I ƲaKorinte 15
15
Kumuka kwaʋakafa.
1Ɀino, hama dzaŋgu, ndinokuziʋisai Evaŋgeri yandakakuparidzirai, iyo yamakagamucira ʋo, neyamunomira ʋo mairi; 2iyo yamunoponeswa ʋo nayo, kana muciiɓatisa nomutoʋo wandakaiparidza kwamuri, kana musina‐kutenda pasina. 3Nokuti pakutaŋga ndakakupai iɀo ɀandakagamucira ʋo, kuti Kristu wakafira ɀiʋi ɀeɗu, seɀakanyorwa paMagwaro; 4ʋuye kuti wakaʋigwa, akamutswa nezuʋa retatu, seɀakanyorwa paMagwaro; 5akaɀiratidza kunaKefasi, ipapo kunaʋanegumi naʋaʋiri; 6ipapo akaɀiratidza kuhama dzinopfuʋura mazana mashanu kamŋe — ʋazhinji ʋaʋo ʋapenyu kuȿikira ɀino, asi ʋamŋe ʋaʋata. 7Ipapo akaɀiratidza kunaJakobo; ipapo kunaʋaapostora ʋose; 8pakupedzisira akaɀiratidza kwandiri ʋo, sokunowakaɀarwa ŋguʋa isati yaȿika. 9Nokuti ini ndiri muɗuku kuʋaapostora ʋose, handifaniri kuti ndinzi muapostora, nokuti ndakatambudza kereke yaMŋari. 10Asi nenyasha dzaMŋari ndiri munhu wakaɗai ɀino; nenyasha dzake kwandiri hadzina‐kuʋa pasina; asi ndakaɓata ɀikuru kupfuʋura ʋose; handizini, asi inyasha dzaMŋari dzaiʋa neni. 11Naiɀoɀo, kana ndirini, kana ʋari iʋo, tinoparidza kuɗai, nemi makatenda kuɗai.
12Ɀino kana Kristu aciparidzwa, kuti wakamutswa kuʋakafa, ʋamŋe pakati penyu ʋanoreʋa seiko, kuti hakuna‐kumuka kwaʋakafa? 13Ɀino, ɗai pasinakumuka kwaʋakafa, naKristu uŋgaɗai asina‐kumutswa ʋo; 14ʋuye, ɗai Kristu asina‐kumutswa, kuparidza kweɗu kuŋgaɗai kuciʋa pasina, nokutenda kwenyu kuŋgaɗai kuciʋa pasina ʋo. 15Nesu taiwanikwa tiri ɀapupu ɀaMŋari ɀenhema; nokuti takapupura kuti Mŋari wakamutsa Kristu, iye waasina‐kumumutsa, kana ɀiri iɀo kuti ʋakafa haʋamutswi. 16Nokuti kana ʋakafa ʋasiŋgamutswi, naKristu haana‐kumutswa ʋo; 17kana Kristu asina‐kumutswa, kutenda kwenyu hakunamaturo; muciri muɀiʋi ɀenyu. 18Ɀino naiʋo ʋakafa munaKristu ʋakarashika ʋo. 19Kana tinetariro kunaKristu paʋupenyu ubgu ɓedzi, tinonzwisa ʋurombo kukunda ʋanhu ʋose.
20Asi ɀino Kristu wakamutswa kuʋakafa, akaʋa ciɓereko cokutaŋga caʋaʋata. 21Nokuti rufu ɀarwakaʋuya nomunhu, kumuka kwaʋakafa kwakaʋuya nomunhu ʋo. 22Nokuti ʋose seɀaʋanofa munaAdama, saiɀoɀo ʋo ʋose ʋacararamiswa munaKristu. 23Asi mumŋe nomumŋe padzoro rake: Kristu — ciɓereko cokutaŋga; teʋere, aʋo ʋari ʋaKristu pakuʋuya kwake. 24Ipapo kuguma kunoȿika, paŋguʋa yaacazopa Mŋari, Ƃaɓa, ʋushe, paŋguʋa yaacaparadza kuɓata kwose, noʋushe bgose, nesimba. 25Nokuti unofanira kuɓata ʋushe, kuȿikira aisa ʋaʋeŋgi ʋake ʋose pasi petsoka dzake. 26Muʋeŋgi wokupedzisira, ucaparadzwa, ndirworufu. 27Nokuti wakaisa ɀinhu ɀose pasi petsoka dzake. Ɀino kana aciti: Ɀose ɀakaiswa pasi pake, ɀinoʋonekwa pacena kuti iye, wakaisa ɀose pasi pake, haaiswi’po. 28Ɀino kana ɀose ɀaiswa pasi pake, ipapo noMŋanakomana ʋo amene ucaiswa pasi paiye wakaisa ɀose pasi pake, kuti Mŋari aʋe ɀose kunaʋose.
