Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 22:1-16

Zvirevo 22:1-16 SNA2002

Zita rakanaka rinofanira kutsanangurwa kupfuura pfuma zhinji; Uye kudikanwa kupfuura sirivha nendarama. Vapfumi navarombo vanosangana pamwechete; Jehovha ndiye muiti wavo vose. Munhu akangwara anoona zvakaipa, ndokuvanda; Asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi. Mubayiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha Ipfuma nokukudzwa noupenyu. Minzwa nemisungo zviri panzira yousakarurama; Asi anochengeta mweya wake achagara kure nazvo. Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, Ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi. Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo; Anotora chikwerete, muranda, wowakamupa chikwerete. Unodzvara zvakaipa, uchacheka dambudziko; Shamhu yokutsamwa kwake ichanyangarika. Ane mwoyo munyoro acharopafadzwa; Nokuti anopa varombo zvokudya zvake. Dzinga mudadi, kukakavara kugoendawo; Nenharo nokunyadzwa zvichaguma. Anoda kuchena kwomwoyo, Nowane miromo inofadza, mambo achava shamwari yake. Meso aJehovha anochengeta ane zivo; Asi achakonesa mashoko omunhu anonyengedzera. Simbe inoti, “Kune shumba kunze, Ndingaurawa pakati penzira dzomumusha.” Muromo wavakadzi vokumwe igomba rakadzika; Anotsamwirwa naJehovha achawiramo. Upenzi hunonamatira mumwoyo womwana; Asi shamhu yokurairira ichahudzingira kure naye. Anomanikidza murombo, anomupfumisa; Anopa mupfumi zvipo, anongomushaisa.

Verenga chikamu Zvirevo 22