Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 15:29-34

1 VaKorinde 15:29-34 SNA2002

Kana zvisina kudaro, ko avo vanobhabhatidzirwa vakafa, vachagoita seiko? Kana vakafa vasingatongomutswi, vakagobhabhatidzirweiko ivo vakafa? Nesu tiri panjodzi nguva dzose neiko? Ndinopika, hama dzangu, nokuzvirumbidza kwandinako pamusoro penyu muna Kristu Jesu, Ishe wedu, kuti ndinofa zuva rimwe nerimwe. Kana ndakarwa nezvikara paEfeso somunhu zvaindibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi, ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa. Musanyengerwa; ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka. Pengenukai zvakarurama, “Murege kutadza, nokuti vamwe havazivi Mwari; ndinotaura izvi kuti munyadziswe.”