29Kana ɀisina‐kuɗaro, ko aʋo ʋanobapatidzirwa ʋakafa, ʋacagoita seiko? Kana ʋakafa ʋasiŋgatoŋgomutswi, ʋakagobapatidzirweiko iʋo ʋakafa? 30Nesu tiri panjodzi ŋguʋa dzose neiko? 31Ndinopika, hama dzaŋgu, nokuɀirumbidza kwandinako pamsoro penyu munaKristu Jesu, Ishe weɗu, kuti ndinofa zuʋa rimŋe nerimŋe. 32Kana ndakarwa neɀikara paEfeso somunhu ɀaindiɓatsireiko? Kana ʋakafa ʋasiŋgamutswi, ŋgatidye, ŋgatinwe, nokuti maŋgwana tinofa. 33Musanyeŋgerwa; ʋushamŋari bgakaipa bgunoʋodza tsika dzakanaka. 34Peŋgenukai ɀakarurama, murege kutadza, nokuti ʋamŋe haʋaziʋi Mŋari; ndinotaura iɀi kuti munyadziswe.
35Asi mumŋe uŋgati: Ʋakafa ʋanogomutswa seiko? Ʋacaʋuya nomuʋiri wakaita sei? 36Iwe ɓenzi, ico caunodɀara hacimeri, kana cisiŋgafi. 37Caunodɀara, haudɀari muʋiri ucaʋa’po, asi tsaŋga ɓedzi, kana yamapfunde, kana yeɀimŋe; 38asi Mŋari unoipa muʋiri paanoɗa napo, nembeu imŋe neimŋe muʋiri wayo. 39Nyama yose haizi nyama imŋe; asi imŋe ndeyaʋanhu, imŋe inyama yemhuka, imŋe inyama yeshiri, imŋe ndeyehoʋe. 40Kunemiʋiri yokuɗeŋga, nemiʋiri yenyika; asi kubginya kweyokuɗeŋga ndokumŋe, nokwenyika ndokumŋe. 41Kubginya kwezuʋa ndokumŋe, nokubginya kwomŋedzi ndokumŋe, nokubginya kwenyeredzi ndokumŋe; nokuti nyeredzi imŋe haifanani neimŋe nyeredzi pakubginya. 42Ndiɀo ɀakaita ʋo kumuka kwaʋakafa. Muʋiri unodɀarwa pakuʋora; unomutswa pakusaʋora; 43unodɀarwa pakuɀidzwa, unomutswa pakubginya; unodɀarwa paʋutera, unomutswa pasimba. 44Unodɀarwa uri muʋiri wokuɓerekwa, unomutswa uri muʋiri womŋeya. Muʋiri wokuɓerekwa uri’po, nomuʋiri womŋeya uri’po. 45Ɀakanyorwa ʋo saiɀoɀo, ɀicinzi: Munhu wokutaŋga, Adama, wakaitwa munhu mupenyu; Adama wokupedzisira wakaitwa mŋeya, unopa ʋupenyu. 46Asi ɀomŋeya haɀizi ɀokutaŋga, asi ɀokuɓerekwa; teʋere ɀomŋeya. 47Munhu wokutaŋga ndowenyika, wevu; munhu wecipiri wakabva kuɗeŋga. 48Saiye wevu, ndiɀo ɀakaita ʋo aʋo ʋevu; saiye wokuɗeŋga, ndiɀo ɀakaita ʋo iʋo ʋokuɗeŋga. 49Ʋuye, seɀatakaŋga tinomufananidzo womunhu wevu, ticaʋa ʋo nomufananidzo waiye wokuɗeŋga.
50Ɀino, hama dzaŋgu, ndinoreʋa ndiciti, nyama neropa haɀiŋgagari nhaka yoʋushe bgaMŋari; nokuʋora hakuŋgagari nhaka yokusaʋora. 51Tarirai, ndinokuʋudzai cakaʋanzika: Hatiŋgaʋati tose, asi ticashandurwa tose; 52pakarepo, nokubgairo kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icarira, ipapo ʋakafa ʋacamutswa nokusaʋora; nesu ticashandurwa; 53nokuti ici cinoʋora cinofanira kufuka kusaʋora; necici cinofa cinofanira kufuka kusafa. 54Ɀino kana ici cinoʋora cafuka kusaʋora, necici cinofa cafuka kusafa, ipapo shoko rakanyorwa ricaitika, rinoti: Rufu rwakamedzwa nokukunda. 55Iwe rufu, kukunda kwako kuripiko? Iwe rufu, rumborera rwako ruripiko? 56Rumborera rworufu ndiɀo ɀiʋi; nesimba reɀiʋi ndiwo murairo. 57Ɀino Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, uyo unotipa kukunda naShe weɗu, Jesu Kristu. 58Saka, hama dzaŋgu dzinoɗikanwa, mirai makasimba, murege kuzunuŋguswa, muɓatire Ishe ɀikuru ŋguʋa dzose, muciziʋa kuti kuɓata kwenyu hakuŋgaʋi pasina munaShe.
Zvasarudzwa nguva ino
I ƲaKorinte 15: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018