparidzwa kuti akamutswa kuvafi, ko vamwe venyu vangati hakuna zvokumuka kwavakafa sei? 13Zvino kana pasina zvokumuka kwavakafa saka Kristu haana kumutswa. 14Kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu hakuna maturo uye chitendero chenyu hachina basa. 15Isu tinobva taonekwa kuti tiri kurevera Mwari nhema nokuti takapupurira Mwari kuti akamutsa Kristu waasina kumutsa kana chiri chokwadi kuti vakafa havamutswi. 16Chiripo ndechokuti, kana vakafa vasingamutswi, saizvozvowo Kristu haana kumutswa. 17Kana Kristu asina kumutswa, chitendero chenyu hachina basa uye muchiri muzvitadzo zvenyu. 18Naizvozvowo avo vakafa muna Kristu vakatsakatika. 19Muna Kristu kana tariro yedu ichingova mune zvoupenyu huno chete, pavanhu vose, ndisu vanhu vanonzwisa urombo zvikuru kwazvo. 20Asi chokwadi ndechokuti Kristu akamutswa kuvafi semichero yokutanga yaavo varere. 21Sokuuya kwakaita rufu nokumunhu mumwechete nokumunhu mumwechetewo kwakauya kumuka kwavakafa. 22Sokufa kunoita vanhu vose muna Adhamu, saizvozvowo muna Kristu vanhu vose vanomutswa. 23Asi mumwe nomumwe achamuka pachijanha chake, Kristu ari iye muchero wokutanga; kozoti, pakuuya kwake, vanhu vanenge vari vanhu vaKristu. 24Ndipo panozouya magumo panenge Kristu oturira umambo kuna Mwari Baba apedza kuparadza mweya mikuru mikuru youshe neyoukuru neyavanamasimba. 25Nokuti Kristu anofanira kutonga kusvikira Mwari aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. 26Muvengi wokupedzisa anofanira kuparadzwa, rufu. 27Nokuti zvinonzi, “Mwari akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Zvino kana zvichinzi zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake, zviri pachena kuti hazvibatanidziri naiye, Mwari akaisa zvinhu zvose pasi pake. 28Kana zvinhu zvose zvaiswa pasi pake nezvo Mwanakomana pachakewo achava pasi pouyo akaisa zvinhu zvose pasi pake kuti Mwari ave Mwari wazvose muna zvose.
29Ko kana zvisiri izvo vanoombekerwa vakafa vanenge vachifungei kana vakafa vasingambomutswi? Vanoombekerwei panzvimbo pavo? 30Ko chatinogarira munhamo nguva dzose chiiko? 31Hama dzangu ndinopika nemi vandinodada navo muna Kristu Jesu Tenzi wedu kuti kufa ndokwangu zuva nezuva. 32Kana vakafa vasingamutswi muvafi, ini somunhu ndinowanei nokurwisana kwandakaita nezvikara kuEfesusi. Zviri nani kuti titi,
“Ngatidyei tinwe zvedu
nokuti mangwana tichafa.”
33Musanyengedzwe zvenyu,
shamwari dzakaipa
dzinoparadza hunhu.
34Nyatsofungai, musiyane nezvitadzo
nokuti vamwe havazivi Mwari.
Ndinotaura izvi kuti munyare.
Kumuka komuviri
35Asi mumwe angabvunze kuti, “Ko ivo vakafa vanomutswa sei? Vanenge vano muviri wakaita sei?” 36Benzi romunhu! Chaunodyara hachimeri kana chisina kutombofa. 37Chaunodyara, ingave tsanga yekoroni kana chimwe chakadaro hachisicho chinozobuda chakadaro 38asi Mwari ndiye anochipa chimiro chacho pamadiro ake. 39Nyama haina kufanana yose yose. Pane nyama yavanhu nenyama yemhuka nenyamawo yeshiri neimwe yehove.
40Kune zvinhu zvomudenga nezvinhu zvapanyika. Kupenya kwezvokudenga kwakasiyana nokupenya kwezvapasi. 41Kune kupenya kwezuva nokupenya kwomwedzi. Kuno kupenya kwenyenyedzi. Nyenyedzi dzinosiyana pakupenya kwadzo.
42Ndizvo zvimwechetezvo nokumuka kwavakafa. Chinodyarwa chinoparara asi chinomutswa hachiparari. 43Chinodyarwa mukuzvidzwa asi chichimutswa chava kupenya; chinodyarwa muutera asi chichimutswa chava nesimba. 44Chinodyarwa somuviri unobatika asi chinomutswa chava muviri womweya. 45Zvino kana pano muviri unobatika kuno muviriwo womweya. Ndizvo zvakanyorwa zvichinzi munhu wokutanga, Adhamu akava chinhu chipenyu; Adhamu wokupedzisa akava mweya unopa upenyu. 46Asi hausi womweya unotanga asi unobatika kozoteverwa nowomweya. 47Munhu wokutanga akabva kuvhu, munhu wevhu. Munhu wechipiri anobva kudenga. 48Vanhu vehuruva vakafanana nomunhu uya wevhu, saizvozvowo vanhu vokudenga vakafanana nomunhu wokudenga. 49Sokutodzana kwatakaita nomunhu wehuruva tichatodzanawo noMunhu wokudenga. 50Ndinokutaurirai izvi, hama dzangu, zvokuti, chakaitwa nenyama neropa hachikwanisi kuwana umambo hwaMwari uye chinofa hachigoni kuwana kusafa.
51Chinzwai ndava kukutaurirai, chinhu chakavandika chisingatsananguriki chokuti, hatisi kuzofa tose asi tose tichasandurwa, 52nenguva isipi, nokubwaira kweziso chaiko pakurira kwehwamanda yokupedzisira. Hwamanda icharira, vakafa vachamutswa vasisafi, isu tobva tasandurwa; 53nokuti muviri unofa uyu unofanira kupfeka kusaora uye muviri uyu unofa unofanira kupfeka kusafa. 54Kana muviri unoora wapfeka kusaora uye muviri unofa wapfeka kusafa ndipo pachazoitika zviya zvakanyorwa zvinoti;
55Rufu rwakamedzwa nokukurirwa kwarwakaitwa
Nhai rufu kukurira kwako kuripi?
Iwe rufu rumborera rwako ruripi?
56Rumborera rwerufu chitadzo.
Simbawo rechitadzo mutemo.
57Mwari ngaatendwe anoita kuti tikunde nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu. 58Naizvozvo, hama dzangu dzadiwa, rambai makasimba musingatsukutsiki musingasiyani kwazvo nebasa raTenzi tichiziva kuti muna Tenzi basa renyu harishai maturo.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Vakorinde 15: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda